< KwabaseGalathiya 1 >

1 UPawuli umphostoli ongaveli ebantwini, njalo kungekho ngomuntu, kodwa ngoJesu Kristu, langoNkulunkulu uYise owamvusa kwabafileyo,
Pauro mupostori, asina kutumwa zvichibva kuvanhu kana kumunhu, asi naJesu Kristu naMwari Baba, iye akamumutsa kubva kuvakafa,
2 labazalwane bonke abalami, kumabandla eGalathiya:
nehama dzose dzineni, kukereke dziri muGaratia:
3 Umusa kawube kini lokuthula okuvela kuNkulunkulu uBaba, leNkosini yethu uJesu Kristu,
Nyasha norugare ngazvive nemi zvichibva kuna Mwari Baba vedu nokuna Ishe Jesu Kristu,
4 owazinikela ngenxa yezono zethu, ukuze asophule kulo umhlaba omubi wakhathesi, ngokwentando kaNkulunkulu loBaba wethu; (aiōn g165)
akazvipa nokuda kwezvivi zvedu kuti atisunungure kubva munyika yakaipa yazvino, maererano nokuda kwaMwari Baba vedu, (aiōn g165)
5 obukuye ubukhosi kuze kube nini lanini. Ameni. (aiōn g165)
ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni. (aiōn g165)
6 Ngiyamangala ukuthi limhlamuke masinyane kangaka lowo owalibizela emuseni kaKristu, laya kwelinye ivangeli;
Ndinoshamiswa kuti munokurumidza kusiya uyo akakudanai nenyasha dzaKristu muchitsaukira kune rimwe vhangeri,
7 elingeyisilo elinye; kodwa bakhona abanye abalididayo bethanda ukuhlanekela ivangeli likaKristu.
risati riri vhangeri chairo kana napaduku. Zviri pachena kuti vamwe vanhu vanoda kukukanganisai vachiedza kushandura vhangeri raKristu.
8 Kodwa lanxa kungaba yithi kumbe ingilosi evela ezulwini engalitshumayeza ivangeli elehlukene lalelo esalitshumayeza lona, kayibe yisiqalekiso.
Asi kunyange isu kana mutumwa anobva kudenga akaparidza vhangeri risati riri ratakakuparidzirai, ngaatukwe nokusingaperi!
9 Njengoba sesitshilo, lakhathesi ngiyaphinda ngithi: Uba umuntu elitshumayeza ivangeli elehlukene lalelo elalemukelayo, kabe yisiqalekiso.
Sezvatakamboreva, tinodarozve zvino tichiti: Kana kuno munhu upi zvake ari kuparidza kwamuri vhangeri kunze kweramakagamuchira, ngaave akatukwa nokusingaperi!
10 Ngoba ngincenga abantu loba uNkulunkulu khathesi yini? Kumbe ngidinga ukuthokozisa abantu yini? Ngoba uba ngisathokozisa abantu, ngingebe yinceku kaKristu.
Ko, ndiri kuedza kuzviratidza kuvanhu here kana kuti kuna Mwari? Kana kuti ndiri kuedza kufadza vanhu here? Dai ndakanga ndichiri kuedza kufadza vanhu, ndingadai ndisiri muranda waKristu.
11 Kodwa ngiyalazisa, bazalwane, ivangeli elatshunyayelwa yimi, ukuthi alinjengokomuntu.
Ndinoda kuti muzive, hama, kuti vhangeri randakaparidza harisi chimwe chinhu chakangomuka mumunhu.
12 Ngoba lami kangilemukelanga emuntwini, futhi kangilifundiswanga, kodwa ngokwembulelwa kukaJesu Kristu.
Handina kurigamuchira kubva kumunhu upi zvake uye handina kuridzidziswa, asi ndakarigamuchira nokuzarurirwa kunobva kuna Jesu Kristu.
13 Ngoba selizwile ukuhamba kwami kwakuqala kobuJuda, ukuthi ngalizingela kakhulukazi sibili ibandla likaNkulunkulu, njalo ngangilichitha;
Nokuti makanzwa zvamararamiro angu akare muchiJudha, kuti ndakatambudza zvikuru sei kereke yaMwari uye ndikaedza kuiparadza.
14 njalo ngangiphumelela kubuJuda ngaphezu kwabanengi abayintanga yami esizweni sami, ngatshisekela ngokwengeziweyo amasiko abobaba.
Ndakanga ndichishingaira kwazvo muchiJudha ndichipfuura vaJudha vazhinji vezera rangu uye ndakanga ndichishingairira tsika dzamadzibaba angu.
15 Kodwa nxa kwaba kuhle kuNkulunkulu, owangehlukanisa kusukela esizalweni sikamama, wangibiza ngomusa wakhe,
Asi Mwari akanditsaura kubva pakuzvarwa kwangu uye akandidana nenyasha dzake, paakafadzwa nazvo
16 ukwembula iNdodana yakhe kimi, ukuze ngiyitshumayele phakathi kwabezizwe, khona lapho kangelulekananga lenyama legazi;
kuti aratidze Mwanakomana wake mandiri kuti ndimuparidze pakati pavaHedheni, handina kutongobvunza munhu,
17 futhi kangenyukelanga eJerusalema kubo ababengabaphostoli ngaphambi kwami, kodwa ngasuka ngaya eArabhiya, ngasengiphinda ngibuyela eDamaseko.
uye handina kuenda kuJerusarema kuti ndinoona vaya vakanga vari vapostori vakanditangira, asi nokukurumidza ndakaenda kuArabhia ndikazodzokazve kuDhamasiko pashure.
18 Emva kwalokho sekwedlule iminyaka emithathu ngenyukela eJerusalema ukuyabonana loPetro, ngasengihlala laye insuku ezilitshumi lanhlanu.
Ipapo shure kwamakore matatu, ndakakwira kuJerusarema kuti ndinozivana naPetro uye ndikandogara naye kwamazuva gumi namashanu.
19 Kodwa kangibonanga lamunye wabaphostoli, ngaphandle kukaJakobe umfowabo weNkosi.
Handina kuona vamwe vavapostori, kunze kwaJakobho mununʼuna waShe.
20 Lezinto engilibhalela zona, khangelani, phambi kukaNkulunkulu, kangiqambi manga.
Ndinotaura chokwadi pamberi paMwari kuti zvandinokunyorerai izvi hadzisi nhema.
21 Emva kwalokho ngaya ezabelweni zeSiriya lezeKilikhiya.
Pashure ndakaenda kuSiria nokuSirisia.
22 Njalo ngangingakaziwa ngobuso emabandleni eJudiya ayekuKristu;
Ndakanga ndisingazivikanwi pachiso kukereke dzeJudhea dziri muna Kristu.
23 kodwa ayesizwa nje ukuthi: Owake wasizingela, usetshumayela ukholo owake waluchitha,
Vakangonzwa zvakaziviswa bedzi zvokuti, “Munhu uya aititambudza kare ava kuparidza zvino kutenda kuya kwaakanga achiedza kuparadza.”
24 asedumisa uNkulunkulu kimi.
Uye vakarumbidza Mwari nokuda kwangu.

< KwabaseGalathiya 1 >