< UJeremiya 12 >

1 Wena ulungile izikhathi zonke, Oh Thixo, lapho ngiletha indaba kuwe. Ikanti ngingakhuluma lawe ngokulunga kwakho: Kungani indlela yababi iphumelela na? Kungani abangathembekanga behlezi kuhle na?
Imi munogara makarurama, iyemi Jehovha, pandinouya pamberi penyu nemhaka. Kunyange zvakadaro ndichataura nemi pamusoro pokururamisira kwenyu, ndichiti: Nemhaka yeiko nzira yavakaipa ichibudirira? Nemhaka yei vasingatendi vachirarama zvakanaka?
2 Ubahlanyele, njalo sebemilile; bayakhula bathele izithelo. Bahlezi bekhuluma ngawe, kodwa ezinhliziyweni zabo ukhatshana.
Makavasima, uye vava nemidzi; vanokura uye vanobereka muchero. Imi munogara muri pamiromo yavo asi muri kure nemwoyo yavo.
3 Kodwa mina, Oh Thixo, uyangazi; uyangibona uhlole imicabango yami ngawe. Bahudule njengezimvu eziyahlatshwa! Bamisele usuku lokubulawa!
Asi munondiziva, imi Jehovha; munondiona uye munoedza ndangariro dzangu pamusoro penyu. Vakwekweredzei samakwai anondobayiwa! Muvagadzirire zuva rokubayiwa.
4 Koze kube nini ilizwe lomile lotshani iganga lonke bubunile? Ngenxa yokuthi labo abahlala kulo babi, izinyamazana lezinyoni sezibhubhile. Kanti futhi abantu bathi, “Kasoze akubone okwenzakala kithi.”
Nyika ichasvika riniko yakangooma, nebundo resango rakangosvava? Nokuti vose vanogaramo vakaipa, mhuka neshiri zvaparara. Pamusoro paizvozvo, vanhu vanoti, “Haasi kuzoona zvinoitika kwatiri.”
5 “Nxa ugijime labantu ngezinyawo bakudinisa, ungancintisana njani lamabhiza na? Nxa ukhubeka elizweni elingelangozi, pho uzakwanelisa njani ezixukwini zaseJodani na?
“Kana wakaita nhangemutange navanhu netsoka, uye vakakunetesa ungagokwikwidzana sei namabhiza? Kana uchigumburwa panyika yakanaka, ungagara seiko mumatenhere eJorodhani?
6 Abafowenu, abendlu yakwenu labo futhi bakunikele; baklabalale batsho okubi ngawe. Ungabathembi, lanxa bekhuluma kuhle ngawe.
Hama dzako, mhuri yako chaiyo, kunyange naivowo vakakumukira; vakadanidzira zvikuru kwazvo pamusoro pako. Usavimba navo, kunyange vachitaura zvakanaka pamusoro pako.
7 Indlu yami ngizayitshiya, ngilidele ilifa lami; lowo engimthandayo ngizamnikela ezandleni zezitha zakhe.
“Ndichasiya imba yangu, ndigorasa nhaka yangu; ndichapa mudikani wangu mumaoko avavengi vake.
8 Ilifa lami kimi selibe njengesilwane ehlathini. Liyangihwabhela; ngakho ngiyalizonda.
Nhaka yangu yava kwandiri seshumba iri musango. Anoomba pamberi pangu; naizvozvo ndinomuvenga.
9 Ilifa lami kimi kaselibe njengenyoni emabalabala edla inyama ehanqwa ngezinye izinyoni ezidla inyama, ziyihlasela na? Hamba uyebutha zonke izinyamazana zeganga; uzilethe ukuba zidle.
Ko, nhaka yangu haizova kwandiri segondo rina mavara here, iro rinokombwa uye rinorwiswa namamwe makondo? Endai munounganidza zvikara zvose; muuye nazvo zvidye.
10 Abelusi abanengi bazasichitha isivini sami bagandele insimu yami; bazaguqula insimu yami enhle ibe lugwadule oluphundlekileyo.
Vafudzi vazhinji vachaparadza munda wangu womuzambiringa, uye vachatsindira munda wangu; vachashandura munda wangu unofadza kuti uve dongo risina chinhu.
11 Izakwenziwa ugwadule, yome iphundlekile phambi kwami; ilizwe lonke lizachitheka ngoba kakho olinakayo.
Uchaitwa dongo rakaoma uye rakaparadzwa pamberi pangu; nyika yose ichava dongo nokuti hakuna ane hanya.
12 Emiqolweni yonke engelalutho enkangala abachithi bazaphithizela, ngoba inkemba kaThixo izakudla kusukela komunye umkhawulo welizwe kusiya komunye; kakho ozavikeleka.
Pamusoro pezvikomo zvisina miti zviri mugwenga, vaparadzi vachamomotera, nokuti munondo waJehovha uchaparadza, kubva kuno rumwe rutivi rwenyika kusvikira kuno rumwe, hakuna achava norugare.
13 Bazahlanyela ingqoloyi kodwa bavune ameva; bazazidinisa kodwa bangazuzi lutho. Ngakho wobani lenhloni ngesivuno senu ngenxa yolaka olwesabekayo lukaThixo.”
Vachadyara gorosi asi vachakohwa minzwa; vachazvinetesa asi hakuna chavachawana. Saka zvitakurirei kunyadziswa kwegohwo renyu, nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaJehovha.”
14 UThixo uthi: “Bonke omakhelwane bami ababi abathumba ilifa engalinika abantu bami bako-Israyeli, ngizabasusa emazweni abo ngisuse lendlu kaJuda phakathi kwabo.
Zvanzi naJehovha: “Kana vari vakaipa vakavakidzana nemi vanopamba nhaka yandakapa vanhu vangu vaIsraeri ndichavadzura munyika dzavo uye ndichadzura imba yaJudha kubva pakati pavo.
15 Kodwa emva kokubasusa kwami, ngizaphinda ngibe lesihawu ngibuyisele omunye lomunye wabo endaweni eyilifa lakhe elizweni lakhe.
Asi mushure mokuvadzura, ndichavanzwirazve tsitsi uye ndichadzosa mumwe nomumwe wavo kunhaka yake nokunyika yake.
16 Bangazifunda kuhle izindlela zabantu bami njalo bafunge ngebizo lami besithi, ‘Ngeqiniso elinjengoba uThixo ephila’ lanxa nje bake bafundisa abantu bami ukufunga ngoBhali, bazahlaliswa phakathi kwabantu bami.
Zvino kana vadzidza zvakanaka nzira dzavanhu vangu uye vakapika nezita rangu, vachiti, ‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu,’ kunyange havo vakambodzidzisa vanhu vangu kupika naBhaari, ipapo vachasimbiswa pakati pavanhu vangu.
17 Kodwa nxa isizwe singalaleli, ngizasisusa ngokupheleleyo ngisibhubhise,” kutsho uThixo.
Asi kana pano rudzi rusingateereri, ndicharudzura zvachose ndigoruparadza,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

< UJeremiya 12 >