< KwabaseGalathiya 4 >
1 Kodwa ngithi, ngaso sonke isikhathi indlalifa iseyingane, kayehlukananga ngalutho esigqilini lanxa ingumnikazi wakho konke;
Zvandinoreva ndezvokuti kana mudyi wenhaka achiri mwana, haana kusiyana nenhapwa, kunyange hazvo ari muridzi wezvinhu zvose.
2 kodwa ingaphansi kwabaphathi lababonisi, kuze kufike isikhathi esamiswa nguyise.
Ari pasi pavatariri navachengeti kusvikira panguva yakatarwa nababa vake.
3 Ngokunjalo lathi, lapho siseyizingane, sasiyizigqili ngaphansi kwemfundiso zakuqala zomhlaba;
Saizvozvowo, patakanga tiri vana, takanga tiri muutapwa pasi pezvokuvamba zvenyika.
4 kodwa kwathi ukuphelela kwesikhathi sekufikile, uNkulunkulu wathuma iNdodana yakhe, yazalwa ngowesifazana, yenziwa ngaphansi komthetho,
Asi nguva yakati yakwana, Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa nomukadzi, akaberekwa pasi pomurayiro,
5 ukuze ihlenge abangaphansi komlayo, ukuze semukele ukuma kwabantwana.
kuti adzikinure avo vari pasi pomurayiro, kuti tigamuchire kodzero yakazara yavanakomana.
6 Njengoba lingamadodana, uNkulunkulu wathuma uMoya weNdodana yakhe enhliziyweni zenu, ememeza esithi: Abha, Baba!
Nokuda kwokuti muri vanakomana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo yedu, Mweya anodana achiti, “Abha, Baba.”
7 Ngakho kawuseyiso isigqili, kodwa indodana; njalo uba uyindodana, futhi uyindlalifa kaNkulunkulu ngoKristu.
Saka hamuchisiri nhapwa, asi vanakomana; uye sezvo muri vanakomana, Mwari akakuitaiwo vadyi venhaka.
8 Kodwa ngalesosikhathi, lingamazi uNkulunkulu, laliyizigqili kulabo abangeyisibo onkulunkulu ngemvelo;
Kare, pamakanga musingazivi Mwari, makanga muri nhapwa kuna avo vakanga vasiri vamwari chaivo.
9 kodwa khathesi lokhu selimazi uNkulunkulu, yebo kangithi lisaziwa nguNkulunkulu, libuyela njani futhi kumfundiso zakuqala ezibuthakathaka leziyibuyanga, elifuna ukuba yizigqili zazo futhi kakutsha?
Asi zvino zvamava kuziva Mwari, kana kuti munozivikanwa naMwari, seiko mava kudzokera kune zvokuvamba zvisina simba uye zvinonzwisa urombo? Munodazve kuitwa nhapwa nazvo here?
10 Ligcina izinsuku, lezinyanga lezikhathi, leminyaka.
Muri kucherechedza mazuva akasarudzika uye mwedzi nemwaka namakore!
11 Ngilovalo ngani, hlezi ngitshikatshikele ize kini.
Ndinokutyirai kuti zvichida ndakatambisa simba rangu pamusoro penyu.
12 Banini njengami, ngoba lami nginjengani, bazalwane, ngiyalincenga; kalingonanga ngalutho;
Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama, kuti muve seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna kunditadzira.
13 liyazi-ke ukuthi ngobuthakathaka benyama ngatshumayela ivangeli kini ngokokuqala,
Sezvamunoziva imi, kuti nokuda kwourwere ndakatanga kuparidza vhangeri kwamuri.
14 lokulingwa kwami okwakusenyameni yami kalikudelelanga njalo kalikwenyanyanga, kodwa langemukela njengengilosi kaNkulunkulu, njengoKristu Jesu.
Kunyange zvazvo kurwara kwangu kwaiva muedzo kwamuri, hamuna kundisema kana kundimhura. Asi, makandigamuchira sokunge ndaiva mutumwa waMwari, sokunge ndakanga ndiri Jesu Kristu chaiye.
15 Ngakho sasiyini isibusiso senu? Ngoba ngiyalifakazela ukuthi, uba kungenzeka, lalingakhupha amehlo enu linginike.
Ko, chii chakaitika kumufaro wenyu wose uya? Ndinogona kupupura kuti dai zvaibvira, mungadai makatumbura meso enyu makaapa kwandiri.
16 Ngakho sengibeyisitha senu ngokulitshela iqiniso yini?
Zvino ndava muvengi wenyu zvandakuudzai chokwadi here?
17 Bayalitshisekela ngokungekuhle; kodwa bafuna ukulivalela ngaphandle, ukuze litshisekele bona.
Vanhu ivavo vanoshingaira kuti vakubatei, asi pazvinhu zvisina kunaka. Zvavanoda ndezvokukutsausai kubva kwatiri, kuitira kuti imi mugovashingairira.
18 Kodwa kuhle ukuthi litshisekelelwe kokuhle isikhathi sonke, njalo kungabi sebukhoneni bami lani kuphela.
Zvakanaka kwazvo kushingaira, kana chinangwa chacho chakanaka, uye kuti muite izvozvo nguva dzose kwete kana ndinemi bedzi.
19 Bantwana bami abancane, engilomhelo futhi wokulizala aze uKristu abunjwe kini,
Vana vangu vanodikanwa, vandinotamburirazve pakubereka kusvikira Kristu aumbwa mamuri,
20 kodwa bengingathanda ukuba khona lani khathesi, ngiphendule ilizwi lami, ngoba ngididekile ngani.
ndaida sei kuti ndive nemi zvino uye ndishandure matauriro angu, nokuti ndiri kukanganisika nokuda kwenyu.
21 Ngitshelani, lina elithanda ukuba ngaphansi komlayo, kaliwuzwa yini umlayo?
Ndiudzei, imi munoda kuva pasi pomurayiro, hamuzivi here zvinoreva murayiro?
22 Ngoba kulotshiwe ukuthi uAbrahama wayelamadodana amabili; enye ingeyesigqilikazi, lenye ingeyokhululekileyo.
Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahama akanga ana vanakomana vaviri, mumwe nomukadzi woutapwa uye mumwe nomukadzi akasununguka.
23 Kodwa eyesigqilikazi yazalwa ngokwenyama, kodwa eyokhululekileyo ngesithembiso.
Mwanakomana wake womukadzi mutapwa akaberekwa nenzira yenyama; asi mwanakomana wake womukadzi akasununguka akaberekwa nokuda kwechipikirwa.
24 Okuyizinto ezingumzekeliso; ngoba laba bayizivumelwano ezimbili; esinye esentabeni iSinayi, esizalela ebugqilini, esinguAgari.
Zvinhu izvi zvinofananidzira, nokuti vakadzi ava vanomirira sungano mbiri. Imwe sungano inobva paGomo reSinai uye inobereka vana vanofanira kuva nhapwa: Ndiye Hagari.
25 Ngoba lokhu, uAgari, kuyintaba iSinayi eseArabhiya, njalo imele iJerusalema yalamuhla, futhi iyisigqili kanye labantwana bayo.
Zvino Hagari anomirira Gomo reSinai muArabhia uye rakaenzana neguta reJerusarema razvino, nokuti riri pautapwa navana varo.
26 Kodwa iJerusalema ephezulu ikhululekile, engumama wethu sonke;
Asi Jerusarema riri kumusoro rakasununguka, uye ndivo mai vedu.
27 ngoba kulotshiwe ukuthi: Thokoza, wena nyumba engazaliyo; kekela umemeze, wena ongawuzwanga umhelo; ngoba abantwana botshiyiweyo banengi okwedlula kakhulu kulaye olendoda.
Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Fara iwe mukadzi asingabereki, asingabereki vana; pembera udanidzire, iwe usingarwadziwi nokubereka; nokuti vana vomukadzi akasiyiwa vazhinji kupfuura vouyo ano murume.”
28 Kodwa thina, bazalwane, njengoIsaka singabantwana besithembiso.
Zvino imi hama, muri vana vechipikirwa saIsaka.
29 Kodwa njengakulesosikhathi owazalwa ngokwenyama wamzingela yena ongowakoMoya, kunjalo lakhathesi.
Panguva iyoyo mwanakomana akazvarwa nenzira yenyama akatambudza mwanakomana akaberekwa nesimba roMweya. Zvakadaro nanhasi.
30 Kodwa umbhalo uthini? Uthi: Xotsha isigqilikazi lendodana yaso; ngoba indodana yesigqilikazi kayisoze idle ilifa kanye lendodana yokhululekileyo.
Asi Rugwaro runoti kudiniko? “Dzinga murandakadzi nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womurandakadzi haangatongogovani nhaka nomwanakomana womukadzi akasununguka.”
31 Ngakho, bazalwane, kasisibo abantwana besigqilikazi, kodwa bokhululekileyo.
Naizvozvo, hama, isu hatizi vana vomurandakadzi, asi vomukadzi akasununguka.