< Psalms 78 >

1 A psalm (maskil) of Asaph. Listen to what I have to teach you, my people; hear what I have to say.
Masikiri raAsafi. Haiwa vanhu vangu, inzwai kudzidzisa kwangu; teererai mashoko omuromo wangu.
2 I will tell you wise sayings; I will explain mysteries from the past
Ndichashamisa muromo wangu nditaure nomufananidzo, ndichataura zvinhu zvakavanzika, zvinhu zvakare kare,
3 that we have heard before and reflected on; stories our forefathers passed down to us.
zvatakanzwa nezvatakaziva, zvatakaudzwa namadzibaba edu.
4 We will not keep them from our children; we will tell the next generation about God's marvelous actions—about his power and the amazing things he has done.
Hatingazozvivanziri vana vavo; tichaudza rudzi runotevera mabasa angarumbidzwa aJehovha, simba rake, nezvishamiso zvaakaita.
5 He gave his laws to the descendants of Jacob; his instructions to the people of Israel. He commanded our forefathers to teach them to their children,
Akatema zvirevo zvaJakobho akasimbisa murayiro muIsraeri, waakarayira madzitateguru edu kuti vadzidzise vana vavo,
6 so that the next generation—children yet to be born—would understand and grow up to teach their children.
kuti rudzi runotevera ruzvizive, kunyange vana vachazoberekwa, naivo vagozoudzawo vana vavo.
7 In this way they should place their trust in God and not forget what God has done, and keep his commandments.
Ipapo vachavimba naMwari wavo uye havangazokanganwi mabasa ake asi vachazochengeta mirayiro yake.
8 Then they would not be like their forefathers, a stubborn and rebellious generation that was untrustworthy and unfaithful.
Havazofanani namadzitateguru avo, rudzi rwakanga rwakasindimara uye rwaimumukira, mwoyo yavo yakanga isingateereri Mwari, mweya yavo yakanga isina kutendeka kwaari.
9 The soldiers of Ephraim, though armed with bows, ran away on the day of battle.
Vanhu vokwaEfuremu, kunyange vakanga vakapakata uta, vakadzokera shure pazuva rokurwa;
10 They did not keep God's agreement, and refused to follow his laws.
havana kuchengeta sungano yaMwari, uye vakaramba kufamba maererano nomurayiro wake.
11 They ignored what he had done, and the amazing things he had shown them—
Vakakanganwa zvaakaita, zvishamiso zvaakavaratidza.
12 the miracles he had performed for their forefathers near Zoan in Egypt.
Akaita zviratidzo pamberi pamadzibaba avo munyika yeIjipiti, mudunhu reZoani.
13 He split the sea in two and led them through, making the water stand like walls on either side.
Akapamura gungwa akavayambutsa napakati; akaita kuti mvura imire yakasimba sorusvingo.
14 He led them with a cloud by day, and by night with a light of fire.
Akavatungamirira negore masikati, uye nechiedza chomoto usiku hwose.
15 He split open rocks in the desert to give his people plenty to drink, water as deep as the ocean.
Akapamura ruware mugwenga akavapa mvura yakawanda seyamakungwa;
16 He made streams flow from the stone; water rushing down like rivers!
akabudisa hova dzemvura paruware akaita kuti iyerere seyenzizi.
17 But they repeatedly sinned against him, rebelling against the Most High in the desert.
Asi vakaramba vachingomutadzira, vachimukira Wokumusoro-soro mugwenga.
18 They deliberately provoked God by demanding the foods they longed for.
Vakaedza Mwari nobwoni vachimugombedzera kuti avape zvokudya zvavaipanga.
19 They insulted God by saying, “Can God provide food here in the desert?
Vakapopotera Mwari, vachiti, “Ko, Mwari angawadzira tafura mugwenga here?
20 Yes, he can strike a rock so that water gushes out like flowing rivers, but can he give us bread? Can he supply his people with meat?”
Paakarova dombo, mvura yakatubuka, uye hova dzakayerera mvura zhinji. Asi angagona kutipawo zvokudya here? Angavigira vanhu vake nyama here?”
21 When he heard this, the Lord became very angry, burning like fire against the descendants of Jacob, furious with the people of Israel,
Jehovha akati avanzwa, akatsamwa zvikuru kwazvo; moto wake ukaveserwa Jakobho, uye hasha dzake dzikamukira Israeri,
22 for they didn't believe in God and didn't trust him to take care of them.
nokuti havana kutenda muna Mwari kana kuvimba nokurwira kwake.
23 Even so he commanded the skies above and the doors of heaven to open,
Asi akarayira matenga kumusoro akazarura makonhi okumatenga;
24 and he made manna rain down on them to eat, giving them bread from heaven.
akanayisa mana kuti vanhu vadye, akavapa zviyo zvokudenga.
25 Human beings ate the bread of angels; he sent them more than enough food.
Vanhu vakadya chingwa chavatumwa; akavatumira zvokudya zvose zvavaigona kudya.
26 He sent the east wind blowing across the sky; by his power he drove the south wind.
Akazarura mhepo yokumabvazuva kubva kudenga, uye akafambisa mhepo yakabva zasi nesimba rake.
27 He rained down meat on them as plentiful as dust; birds as numerous as sand on a beach.
Akavanayisira nyama pamusoro pavo seguruva, shiri dzinobhururuka dzakaita sejecha rokumhenderekedzo yegungwa.
28 He made them fall right in the middle of their camp, all around where they were living.
Akaita kuti dziburukire mumisasa yavo, dzakapoteredza matende avo ose.
29 They ate until they were full. He gave them the food they longed for.
Vakadya kusvikira vaguta kwazvo, nokuti akanga avapa zvavakanga vachipanga.
30 But before they satisfied their appetite, while the meat was still in their mouths,
Asi vasati vafuratira chokudya chavaikarira, kunyange pachakanga chichiri pamiromo yavo,
31 God became angry with them and he killed their strongest men, striking them down in the prime of life.
kutsamwa kwaMwari kwakavamukira; akauraya vakanga vakanyanya kusimba pakati pavo, akaparadza majaya eIsraeri.
32 Despite all this they went right on sinning. Despite the miracles, they refused to trust him.
Kunyange zvakadaro, vakaramba vachingotadza; kunyange zvazvo zviratidzo zvake izvi zvaivapo, havana kutenda.
33 So he snuffed out their futile lives, bringing them to an end in terror.
Saka akagumisa mazuva avo nezvisina maturo, uye makore avo mukutya.
34 When he began killing them, the rest came back to God in repentance, praying to him.
Pose pavaiurayiwa naMwari, ndipo pavaimutsvaka; vaishingairira kudzokerazve kwaari.
35 They remembered that God was their rock, that God Most High was their Savior.
Vakarangarira kuti Mwari ndiye Dombo ravo, kuti Mwari Wokumusoro-soro ndiye Mudzikinuri wavo.
36 They flattered him by what they told him, but they were only lying.
Asizve vaingomubata kumeso nemiromo yavo, vachimurevera nhema nendimi dzavo;
37 Deep down they were not sincere, and did not keep the agreement they had with him.
mwoyo yavo yakanga isina kutendeka kwaari, vakanga vasina kutendeka pasungano yake.
38 But being compassionate he pardoned their guilt and did not destroy all of them. He often held back his anger—he did not pour out all his fury.
Kunyange zvakadaro iye akavanzwira tsitsi; akavakanganwira kuipa kwavo akasavaparadza. Nguva nenguva akadzora kutsamwa kwake, uye haana kumutsa hasha dzake dzose.
39 He remembered their mortality—that they were like a puff of wind that would not return.
Akarangarira kuti ivo vaingova nyama bedzi, mhepo inopfuura isingadzoki.
40 How often they rebelled against him in the wilderness, giving him grief in the desert!
Vakamumukira mugwenga kazhinji sei, uye vakamuitisa shungu murenje!
41 Again and again they provoked God, causing pain to the Holy One of Israel.
Vakaedza Mwari vamuedzazve; vakagumbusa Iye Mutsvene waIsraeri.
42 They did not remember his strength when he rescued them from their oppressors,
Havana kurangarira simba rake, zuva raakavadzikinura kubva pamudzvinyiriri,
43 performing miracles in Egypt, doing wonderful things on the plain of Zoan.
zuva raakaratidza zviratidzo zvake zvinoshamisa muIjipiti, zvishamiso zvake mudunhu reZoani.
44 There he turned their rivers and their streams into blood so that no one could drink from them.
Akashandura nzizi dzavo dzikava ropa; havana kugona kunwa muhova dzavo.
45 He sent flies among them to destroy them, and frogs to ruin everything.
Akavatumira mapupira enhunzi dzikavaparadza, uye matatya akavaparadza zvikuru.
46 He gave their crops to locusts; everything they worked had for was taken by locusts.
Akapa zviyo zvavo kumagutaguta nezvibereko zvavo kumhashu.
47 He destroyed their vines with hail, and their fig trees with freezing rain.
Akaparadza mazambiringa avo nechimvuramabwe, uye namaonde emionde yavo nechando.
48 He handed over their cattle to hail and their flocks to lightning bolts.
Mombe dzavo akadziisa kuchimvuramabwe, nezvipfuwo zvavo kukurova kwemheni.
49 He poured out on them his fierce anger—rage and hostility and anguish—sending a band of destroying angels against them.
Akaregedzera kutsamwa kwake kukuru pamusoro pavo, hasha dzake, shungu dzake noukasha hwake, boka ravatumwa vokuparadza.
50 He sent his unrestrained anger against them; he did not spare them from death, handing them over to the plague.
Akagadzira nzira yokutsamwa kwake; haana kuponesa mweya yavo parufu asi akavaisa kudenda.
51 He struck down all the firstborn of Egypt, the first to be conceived in the tents of Ham.
Akauraya matangwe ose eIjipiti, chibereko chokutanga chomurume pamatende aHamu.
52 But he led out his people like sheep, and guided them like a flock in the wilderness.
Asi akabudisa vanhu vake seboka ramakwai; akavatungamirira samakwai nomugwenga.
53 He led them to safety, and they were not afraid. He drowned their enemies in the sea.
Akavafambisa norugare, asi gungwa rakamedza vavengi vavo.
54 He brought them to the border of his holy land, to this mountainous land that he had conquered for them.
Saizvozvo akavasvitsa kumuganhu wenyika yake tsvene, kunyika yamakomo yaakatora noruoko rwake rworudyi.
55 He drove out the heathen nations before them. He divided up the land for them to own. He settled the tribes of Israel in their tents.
Akadzinga ndudzi mberi kwavo, akagovera nyika yavo kwavari senhaka; akagarisa rudzi rwaIsraeri mudzimba dzavo.
56 But they provoked God Most High, rebelling against him. They did not follow what he had told them.
Asi vakaedza Mwari uye vakamukira Wokumusoro-soro; vakasachengeta zvirevo zvake.
57 Just like their forefathers they turned away from God and were unfaithful to him, as twisted as a defective bow.
Vakanga vasingazvirereki uye vasina kutendeka samadzibaba avo, vasingavimbiki souta hunonyengera.
58 They made him angry with their pagan high places of worship; they made him jealous with their idols.
Vakamutsamwisa nenzvimbo dzavo dzakakwirira; vakamutsa godo rake nokuda kwezvifananidzo zvavo.
59 When God heard their worship he became furious and he totally rejected Israel.
Mwari akati avanzwa akatsamwa zvikuru kwazvo; akaramba Israeri zvachose.
60 He abandoned his place at Shiloh, the Tabernacle where he lived among the people.
Akasiya tabhenakeri yeShiro, iyo tende yaakanga amisa pakati pavanhu.
61 He surrendered the Ark of his power, allowing it to be captured; handing it over into enemy hands.
Akaendesa areka yesimba rake kuutapwa, kubwinya kwake mumaoko omuvengi.
62 He handed over his people to be slaughtered by the sword; he was furious with his chosen people.
Akaisa vanhu vake kumunondo; akatsamwira nhaka yake zvikuru kwazvo.
63 Their young men were destroyed by fire; their young women had no wedding songs.
Moto wakaparadza majaya avo, uye varandakadzi vavo vakashayiwa nziyo dzesvitsa;
64 Their priests were killed by the sword; their widows were unable to mourn.
vaprista vavo vakanga vaiswa kumunondo, uye chirikadzi dzavo hadzina kugona kuchema.
65 Then the Lord woke up as if from sleep, as a warrior sobering up from drinking wine.
Ipapo Ishe akamuka somunhu anga akakotsira, somunhu amuka pakubatwa newaini.
66 He defeated his enemies, striking them on the back, causing them everlasting shame.
Akarova vavengi vake vakadzokera shure; akavanyadzisa nokusingaperi.
67 He rejected the descendants of Joseph, and did not choose the tribe of Ephraim.
Ipapo akaramba matende aJosefa, haana kusarudza rudzi rwaEfuremu;
68 Instead he chose the tribe of Judah, and Mount Zion which he loves.
asi akasarudza rudzi rwaJudha, Gomo reZioni, raakada.
69 There he built his sanctuary, high like the heavens, on earth that he made to last forever.
Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare yakakwirira, senyika yaakasimbisa nokusingaperi.
70 He chose his servant David, taking him from the sheep pens,
Akasarudza Dhavhidhi muranda wake, akamutora kumatanga amakwai;
71 taking him from caring for the sheep and lambs to be a shepherd to the descendants of Jacob—God's special people, Israel.
akamubvisa pakufudza makwai kuti ave mufudzi wavanhu vake Jakobho, vaIsraeri nhaka yake.
72 Like a shepherd, he took care of them with sincere devotion, leading them with skillful hands.
Uye Dhavhidhi akavafudza nokururama kwomwoyo; akavatungamirira namaoko ouchenjeri.

< Psalms 78 >