< Izililo 1 >

1 Kuthule kuthe cwaka! Yeka lelidolobho elalinyakazela abantu! Selinjengomfelokazi, kanti lalilodumo phakathi kwezizwe. Lona elaliyindlovukazi phakathi kwezigodi, khathesi seliyisigqili.
Ko, muguta zvamusisina vanhu, iro rakanga rizere navanhu! Zvarangova sechirikadzi, iro rakanga riri guru pakati pendudzi! Iro rakanga riri mambokadzi pakati penyika, zvino rava nhapwa.
2 Linjengowesifazane okhala kabuhlungu ebusuku, inyembezi zithe hlikilili ezihlathini. Kakho phakathi kwazo zonke izithandwa zakhe ongamduduza. Bonke abangane bakhe bamhlamukele; sebeyizitha zakhe.
Rinochema zvikuru usiku, misodzi iri pamatama aro. Pakati pavadiwa varo vose hakuna anorivaraidza. Shamwari dzaro dzose dzarimukira; dzava vavengi varo.
3 UJuda useye ebugqilini ngemva kokuhlupheka lokudonsa nzima. Usehlala phakathi kwabezizwe; akatholi ndawo yokuphumula. Bonke abamzingelayo bamxhumile ephakathi kokuhlupheka kwakhe.
Shure kwokutambudzika nokushanda zvakaomarara, Judha akaenda kuutapwa. Anogara pakati pendudzi; haawani nzvimbo yokuzorora. Vose vaimudzinganisa vakamubata ari pakati pokutambudzika kwake.
4 Iyalila imigwaqo eya eZiyoni, ngoba kasekho ozayo emikhosini yalo emisiweyo. Wonke amasango alo asekhohlakele, abaphristi balo bayabubula, amantombazana alo ayagomela, lona lidabukile kakhulu.
Nzira dzinoenda kuZioni dzinochema, nokuti hakuna anouya kumitambo yaro yakatarwa. Masuo aro ose haasisina vanhu, vaprista varo vanogomera, varandakadzi varo vanochema, uye iro riri pakurwadziwa kukuru.
5 Izitha zalo sezingababusi balo; ziyaklamasa. UThixo ulehlisele usizi ngenxa yezono zalo ezinengi. Abantwabalo bathunjiwe, baba yizigqili zezitha.
Vavengi varo ndivo vava vatongi varo; vavengi varo vagere zvakanaka, Jehovha akarivigira kutambudzika nokuda kwezvivi zvaro zvizhinji. Vana varo vakaenda kuutapwa, vava nhapwa pamberi pavavengi.
6 Kuphelile konke ukubenyezela kweNdodakazi yaseZiyoni. Amakhosana ayo asenjengezimpala ezingatholi amadlelo; zibalekile zilambile zingelamandla zibalekela umzingeli.
Kuyevedza kwose kwabva paMwanasikana weZioni. Machinda aro aita senondo dzashayiwa mafuro. Mukushayiwa simba vakatiza pamberi peanovadzinganisa.
7 Ngezinsuku zokuhlupheka lokuntula, iJerusalema iyayikhumbula inotho eyayingeyayo ngensuku zayo. Kuthe abantu bayo sebewela ezandleni zezitha, akubanga khona ongayinceda. Zayikhangela nje izitha zayo zahleka ukuchitheka kwayo.
Mumazuva okutambudzika nokudzungaira kwaro, Jerusarema rinorangarira pfuma yose yakanga iri yaro pamazuva akare. Pakawira vanhu varo mumaoko omuvengi, rakashaya anoribatsira. Vavengi varo vakaritarisa, vakariseka pakuparadzwa kwaro.
8 IJerusalema yonile kakhulu, ngakho isingcolile. Bonke ababeyihlonipha sebeyidelela, ngoba sebebonile ubuze bayo; yona ngokwayo ibubula ize ifulathele.
Jerusarema rakatadza zvikuru kwazvo, naizvozvo rasvibiswa. Vose vairikudza vorizvidza, nokuti vakaona kushama kwaro; iro pacharo rinogomera, richidzokera shure.
9 Ukungcola kwayo kwabhixa izidwaba zayo; kayinakanga ikusasa yayo. Ukuwa kwayo kwesabeka, kungekho oyiduduzayo. “Oh Thixo, ake ukhangele ukuhlupheka kwami, ngoba isitha sesinqobile.”
Tsvina yaro yakanamatira panguo dzaro; harina kurangarira ramangwana raro. Kuwa kwaro kwakashamisa; hakuna akarinyaradza. “Haiwa Jehovha, tarirai kurwadziwa kwangu, nokuti muvengi akunda.”
10 Isitha saphanga yonke inotho yayo; yabona izizwe ezingakholwayo zingena endlini yayo engcwele, bona labo owabanqabela ukungena phakathi kwebandla lakho.
Muvengi akatora pfuma yaro yose; rakaona ndudzi dzechihedheni dzichipinda panzvimbo yaro tsvene, avo vamakanga madzivisa kupinda paungano yenyu.
11 Bonke abantu bayo bayagomela behamba bedinga ukudla; bathengisa inotho yabo eligugu ngokudla ukuze bangafi. “Oh Thixo, ake ungihawukele ngoba sengidelelwa.”
Vanhu varo vose vanogomera pavanotsvaka chingwa; vanotsinhanisa pfuma yavo nezvokudya kuti vazviraramise. “Tarirai, imi Jehovha, uye murangarire, nokuti ndava munhu akazvidzwa.”
12 “Kakusilutho kini yini lina lonke elidlula lapha? Ake likhangele nje libone. Kambe kukhona ukuhlupheka okulingana lokwami, khona lokhu engakwehliselwayo, nguThixo ngosuku lokuvutha kolaka lwakhe?
“Hamuna hanya here, imi mose munopfuura? Tarirai pose pose muone. Pano kutambudzika sokutambudzika kwangu here, kwakaiswa pamusoro pangu, kwakauyiswa naJehovha pamusoro pangu pazuva rokutsamwa kwake kunotyisa?
13 Wehlisa umlilo uvela phezulu, wawehlisela phakathi kwamathambo ami. Wangithiya ezinyaweni ngomambule, wangibuyisela emuva. Wangenza ngaba lesizungu, ngaswela amandla ilanga lonke.
“Akatuma moto kubva kumusoro-soro, akautumira mumapfupa angu. Akateya makumbo angu nomumbure uye akandidzosera shure. Akandisiya ndisina chinhu, ndikapera simba zuva rose.
14 Izono zami zisongwe zaba lijogwe; ngezandla zakhe wazelukela ndawonye. Zetheswe entanyeni yami, uThixo wangiqeda amandla. Usengifuqele kulabo engingeke ngimelane labo.
“Zvivi zvangu zvasungwa zvikaitwa joko; namaoko ake zvakarukirwa pamwe chete, zvauya pamutsipa wangu uye Ishe apedza simba rangu. Akandiisa mumaoko avanhu vandisingagoni kukunda.
15 UThixo kabemukelanga bonke abangabebutho lami; usebize impi ukuthi ingihlasele, ichoboze zonke izinsizwa zami. Esihluzweni sakhe sewayini, uThixo unyathelele phansi iNdodakazi yakoJuda eGcweleyo.
“Ishe akaramba mhare dzose dziri pakati pangu; akakokera hondo kuzondirwisa kuzopwanya majaya angu. Ishe akatsika-tsika Mhandara Mwanasikana waJudha muchisviniro chake chewaini.
16 Yikho ngilila, amehlo ami empompoza inyembezi. Kakho oseduze ongangiduduza, kakho ongavusa umphefumulo wami. Abantwabami sebeswela ngoba isitha sinqobile.”
“Ndokusaka ndichichema uye maziso angu achierera misodzi. Hapana ari pedyo kuti andinyaradze, hakuna anovandudza mweya wangu. Vana vangu vari kutambudzika nokuti muvengi akunda.”
17 IZiyoni yelulile isandla sayo kodwa kakho oyiduduzayo. UThixo usekumisile ngoJakhobe ukuthi abakhelene laye babe yizitha zakhe; iJerusalema isiphenduke yaba yinto engcolileyo kubo.
Zioni rinotambanudza maoko aro, asi hakuna munhu anorinyaradza. Jehovha akaisa chirevo pamusoro paJakobho, kuti vavakidzani vake vave vavengi vake; Jerusarema rava chinhu chisina kunatswa pakati pavo.
18 “UThixo ulungile, kodwa ngaphikisana lomlayo wakhe. Lalelani bantu lonke; khangelani ukuhawula kwami. Izinsizwa lezintombi zami zonke sezaya ekuthunjweni.
“Jehovha akarurama, asi ini ndakamukira murayiro wake. Inzwai, imi vanhu mose; onai kutambudzika kwangu. Majaya angu navarandakadzi vangu vakaenda kuutapwa.
19 Ngakhala kulabo engidlelana labo, kodwa banginina. Abaphristi bami labadala bami babhubhela phakathi kwedolobho besadinga ukudla, ukuze baziphilise.
“Ndakadana kushamwari dzangu asi vakandipandukira. Vaprista vangu navakuru vangu vakafira muguta, pavakanga vachitsvaka zvokudya kuti vazviraramise.
20 Ake ubone, Oh Thixo, ukuthi ngihlupheka njani! Ngiyatsha ngaphakathi kwami, ngidungekile enhliziyweni yami, ngoba bengilihlongandlebe. Ngaphandle, inkemba iyadabukisa; ngaphakathi, yikufa kodwa.
“Tarirai, imi Jehovha kutambudzika kwangu! Ndiri kurwadziwa mukati mangu, uye ndakakanganisika mumwoyo mangu, nokuti ndakakumukirai zvikuru. Kunze, munondo unondiurayira hama; mukati, munongova norufu.
21 Abantu bakuzwile ukububula kwami, kodwa kakho ongangiduduza. Zonke izitha zami zikuzwile ukuhlupheka kwami; ziyathokoza ngalokhu okwenzileyo. Sengathi ungalufikisa lolusuku owalumisayo, ukuze labo babe njengami.
“Vanhu vakanzwa kugomera kwangu, asi hakuna anondinyaradza. Vavengi vangu vose vakanzwa kutambura kwangu; vanofara nezvamakaita. Dai mauyisa henyu zuva ramakazivisa kuti vagofanana nemi.
22 Abuvele kuwe bonke ububi babo; yenza kubo konke okwenzileyo kimi ngenxa yezono zami zonke. Kunengi ukububula kwami, lenhliziyo yami iphela amandla.”
“Zvakaipa zvavo zvose ngazviuye pamberi penyu; muvaitire sezvamakaita kwandiri nokuda kwezvivi zvangu zvose. Kugomera kwangu kwawanda, uye mwoyo wangu wapera simba.”

< Izililo 1 >