< Amosi 7 >

1 Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: Akanga achigadzirira chimokoto chemhashu mushure mokukohwewa kwomugove wamambo uye mumera wechipiri uchangobuda.
Thus the lord Jehovah showed me: And, behold, he formed locusts in the beginning of the shooting up of the latter growth, and, lo, it was the latter growth after the king's mowings.
2 Dzakati dzapedza zvose zvaiva munyika, ndakadanidzira ndichiti, “Ishe Jehovha chikanganwirai henyu! Ko, Jakobho angararame sei? Muduku kwazvo!”
And it came to pass that, when they made an end of eating the grass of the land, then I said, O lord Jehovah, forgive, I beseech thee. How shall Jacob stand, for he is small?
3 Nokudaro Jehovha akadzora mwoyo. Jehovha akati, “Izvi hazvichazoitika.”
Jehovah relented concerning this. It shall not be, says Jehovah.
4 Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: Ishe Jehovha akanga achidanidzira kuti pave nokutonga nomoto; wakaomesa gungwa rakadzika uye ukaparadza nyika.
Thus the lord Jehovah showed me: And, behold, the lord Jehovah called to contend by fire, and it devoured the great deep, and would have eaten up the land.
5 Ipapo ndakadanidzira ndichiti, “Ishe Jehovha, ndinokukumbirai, imbomirai henyu. Ko, Jakobho angararame sei? Muduku kwazvo!”
Then I said, O lord Jehovah, cease, I beseech thee. How shall Jacob stand, for he is small?
6 Nokudaro Jehovha akadzora mwoyo. Ishe Jehovha akati, “Izviwo hazvichaitiki.”
Jehovah relented concerning this. This also shall not be, says the lord Jehovah.
7 Izvi ndizvo zvaakandiratidza: Jehovha akanga akamira pamadziro akanga akavakwa zvakaenzaniswa nerwodzi, ane rwodzi rwokuyeresa muruoko rwake.
Thus he showed me: And, behold, the Lord stood beside a wall made by a plumb-line, with a plumb-line in his hand.
8 Uye Jehovha akandibvunza akati, “Unooneiko, Amosi?” Ndakapindura ndikati, “Rwodzi rwokuyeresa.” Ipapo Jehovha akati, “Tarira, ndichaisa rwodzi rwokuyeresa pakati pavanhu vangu vaIsraeri, handichavaponesazve.
And Jehovah said to me, Amos, what do thou see? And I said, A plumb-line. Then the Lord said, Behold, I will set a plumb-line in the midst of my people Israel. I will not again pass by them any more.
9 “Nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka dzichaparadzwa, uye nzvimbo tsvene dzaIsraeri dzichaitwa matongo; ndichamukira imba yaJerobhoamu nomunondo wangu.”
And the high places of Isaac shall be desolate, and the sanctuaries of Israel shall be laid waste, and I will rise against the house of Jeroboam with the sword.
10 Ipapo Amazia muprista weBheteri akatumira shoko kuna Jerobhoamu mambo weIsraeri achiti, “Amosi akaita rangano yokukumukirai pakati chaipo pemwoyo weIsraeri. Nyika haigoni kugamuchira mashoko ake ose.
Then Amaziah the priest of Bethel sent to Jeroboam king of Israel, saying, Amos has conspired against thee in the midst of the house of Israel. The land is not able to bear all his words.
11 Nokuti izvi ndizvo zviri kutaurwa naAmosi: “‘Jerobhoamu achafa nomunondo, uye Israeri ichaenda kuutapwa, zvirokwazvo kure nenyika yavo yechizvarwa.’”
For thus Amos says: Jeroboam shall die by the sword, and Israel shall surely be led away captive out of his land.
12 Ipapo Amazia akati kuna Amosi, “Ibva muno, iwe muoni! Dzokera kunyika yeJudha. Uzviwanire zvokudya zvako ikoko, uchiprofita ikoko.
Also Amaziah said to Amos, O thou seer, go, flee thou away into the land of Judah, and there eat bread, and prophesy there.
13 Usaprofitazve paBheteri, nokuti iyi ndiyo nzvimbo tsvene yamambo uye netemberi youmambo.”
But do not prophesy again any more at Bethel, for it is the king's sanctuary, and it is a royal house.
14 Amosi akapindura Amazia achiti, “Ndakanga ndisiri muprofita, kana mwanakomana womuprofita, asi ndaiva mufudzi nomutariri wemionde yemisikamo.
Then Amos answered, and said to Amaziah, I was no prophet, nor was I a prophet's son, but I was a herdsman, and a dresser of sycamore trees.
15 Asi Jehovha akanditora kubva paufudzi hwamakwai akati kwandiri, ‘Enda uprofite kuvanhu vangu Israeri.’
And Jehovah took me from following the flock, and Jehovah said to me, Go, prophesy to my people Israel.
16 Zvino, chinzwa shoko raJehovha. Iwe unoti, “Usaprofita pamusoro paIsraeri, uye rega kuparidza pamusoro peimba yaIsaka.”
Now therefore hear thou the word of Jehovah: Thou say, Do not prophesy against Israel, and do not drop thy word against the house of Isaac.
17 “Naizvozvo zvanzi naJehovha: “‘Mukadzi wako achava chifeve muguta, uye vanakomana nevanasikana vako vachaparadzwa nomunondo. Nyika yako ichayerwa igoganhurwa, uyezve iwe pachako uchafira munyika yevedzimwe ndudzi, Uye zvirokwazvo Israeri ichaenda kuutapwa, kure nenyika yavo yechizvarwa.’”
Therefore thus says Jehovah: Thy wife shall be a harlot in the city, and thy sons and thy daughters shall fall by the sword, and thy land shall be divided by line, and thou thyself shall die in a land that is unclean. And Israel shall surely be led away captive out of his land.

< Amosi 7 >