< 1 Makoronike 9 >

1 VaIsraeri vose vakanyorwa munhoroondo dzakanyorwa mubhuku ramadzimambo eIsraeri. VaJudha vakatapwa vakaendeswa kuBhabhironi nokuda kwokusatendeka kwavo.
以色列人都按家谱计算,写在以色列诸王记上。犹大人因犯罪就被掳到巴比伦。
2 Zvino vakatanga kugara panyika yavo mumaguta avo vaiva vamwe vaIsraeri, vaprista, vaRevhi navaranda vomutemberi.
先从巴比伦回来,住在自己地业城邑中的有以色列人、祭司、利未人、尼提宁的首领。
3 Avo vaibva kuJudha, nevaibva kwaBhenjamini nevaibva kwaEfuremu naManase vaigara muJerusarema vaiva:
住在耶路撒冷的有犹大人、便雅悯人、以法莲人、玛拿西人。
4 Utai mwanakomana waAmihudhi, mwanakomana waOmuri, mwanakomana waImiri, mwanakomana waBhani, chizvarwa chaPerezi mwanakomana waJudha.
犹大儿子法勒斯的子孙中有乌太。乌太是亚米忽的儿子;亚米忽是暗利的儿子;暗利是音利的儿子;音利是巴尼的儿子。
5 VaShiro: Asaya uyo aiva dangwe navanakomana vake.
示罗的子孙中有长子亚帅雅和他的众子。
6 VaZerahi: Jeueri. Vanhu vaibva kuJudha vaiva mazana matanhatu namakumi mapfumbamwe.
谢拉的子孙中有耶乌利和他的弟兄,共六百九十人。
7 VaBhenjamini: Saru mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waHodhavhia, mwanakomana waHasenua;
便雅悯人中有哈西努的曾孙、何达威雅的孙子、米书兰的儿子撒路,
8 Ibhineya mwanakomana waJerohamu; Era mwanakomana waUzi, mwanakomana waMikiri; naMeshurami mwanakomana waShefatia, mwanakomana waReueri, mwanakomana waIbhiniya.
又有耶罗罕的儿子伊比尼雅,米基立的孙子、乌西的儿子以拉,伊比尼雅的曾孙、流珥的孙子、示法提雅的儿子米书兰,
9 Vanhu vorudzi rwaBhenjamini sezvazvakanyorwa munhoroondo yavo, vaisvika mazana mapfumbamwe namakumi mashanu navatanhatu. Varume ava vose vakanga vari vakuru vemhuri.
和他们的族弟兄,按着家谱计算共有九百五十六名。这些人都是他们的族长。
10 Vaprista: Jedhaya, naJehoyaribhi naJakini;
祭司中有耶大雅、耶何雅立、雅斤,
11 Azaria mwanakomana waHirikia, mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waMerayoti, mwanakomana waAhitubhi, mubati mukuru muimba yaMwari.
还有管理 神殿希勒家的儿子亚萨利雅。希勒家是米书兰的儿子;米书兰是撒督的儿子;撒督是米拉约的儿子;米拉约是亚希突的儿子。
12 Adhaya mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waPashuri, mwanakomana waMarikia; naMaasai mwanakomana waAdhieri, mwanakomana waJahazera, mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waMeshiremiti, mwanakomana waIma.
有玛基雅的曾孙、巴施户珥的孙子、耶罗罕的儿子亚大雅,又有亚第业的儿子玛赛;亚第业是雅希细拉的儿子;雅希细拉是米书兰的儿子;米书兰是米实利密的儿子;米实利密是音麦的儿子。
13 Vaprista, vaiva vakuru vemhuri, vaisvika chiuru namazana manomwe namakumi matanhatu. Vose vaiva varume vaikwanisa uye vaibata basa rokushumira muimba yaMwari.
他们和众弟兄都是族长,共有一千七百六十人,是善于做 神殿使用之工的。
14 VaRevhi: Shemaya mwanakomana waHashubhi, mwanakomana waAzirikami, mwanakomana waHashabhia, muMerari;
利未人米拉利的子孙中,有哈沙比雅的曾孙、押利甘的孙子、哈述的儿子示玛雅。
15 Bhakibhaka, Hereshi, Garari naMatania mwanakomana waMika, mwanakomana waZikiri, mwanakomana waAsafi;
有拔巴甲、黑勒施、迦拉,并亚萨的曾孙、细基利的孙子、米迦的儿子玛探雅,
16 Obhadhia mwanakomana waShemaya, mwanakomana waGarari, mwanakomana waJedhutuni; naBherekia mwanakomana waAsa, mwanakomana waErikana, vaigara mumisha yavaNetofati.
又有耶杜顿的曾孙、迦拉的孙子、示玛雅的儿子俄巴底,还有以利加拿的孙子、亚撒的儿子比利家。他们都住在尼陀法人的村庄。
17 Vatariri vamasuo: Sharumi, Akubhi, Tarimoni, Ahimani navanunʼuna vavo, Sharumi ari mukuru wavo,
守门的是沙龙、亚谷、达们、亚希幔,和他们的弟兄;沙龙为长。
18 vakaiswa paSuo raMambo kumabvazuva, kusvikira nanhasi. Ava ndivo vaiva vatariri vamasuo, okumusasa wavaRevhi.
从前这些人看守朝东的王门,如今是利未营中守门的。
19 Sharumi mwanakomana waKore mwanakomana waEbhiasafi, mwanakomana waKora navamwe vatariri vamasuo vokumhuri yake, vaKora, vaiva nebasa rokuchengetedza mikova yeTende sezvaingoitwa namadzibaba avo vakanga vane basa rokurinda suo rokupinda kuugaro hwaJehovha.
可拉的曾孙、以比雅撒的孙子、可利的儿子沙龙,和他的族弟兄可拉人都管理使用之工,并守会幕的门。他们的祖宗曾管理耶和华的营盘,又把守营门。
20 Panguva dzapakutanga Finehasi mwanakomana waEreazari ndiye aiva mukuru wavatariri vamasuo, uye Jehovha aiva naye.
从前以利亚撒的儿子非尼哈管理他们,耶和华也与他同在。
21 Zekaria mwanakomana waMesheremia aiva mutariri wesuo pamukova weTende Rokusangana.
米施利米雅的儿子撒迦利雅是看守会幕之门的。
22 Vose pamwe chete vakanga vasarudzwa kuti vave vatariri vamasuo pamikova vaisvika mazana maviri negumi navaviri. Vakanga vakanyorwa munhoroondo dzokuberekwa dzemisha yavo. Vatariri vamasuo vakapiwa mabasa avo nenzvimbo dzavo naDhavhidhi naSamueri muoni.
被选守门的人共有二百一十二名。他们在自己的村庄,按着家谱计算,是大卫和先见撒母耳所派当这紧要职任的。
23 Ivo nezvizvarwa zvavo vaiva nebasa rokurinda masuo eimba yaJehovha, imba yainzi Tende.
他们和他们的子孙按着班次看守耶和华殿的门,就是会幕的门。
24 Vatariri vamasuo vaiva kumativi mana, kumabvazuva, kumavirira, kumusoro nezasi.
在东西南北,四方都有守门的。
25 Vanunʼuna vavo mumisha yavo vaiuya nguva nenguva vachizogoverana mabasa avo vachiita madzoro amazuva manomwe.
他们的族弟兄住在村庄,每七日来与他们换班。
26 Asi vakuru vana pakati pavatariri vamasuo, vaiva vaRevhi, vakapiwa basa rokuchengetedza makamuri namatura epfuma muimba yaMwari.
这四个门领都是利未人,各有紧要的职任,看守 神殿的仓库。
27 Vaipedza usiku hwose vari panzvimbo dzavo vakapoteredza imba yaMwari, nokuti vaifanira kuichengetedza; uye vaiva nebasa rokuizarura mangwanani oga oga.
他们住在 神殿的四围,是因委托他们守殿,要每日早晨开门。
28 Vamwe vavo vaiva nebasa rokuchengetedza midziyo yaishandiswa muTemberi; vaiiverenga ichibuda voiverengazve yodzorerwa.
利未人中有管理使用器皿的,按着数目拿出拿入;
29 Vamwe vakapiwa basa rokuti vachengetedze nhumbi nemimwe midziyo yose yapanzvimbo tsvene pamwe chete noupfu hwakatsetseka newaini, namafuta, nezvinonhuhwira nemiti inonhuhwira.
又有人管理器具和圣所的器皿,并细面、酒、油、乳香、香料。
30 Asi vamwe vavaprista vaiitawo basa rokusanganisa miti inonhuhwira.
祭司中有人用香料做膏油。
31 MuRevhi ainzi Matitia, dangwe raSharumi muKora, akagadzwa basa rokubika chingwa chechipiriso.
利未人玛他提雅是可拉族沙龙的长子,他紧要的职任是管理盘中烤的物。
32 Vamwe vehama dzavo vaKohati vakapiwa basa rokubika chingwa chaizoiswa patafura pamaSabata ose.
他们族弟兄哥辖子孙中,有管理陈设饼的,每安息日预备摆列。
33 Avo vaiva vaimbi, vakuru vemhuri dzavaRevhi, vaigara mumakamuri omuTemberi uye vaisaita mamwe mabasa ose nokuti vaifanira kuita basa iri masikati nousiku.
歌唱的有利未人的族长,住在属殿的房屋,昼夜供职,不做别样的工。
34 Ava vose vaiva vakuru vemhuri dzavaRevhi, vakuru sezvavakanyorwa munhoroondo dzokuberekwa kwavo. Uye vaigara muJerusarema.
以上都是利未人著名的族长,住在耶路撒冷。
35 Jeyeri baba vaGibheoni aigara muGibheoni. Mukadzi wake ainzi Maaka,
在基遍住的有基遍的父亲耶利。他的妻名叫玛迦;
36 uye dangwe rake raivawo Abhidhoni, achiteverwa naZuri, Kishi, Bhaari, Neri, Nadhabhi,
他长子是亚伯顿。他又生苏珥、基士、巴力、尼珥、拿答、
37 Gedhori, Ahio, Zekaria naMikiroti.
基多、亚希约、撒迦利雅、米基罗。
38 Mikiroti aiva baba vaShimeamu. Ivowo vaigara pedyo nehama dzavo muJerusarema.
米基罗生示米暗。这些人和他们的弟兄在耶路撒冷对面居住。
39 Neri aiva baba vaKishi, Kishi ari baba vaSauro, uye Sauro aiva baba vaJonatani, Mariki-Shua, Abhinadhabhi naEshi-Bhaari.
尼珥生基士;基士生扫罗;扫罗生约拿单、麦基舒亚、亚比拿达、伊施·巴力。
40 Mwanakomana waJonatani ainzi Meribhi-Bhaari uye aiva baba vaMika.
约拿单的儿子是米力·巴力;米力·巴力生米迦。
41 Vanakomana vaMika vaiva Pitoni: Mereki, Tahirea naAhazi.
米迦的儿子是毗敦、米勒、他利亚、亚哈斯。
42 Ahazi aiva baba vaJadha, Jadha aiva baba vaAremeti, Azimavheti naZimiri, uye Zimiri aiva baba vaMoza.
亚哈斯生雅拉;雅拉生亚拉篾、亚斯玛威、心利;心利生摩撒;
43 Moza aiva baba vaBhinea; Refaya aiva mwanakomana wake, Ereasa mwanakomana wake naAzeri mwanakomana wake.
摩撒生比尼亚;比尼亚生利法雅;利法雅的儿子是以利亚萨;以利亚萨的儿子是亚悉。
44 Azeri aiva navanakomana vatanhatu, uye aya ndiwo mazita avo: Azirikami, Bhokeru, Ishumaeri, Sheariya, Obhadhia naHanani. Ava ndivo vaiva vana vaAzeri.
亚悉有六个儿子,他们的名字是亚斯利干、波基路、以实玛利、示亚利雅、俄巴底雅、哈难。这都是亚悉的儿子。

< 1 Makoronike 9 >