Preface
Read
+
Publisher
Nainoia, Inc.
PO Box 462, Bellefonte, PA 16823
(814) 470-8028
Nainoia Inc, Publisher
LinkedIn/NAINOIA-INC
Third Party Publisher Resources
Request Custom Formatted Verses
Please contact us below
Submit your proposed corrections
I understand that the Aionian Bible republishes public domain and Creative Commons Bible texts and that volunteers may be needed to present the original text accurately. I also understand that apocryphal text is removed and most variant verse numbering is mapped to the English standard. I have entered my corrections under the verse(s) below. Proposed corrections to the Shona Free Holy Bible, Amos Chapter 7 https://www.AionianBible.org/Bibles/Shona---Rakasununguka/Amos/7 1) Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: Akanga achigadzirira chimokoto chemhashu mushure mokukohwewa kwomugove wamambo uye mumera wechipiri uchangobuda. 2) Dzakati dzapedza zvose zvaiva munyika, ndakadanidzira ndichiti, “Ishe Jehovha chikanganwirai henyu! Ko, Jakobho angararame sei? Muduku kwazvo!” 3) Nokudaro Jehovha akadzora mwoyo. Jehovha akati, “Izvi hazvichazoitika.” 4) Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: Ishe Jehovha akanga achidanidzira kuti pave nokutonga nomoto; wakaomesa gungwa rakadzika uye ukaparadza nyika. 5) Ipapo ndakadanidzira ndichiti, “Ishe Jehovha, ndinokukumbirai, imbomirai henyu. Ko, Jakobho angararame sei? Muduku kwazvo!” 6) Nokudaro Jehovha akadzora mwoyo. Ishe Jehovha akati, “Izviwo hazvichaitiki.” 7) Izvi ndizvo zvaakandiratidza: Jehovha akanga akamira pamadziro akanga akavakwa zvakaenzaniswa nerwodzi, ane rwodzi rwokuyeresa muruoko rwake. 8) Uye Jehovha akandibvunza akati, “Unooneiko, Amosi?” Ndakapindura ndikati, “Rwodzi rwokuyeresa.” Ipapo Jehovha akati, “Tarira, ndichaisa rwodzi rwokuyeresa pakati pavanhu vangu vaIsraeri, handichavaponesazve. 9) “Nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka dzichaparadzwa, uye nzvimbo tsvene dzaIsraeri dzichaitwa matongo; ndichamukira imba yaJerobhoamu nomunondo wangu.” 10) Ipapo Amazia muprista weBheteri akatumira shoko kuna Jerobhoamu mambo weIsraeri achiti, “Amosi akaita rangano yokukumukirai pakati chaipo pemwoyo weIsraeri. Nyika haigoni kugamuchira mashoko ake ose. 11) Nokuti izvi ndizvo zviri kutaurwa naAmosi: “‘Jerobhoamu achafa nomunondo, uye Israeri ichaenda kuutapwa, zvirokwazvo kure nenyika yavo yechizvarwa.’” 12) Ipapo Amazia akati kuna Amosi, “Ibva muno, iwe muoni! Dzokera kunyika yeJudha. Uzviwanire zvokudya zvako ikoko, uchiprofita ikoko. 13) Usaprofitazve paBheteri, nokuti iyi ndiyo nzvimbo tsvene yamambo uye netemberi youmambo.” 14) Amosi akapindura Amazia achiti, “Ndakanga ndisiri muprofita, kana mwanakomana womuprofita, asi ndaiva mufudzi nomutariri wemionde yemisikamo. 15) Asi Jehovha akanditora kubva paufudzi hwamakwai akati kwandiri, ‘Enda uprofite kuvanhu vangu Israeri.’ 16) Zvino, chinzwa shoko raJehovha. Iwe unoti, “Usaprofita pamusoro paIsraeri, uye rega kuparidza pamusoro peimba yaIsaka.” 17) “Naizvozvo zvanzi naJehovha: “‘Mukadzi wako achava chifeve muguta, uye vanakomana nevanasikana vako vachaparadzwa nomunondo. Nyika yako ichayerwa igoganhurwa, uyezve iwe pachako uchafira munyika yevedzimwe ndudzi, Uye zvirokwazvo Israeri ichaenda kuutapwa, kure nenyika yavo yechizvarwa.’” Additional comments?
Refresh Captcha
The world's first Holy Bible un-translation!