< KwabaseRoma 1 >
1 UPawuli, inceku kaJesu Kristu, ebizelwe ukuba ngumphostoli, ehlukaniselwe ivangeli likaNkulunkulu,
Pauro, muranda waJesu Kristu, akadanwa kuti ave mupostori uye akatsaurirwa vhangeri raMwari,
2 (alithembisa ngaphambili ngabaprofethi bakhe emibhalweni engcwele),
vhangeri raakavimbisa kare kubudikidza navaprofita vake muMagwaro Matsvene
3 mayelana leNdodana yakhe, eyavela enzalweni kaDavida ngokwenyama,
pamusoro poMwanakomana wake, uyo pakuberekwa kwake somunhu akanga ari chizvarwa chaDhavhidhi,
4 eyabonakaliswa ukuba yiNdodana kaNkulunkulu ngamandla, ngokukaMoya wobungcwele, ngokuvuka kwabafileyo, uJesu Kristu iNkosi yethu;
uye akaratidzwa nesimba kubudikidza naMweya Mutsvene kuti ndiye Mwanakomana waMwari, nokumuka kwake kubva kuvakafa: Jesu Kristu Ishe wedu.
5 esemukela ngaye umusa lobuphostoli ukuthi kube yikulalela kokholo phakathi kwezizwe zonke, ngenxa yebizo lakhe,
Kubudikidza naye uye nokuda kwezita rake, takagamuchira nyasha noupostori, kuti tidane vanhu kubva pakati pavaHedheni vose kuti vave nokuteerera kunobva pakutenda.
6 elikuzo lani, babiziweyo bakaJesu Kristu:
Uye nemiwo muri pakati paavo vakadanwa kuti muve vaJesu Kristu.
7 Kubo bonke abaseRoma, abathandiweyo bakaNkulunkulu, ababizelwe ukuba ngabangcwele: Kakube kini umusa lokuthula okuvela kuNkulunkulu uBaba wethu leNkosini uJesu Kristu.
Kuna vose vari muRoma vanodiwa naMwari uye vakadanwa kuti vave vatsvene: Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna Mwari Baba vedu, nokuna Ishe Jesu Kristu.
8 Kuqala-ke ngibonga uNkulunkulu wami ngoJesu Kristu ngani lonke, ukuthi ukholo lwenu lumenyezelwa emhlabeni wonke.
Pakutanga, ndinovonga Mwari wangu muna Jesu Kristu pamusoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kunoparidzwa panyika yose.
9 Ngoba uNkulunkulu ungumfakazi wami, engimkhonza emoyeni wami ngevangeli leNdodana yakhe, ukuthi kangiyekeli ukulikhumbula,
Mwari, wandinoshumira nomwoyo wangu wose mukuparidza vhangeri roMwanakomana wake, ndiye chapupu changu kuti ndinoramba sei ndichikurangarirai
10 ngesikhathi sonke emikhulekweni yami ngicela, ukuthi nxa kusenzeka ngentando kaNkulunkulu, ngiphumelele ukuza kini ekucineni.
muminyengetero yangu nguva dzose; uye ndinonyengeterera kuti zvino pakupedzisira nokuda kwaMwari ndizarurirwe mukana wokuti ndiuye kwamuri.
11 Ngoba ngilangatha ukulibona, ukuze ngiliphe isipho esithile somoya, ukuze liqiniswe,
Ndinoshuva zvikuru kuti ndikuonei kuti ndigokupai chipo chomweya kuti mugova makasimbiswa,
12 okuyikuthi, siduduzeke ndawonye phakathi kwenu ngokholo olukomunye lomunye, olwenu kanye lolwami.
ndiko kuti, imi neni tikurudzirwe pamwe chete nokutenda kwomumwe nomumwe wedu.
13 Kanti angithandi ukuthi kungaziwa kini, bazalwane, ukuthi ngazimisela kanengi ukuza kini (ngasengibambeka kuze kube khathesi), ukuze ngizuze esinye isithelo laphakathi kwenu, lanjengaphakathi kwezinye izizwe.
Handidi kuti musaziva, hama, kuti ndakaronga kazhinji kuti ndiuye kwamuri (asi ndakatadziswa kuita saizvozvo kusvikira zvino) kuti ndive nezvibereko pakati penyu, sezvandakaita pakati pavamwe veDzimwe Ndudzi.
14 Ngilomlandu kumaGriki kanye lakwabezizwe, kwabahlakaniphileyo kanye lakwabangahlakaniphanga;
Ndine mungava kuna vose vaGiriki navasiri vaGiriki, vose vakachenjera navasina kuchenjera.
15 ngokunjalo njengokukimi ngilungele ukutshumayela ivangeli lakini abaseRoma.
Ndokusaka ndichida zvikuru kwazvo kuti ndiparidze vhangeri kwamuriwo imi vari kuRoma.
16 Ngoba kangilanhloni ngevangeli likaKristu; ngoba lingamandla kaNkulunkulu kube lusindiso kuye wonke okholwayo, kumJuda kuqala lakumGriki.
Handina nyadzi pamusoro pevhangeri, nokuti isimba raMwari rokuponesa munhu wose anotenda: Kutanga kumuJudha, zvichizotevera weDzimwe Ndudzi.
17 Ngoba ukulunga kukaNkulunkulu kwembulwa kilo kusukela kukholo kusiya kukholo; njengokulotshiweyo ukuthi: Kodwa olungileyo uzaphila ngokholo.
Nokuti muvhangeri, kururama kwaMwari kunoratidzwa kuchibva pakutenda kuchienda kukutenda, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Akarurama achararama nokutenda.”
18 Ngoba ulaka lukaNkulunkulu luyabonakaliswa luvela ezulwini phezu kwakho konke ukungakhonzi uNkulunkulu lokungalungi kwabantu abavimbela iqiniso ngokungalungi;
Kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa kuchibva kudenga pamusoro pokusada Mwari kwose nokusarurama kwose kwavanhu vanodzivisa chokwadi nokusarurama kwavo.
19 ngoba lokho okwaziwayo ngoNkulunkulu kusobala phakathi kwabo; ngoba uNkulunkulu ukubonakalisile kubo.
Nokuti izvo zvose zvingazivikanwa pamusoro paMwari zviri pachena kwavari, nokuti Mwari akazviisa pachena kwavari.
20 Ngoba okungabonwayo kwakhe, selokhu kwadatshulwa umhlaba, kuzwisiseka ngezinto ezenziweyo, kubonakaliswa obala, ngitsho amandla akhe aphakade kanye lobuNkulunkulu bakhe, kuze kuthi kabalakuzivikela; (aïdios )
Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika izvo zvisingaonekwi zvaMwari, iro simba rake rinogara nokusingaperi nouMwari hwake, zvakanyatsoonekwa kwazvo, zvichizivikanwa kubva pazvinhu zvakaitwa, kuitira kuti vanhu varege kuva nepembedzo. (aïdios )
21 ngoba kuthe bemazi uNkulunkulu, kabamdumisanga njengoNkulunkulu kabambonga, kodwa baba yize kumicabango yabo, lenhliziyo yabo engaqondiyo yenziwa yaba mnyama.
Nokuti kunyange zvavo vaiziva Mwari, havana kumukudza saMwari kana kumuvonga, asi kufunga kwavo kwakava kusina maturo uye mwoyo yavo, isina zivo, yakasvibiswa.
22 Bezitshaya abahlakaniphileyo baba yizithutha,
Kunyange zvavo vachizviti vakachenjera, vakava mapenzi
23 lenkazimulo kaNkulunkulu ongabhubhiyo bayiphendulela ekufananeni lomfanekiso womuntu obhubhayo, lowezinyoni, lowezidalwa ezilenyawo ezine, lowokuhuquzelayo.
uye vakashandura kubwinya kwaMwari asingafi vakakuita mifananidzo yakaitwa somunhu anofa, shiri, mhuka nezvinokambaira.
24 Ngalokho-ke uNkulunkulu wabanikela emanyaleni, enkanukweni zenhliziyo zabo, ukuthi badumaze imizimba yabo phakathi kwabo;
Naizvozvo Mwari akavaisa kuzvishuvo zvakaipa zvemwoyo yavo, zvokuzvisvibisa noupombwe kuti vazvidze miviri yavo pakati pavo.
25 abaphendulela iqiniso likaNkulunkulu emangeni, basebedumisa bekhonza okudaliweyo kuloMdali, ongobongekayo kuze kube phakade. Ameni. (aiōn )
Vakatsinhanisa zvokwadi yaMwari nenhema, vakanamata uye vakashumira zvisikwa panzvimbo yoMusiki, iye anokudzwa nokusingaperi. Ameni. (aiōn )
26 Ngenxa yalokho uNkulunkulu wabanikela enkanukweni ezilihlazo; ngoba labesifazana babo baphendula ukwenza kwemvelo kwaba ngokuphambene lemvelo;
Nokuda kwaizvozvo, Mwari akavaisa pakuchiva kwavo kunonyadzisa. Kunyange navakadzi vavo vakashandura zvavakasikirwa kuti vaite, vakaita zvavasina kusikirwa.
27 langokunjalo labesilisa bayekela ukwenza kwemvelo kowesifazana, batsha ngokukhanukana kwabo, abesilisa labesilisa benza okulihlazo, bemukeliswa phakathi kwabo umvuzo ofanele ukuduha kwabo.
Navarume vavo vakaitawo zvimwe chetezvo vakasiya zvavakasikirwa paukama hwavo navakadzi uye vakatsva noruchiva mumwe kuno mumwe murume. Varume vakaita zvisakafanira navamwe varume, uye vakazviwanira mukati mavo mubayiro wakafanira kurasika kwavo.
28 Njalo njengalokhu bengavumanga ukuba lolwazi ngoNkulunkulu, uNkulunkulu wabanikela ukuthi babe lengqondo ebolileyo, eyokwenza izinto ezingafanelanga;
Pamusoro pezvo, sezvavasina kufunga kuti zvakakodzera kuva noruzivo rwaMwari, akavaisa kumurangariro wokurasika, kuti vaite zvisakafanira.
29 begcwaliswe konke ukungalungi, ukuphinga, ububi, umhawu, inzondo; begcwele umona, ukubulala, inkani, inkohliso, ulunya; abahlebayo,
Vakazadzwa nokusarurama kworudzi rwose, kuipa, makaro nokurasika. Vakazara negodo, umhondi, nokukakavara, unyengeri nokuvenga. Vane makuhwa,
30 abanyeyayo, abazonda uNkulunkulu, abangelamakhanda, abazigqajayo, abazikhukhumezayo, abaqambi bezinto ezimbi, abangalaleli abazali,
vanochera vamwe, vanovenga Mwari, vanodada, vanozvikudza uye vanozvirumbidza; vanovamba nzira dzokuita zvakaipa; havateereri vabereki vavo;
31 abangelangqondo, abephula izithembiso, abalolunya, abangelakuxoliswa, abangelasihawu;
havafungi, havana kutenda, vane mwoyo wakaipa, havana tsitsi.
32 abathi besazi umlayo wokulunga kaNkulunkulu, ukuthi abenza izinto ezinjalo bafanele ukufa, kungesikuthi bayazenza kuphela, kodwa futhi bevumelana labazenzayo.
Kunyange zvavo vachiziva mutemo wakarurama waMwari kuti avo vanoita zvakadai vakafanirwa norufu, havarambi vachiita zvinhu izvi bedzi, asi kuti vanotenderanawo navanozviita.