< Imisebenzi 10 >

1 Kwakukhona eKesariya indoda ethile ngebizo nguKorneliyu, induna yekhulu yebutho elithiwa ngeleIthaliya,
PaKesaria pakanga pano mumwe murume ainzi Koniriasi, mukuru wezana weHondo yavaItaria.
2 eqotho lemesabayo uNkulunkulu kanye lendlu yayo yonke, eyenza imisebenzi yomusa eminengi ebantwini, ikhuleka njalonjalo kuNkulunkulu;
Iye nemhuri yake vakanga vakazvipira uye vaitya Mwari; aipa kwazvo kuna vanoshayiwa uye ainyengetera kuna Mwari nguva dzose.
3 yabona embonweni ngokucacileyo, ngokungaba lihola lesificamunwemunye losuku, ingilosi kaNkulunkulu ingena kuyo, yasisithi kuyo: Korneliyu!
Mumwe musi panguva inenge yechitatu masikati akaona chiratidzo. Akanyatsoona mutumwa waMwari, uyo akauya kwaari akati, “Koniriasi!”
4 Waseyijolozela efikelwa yikwesaba wathi: Kuyini, Nkosi? Yasisithi kuye: Imikhuleko yakho lezipho zakho kubayanga kwenyuke kwaba yisikhumbuzo phambi kukaNkulunkulu.
Koniriasi akatarisa kwaari achitya, akati, “Chinyiko, Ishe?” Mutumwa akapindura akati, “Minyengetero yako nezvipo zvako kuvarombo zvakwira kudenga sechipiriso chechirangaridzo pamberi paMwari.
5 Khathesi-ke thuma amadoda eJopha, ubize uSimoni othiwa futhi nguPetro;
Zvino tuma vanhu kuJopa vandodana murume anonzi Simoni, achinziwo Petro.
6 yena ungenisile kuSimoni othile umtshuki wezikhumba, ondlu yakhe iselwandle; yena uzakutshela ofanele ukwenze.
Ari kugara naSimoni musuki wamatehwe, ane imba iri pedyo negungwa.”
7 Kwathi ingilosi ebikhuluma loKorneliyu isihambile, wabiza ababili kwabendlu yakhe, lowebutho oqotho kulabo ababemlinda,
Mutumwa waakanga achitaura naye akati aenda, Koniriasi akadana varanda vake vaviri nomumwe murwi akatendeka uyo aiva mumwe wavachengeti vake.
8 njalo eselandisile konke kubo, wabathuma eJopha.
Akavarondedzera zvose zvakanga zvaitika ndokuvatuma kuJopa.
9 Njalo kusisa bona besahamba sebesondela emzini, uPetro wenyukela phezu kophahla lwendlu ukuyakhuleka, okungaba lihola lesithupha;
Nenguva dzinenge dzamasikati dzezuva raitevera, vachiri parwendo rwavo, uye voswedera pedyo neguta, Petro akakwira pamusoro pedenga reimba kundonyengetera.
10 waselamba kakhulu, wafuna ukudla; kwathi bona besamlungisela, ukuhlehliswa kwengqondo kwamehlela,
Akanzwa nzara uye akada zvokudya, uye zvokudya zvakati zvichigadzirwa, akaona chiratidzo.
11 wasebona izulu livulekile, lesitsha esithile sehlela kuye, njengelembu elikhulu, libotshwe ngamasondo amane, lisehliselwa emhlabeni;
Akaona denga razarurwa uye chimwe chinhu chakanga chakaita sejira guru chichiburutswa pasi chakasungwa makona acho mana.
12 okwakukhona kulo izidalwa zonke ezilenyawo ezine zomhlaba lezeganga lezihuquzelayo lenyoni zezulu.
Chakanga chine mhando dzose dzemhuka dzina makumbo mana, pamwe chete nezvinokambaira zvenyika, neshiri dzedenga.
13 Kwasekufika ilizwi kuye lathi: Sukuma, Petro, hlaba udle.
Ipapo inzwi rakati kwaari, “Simuka, Petro. Baya udye.”
14 Kodwa uPetro wathi: Hatshi bo, Nkosi; ngoba kangizake ngidle loba yini engahlambulukanga kumbe engcolileyo.
Petro akapindura akati, “Zvirokwazvo kwete, Ishe! Handina kutongodya chinhu chisina kunaka kana chine tsvina.”
15 Ilizwi laphinda ngokwesibili kuye: Izinto uNkulunkulu azihlambululileyo, wena ungatsho ukuthi kazihlambulukanga.
Inzwi rakataurazve kwaari kechipiri richiti, “Usati chinhu chipi zvacho chakanatswa naMwari chine tsvina.”
16 Njalo lokhu kwenzeka kwaze kwaba kathathu; lesitsha sabuya saphakanyiselwa ezulwini.
Izvi zvakaitika katatu, pakarepo jira rikadzoserwa kudenga.
17 Kwathi uPetro esadidekile ngaphakathi kwakhe ukuthi ngabe uyini umbono awubonileyo, njalo khangela, amadoda ayethunywe evela kuKorneliyu, esebuzile indlu kaSimoni, ema esangweni,
Petro achiri kushamiswa nezvaireva chiratidzo, varume vakanga vatumwa naKoniriasi vakawana pakanga pane imba yaSimoni uye vakamira pasuo.
18 esememezile abuza ukuthi uSimoni, othiwa futhi nguPetro, ungenisile lapha yini.
Vakadanidzira vachibvunza kana pakanga pari ipo paigara Simoni ainziwo Petro.
19 Kwathi uPetro esanakana ngombono, uMoya wathi kuye: Khangela, amadoda amathathu ayakudinga.
Petro achiri kufunga pamusoro pechiratidzo, Mweya akati kwaari, “Simoni, pane varume vatatu vari kukutsvaka.
20 Ngakho sukuma wehle, uhambe lawo, ungathandabuzi; ngoba yimi engiwathumileyo.
Saka simuka uburuke uende pasi. Usatya kuenda navo, nokuti ndini ndavatuma.”
21 UPetro wasesehlela emadodeni avela kuKorneliyu ayethunywe kuye, wathi: Khangelani, yimi elimdingayo; yisizatho bani elize ngaso?
Petro akaburuka akandoti kuvarume ava, “Ndini wamuri kutsvaka. Mavingeiko?”
22 Basebesithi: UKorneliyu induna yekhulu, indoda elungileyo lemesabayo uNkulunkulu, efakazelwa yisizwe sonke samaJuda, walayelwa nguNkulunkulu ngengilosi engcwele ukuthi akubizele endlini yakhe, njalo ezwe amazwi kuwe.
Varume vaya vakamupindura vakati, “Tabva kuna Koniriasi mukuru wezana. Munhu akarurama uye anotya Mwari, anokudzwa navanhu vose vechiJudha. Mutumwa mutsvene akamuudza kuti akudanei kuti muuye kumba kwake kuti azonzwa zvamuchareva kwaari.”
23 Ngakho esebabizele phakathi wabangenisa. Njalo kusisa uPetro waphuma wahamba labo, labanye babazalwane ababeseJopha bahamba laye.
Ipapo Petro akakoka varume ava kuti vapinde mumba vave vaeni vake. Fume mangwana Petro akasimuka pamwe chete navo, uye dzimwe hama dzokuJopa dzakaendawo naye.
24 Ngosuku olulandelayo basebengena eKesariya. LoKorneliyu wayebalindele, esebizele ndawonye izihlobo zakhe labangane abazwana laye.
Zuva rakatevera akasvika Kesaria. Koniriasi akanga akavamirira uye akanga akoka hama dzake neshamwari dzapedyo.
25 Kwathi sekwenzakele ukuthi uPetro angene, uKorneliyu wamhlangabeza, ewela enyaweni zakhe, wamkhonza.
Petro akati apinda mumba, Koniriasi akamugamuchira uye akawira patsoka dzake achimuremekedza.
26 Kodwa uPetro emphakamisa, wathi: Sukuma; lami ngokwami ngingumuntu.
Asi Petro akaita kuti asimuke akati, “Simuka, ndinongova munhuwo zvangu.”
27 Njalo esakhuluma layo wangena, wafica abanengi bebuthene,
Petro achitaura naye, akapinda mumba akawana vanhu vazhinji vakaungana.
28 wasesithi kubo: Lina liyazi ukuthi kakuvunyelwa emuntwini ongumJuda ukuhlangana kumbe ukuya emuntwini wesinye isizwe; kodwa uNkulunkulu ungitshengisile ukuthi ngingabizi muntu ngokuthi kahlambulukanga kumbe ungcolile;
Akati kwavari, “Imi munozviziva kuti hazvibvumirwi nomurayiro wedu kuti muJudha adyidzane nomuhedheni kana kumushanyira. Asi Mwari andiratidza kuti handifaniri kuti nditi munhu haana kunaka kana kuti ane tsvina.
29 ngakho-ke ngizile ngingaphikisanga nxa ngibizwa. Ngakho ngiyabuza, ukuthi ungibizele sizatho bani?
Nokudaro pandakadanwa, ndakabva ndauya ndisingarambi. Regai ndichibvunza hangu kwamuri kuti mandidanirei?”
30 UKorneliyu wasesithi: Ngensuku ezine ezidlulileyo kuze kube yilelihola ngangizila ukudla, ngehola lesificamunwemunye ngangikhuleka endlini yami; njalo khangela, indoda yema phambi kwami yembethe isembatho esikhazimulayo,
Koniriasi akapindura akati, “Mazuva mana apfuura ndakanga ndiri mumba mangu ndichinyengetera senguva ino, nenguva yechitatu yamasikati. Pakarepo munhu akanga akapfeka nguo dzinopenya akamira pamberi pangu
31 yasisithi: Korneliyu, umkhuleko wakho uzwakele, lemisebenzi yakho yomusa ikhunjulwe phambi kukaNkulunkulu.
akati, ‘Koniriasi, Mwari anzwa minyengetero yako uye arangarira zvipo zvako kuvarombo.
32 Ngakho thumela eJopha, ubusubiza uSimoni othiwa futhi nguPetro; yena ungenisile endlini kaSimoni umtshuki wezikhumba ngaselwandle; ozakuthi angabuya akutshele.
Tumira vanhu kuJopa kuna Simoni anonzi Petro. Mueni mumba maSimoni musuki wamatehwe, anogara pedyo negungwa.’
33 Ngakho ngahle ngathumela kuwe; njalo wena wenze kuhle ukuthi ufike. Ngakho khathesi sesikhona sonke phambi kukaNkulunkulu ukuze sizwe konke okulayelwe nguNkulunkulu.
Saka ndakabva ndatumira vanhu kwamuri pakarepo, uye maita zvakanaka zvamauya. Zvino isu tose tiri pano pamberi paMwari kuti tinzwe kwamuri zvose zvamarayirwa naShe kuti muzotitaurira.”
34 Kwathi uPetro evula umlomo, wathi: Ngeqiniso ngiyaqedisisa ukuthi uNkulunkulu kayisuye umkhangeli wobuso bomuntu;
Ipapo Petro akatanga kutaura achiti, “Zvino ndava kuziva kuti zvirokwazvo Mwari haazi mutsauri wavanhu
35 kodwa kuso sonke isizwe yena omesabayo lowenza ukulunga, uyemukeleka kuye.
asi anogamuchira vanhu vanobva kundudzi dzose, ivo vanomutya uye vanoita zvakarurama.
36 Ilizwi alithumela kubantwana bakoIsrayeli, ngevangeli etshumayela ukuthula ngoJesu Kristu (yena uyiNkosi yabo bonke).
Imi munoziva shoko rakatumwa naMwari kuvanhu veIsraeri, achivaudza mashoko akanaka orugare kubudikidza naJesu Kristu, anova Ishe wavose.
37 Lina liyalazi ilizwi elamenyezelwa eJudiya yonke, kusukela eGalili, emva kobhabhathizo uJohane alutshumayelayo;
Munoziva zvakaitika muJudhea yose, kutanga kuGarirea shure kworubhabhatidzo rwakaparidzwa naJohani,
38 uJesu weNazaretha, ukuthi uNkulunkulu wamgcoba njani ngoMoya oNgcwele langamandla, owabhoda esenza okulungileyo njalo esilisa bonke labo abacindezelwe ngudiyabhola, ngoba uNkulunkulu wayelaye.
zvokuti Mwari akazodza sei Jesu Kristu weNazareta noMweya Mutsvene nesimba, uye kuti akapota sei nenyika achiita zvakanaka achiporesa vose vakanga vari pasi pesimba radhiabhori, nokuti Mwari aiva naye.
39 Lathi singabafakazi bezinto zonke azenzayo elizweni lamaJuda leJerusalema; abambulala bamphanyeka esihlahleni.
“Isu tiri zvapupu zvezvinhu zvose zvaakaita munyika yavaJudha nomuJerusarema. Vakamuuraya nokumuturika pamuti,
40 Yena uNkulunkulu wamvusa ngosuku lwesithathu, wasemnika ukuze abonakale,
asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa nezuva retatu akaita kuti aonekwe.
41 kungeyisikho kubo bonke abantu, kodwa kubafakazi ababekhethwe ngaphambili nguNkulunkulu, kithi, esadla sanatha kanye laye emva kokuvuka kwakhe kwabafileyo.
Haana kuonekwa navanhu vose, asi nezvapupu zvakanga zvagara zvasarudzwa naMwari nesu takadya uye tikanwa naye shure kwokumuka kwake kubva kuvakafa.
42 Wasesilaya ukuthi sitshumayele ebantwini, sifakaze ukuthi nguye omiswe nguNkulunkulu ukuba nguMehluli wabaphilayo labafileyo.
Akatirayira kuti tiparidze kuvanhu uye tipupure kuti ndiye akagadzwa naMwari kuti ave mutongi wavapenyu navakafa.
43 Ngaye bonke abaprofethi bafakaza, ukuthi wonke okholwa kuye uzakwemukela uthethelelo lwezono ngebizo lakhe.
Vaprofita vose vanopupura nezvake kuti ani naani anotenda kwaari anogamuchira kanganwiro yezvivi kubudikidza nezita rake.”
44 Kwathi uPetro esakhuluma lawomazwi, uMoya oyiNgcwele wehlela phezu kwabo bonke abalizwayo ilizwi.
Petro achiri kutaura mashoko aya, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavose vakanzwa shoko.
45 Labokusoka abakholwayo basanganiseka, bonke ababefike loPetro, ukuthi isipho sikaMoya oNgcwele sathululelwa laphezu kwabezizwe;
Vatendi vakadzingiswa vakanga vauya naPetro vakakatyamara nokuti chipo choMweya Mutsvene chakanga chadururirwa kunyange napamusoro pevedzimwe ndudziwo.
46 ngoba babezwa bekhuluma ngendimi, bekhulisa uNkulunkulu. Khona uPetro waphendula wathi:
Nokuti vakavanzwa vachitaura nendimi vachirumbidza Mwari. Ipapo Petro akati,
47 Ukhona yini ongala lamanzi, ukuthi laba bangabhabhathizwa, abemukele uMoya oyiNgcwele lanjengathi?
“Pano munhu angadzivisa vanhu ava kuti vabhabhatidzwe nemvura here? Vagamuchira Mweya Mutsvene sezvatakangoitawo isu.”
48 Waselaya ukuthi babhabhathizwe ebizweni leNkosi. Basebemcela ukuthi ahlale insuku ezithile.
Naizvozvo akarayira kuti vabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu. Ipapo vakakumbira Petro kuti ambogara navo kwamazuva mashoma.

< Imisebenzi 10 >