< Zabura 132 >

1 Waƙar haurawa. Ya Ubangiji, ka tuna da Dawuda da kuma dukan irin wuyan da ya jimre.
Rwiyo rworwendo. Haiwa Jehovha, rangarirai Dhavhidhi namatambudziko ake ose aakasangana nawo.
2 Ya yi rantsuwa ga Ubangiji ya kuma yi alkawari ga Maɗaukaki na Yaƙub cewa,
Akapika mhiko kuna Jehovha, akaita mhiko kuna Wamasimba waJakobho achiti,
3 “Ba zan shiga gidana ko in kwanta a gado ba,
“Handingapindi mumba mangu kana kuenda kundovata pamubhedha wangu,
4 ba zan ba wa idanuna barci ba, ba gyangyaɗi wa idanuna,
handingatenderi hope mumaziso angu, kana kutsumwaira mumeso angu,
5 sai na sami wuri wa Ubangiji, mazauni domin Maɗaukaki na Yaƙub.”
kusvikira ndawana nzvimbo yaJehovha, nzvimbo yokugara yoWamasimba waJakobho.”
6 Mun ji haka a Efrata, muka yi ƙaro da shi a filayen Ya’ar,
Takazvinzwa muEfurata, takasangana nazvo muminda yeJaari tikati,
7 “Bari mu tafi wurin zamansa; bari mu yi sujada a wurin sa ƙafafunsa,
“Ngatiendei kunzvimbo yake yokugara; ngatinamatei pachitsiko chetsoka dzake,
8 ka tashi, ya Ubangiji, ka kuma zo wurin hutunka, kai da akwatin alkawarin ƙarfinka.
haiwa Jehovha, simukai muuye kunzvimbo yenyu yokuzorora, imi neareka yesimba renyu.
9 Bari a suturta firistocinka da adalci; bari tsarkakanka su rera don farin ciki.”
Vaprista venyu dai vafukidzwa nokururama; dai vatsvene venyu vaimba nomufaro.”
10 Saboda Dawuda bawanka, kada ka ƙi shafaffenka.
Nokuda kwaDhavhidhi muranda wenyu, musaramba muzodziwa wenyu.
11 Ubangiji ya rantse wa Dawuda tabbataccen rantsuwa cewa ba zai janye ba cewa, “Ɗaya daga cikin zuriyarka zan sa a kan kursiyinka,
Jehovha akapika mhiko kuna Dhavhidhi, mhiko yechokwadi yaasingagoni kushandura achiti, “Mumwe wechizvarwa chako ndichamugadza pachigaro chako choushe,
12 in’ya’yanka maza za su kiyaye alkawari da farillan da na koya musu, to’ya’yansu maza za su zauna a kan kursiyinka har abada abadin.”
kana vanakomana vako vakachengeta sungano yangu nezvandakatema zvandakavadzidzisa, ipapo vanakomana vavo vachagara pachigaro chako choushe nokusingaperi-peri.”
13 Gama Ubangiji ya zaɓi Sihiyona, ya so ta zama mazauninsa,
Nokuti Jehovha akasarudza Zioni, akarida kuti huve ugaro hwake achiti,
14 “Wannan shi ne wurin hutuna har abada abadin; a nan zan zauna ina mulki gama ina son ta,
“Iyi ndiyo nzvimbo yangu yokuzorora nokusingaperi-peri; ipapa ndipo pandichagara samambo, nokuti ndakapada,
15 zan albarkace ta da tanade-tanade masu yawa; matalautanta za su ƙoshi da abinci.
ndichariropafadza nezvakawanda; ndichagutsa varombo varo nezvokudya.
16 Zan suturta firistocinta da ceto, tsarkakanta kuma kullum za su rera don farin ciki.
Ndichafukidza vaprista varo noruponeso, uye vatsvene varo vachagara vachiimba nomufaro.
17 “A nan zan sa ƙaho ya yi girma wa Dawuda in kuma kafa fitila saboda shafaffena.
“Pano ndipo pandichameresa nyanga yaDhavhidhi, uye ndichatungidza mwenje womuzodziwa wangu.
18 Zan suturta abokan gābansa da kunya, amma rawanin da yake a kansa zai yi ta walƙiya.”
Ndichafukidza vavengi vake nenyadzi, asi korona yake ichabwinya kwazvo.”

< Zabura 132 >