< Marko 3 >
1 Uđe ponovno u sinagogu. Bio je ondje čovjek usahle ruke.
Zvino wakapindazve musinagoge, zvino kwakange kune munhuko wakange ane ruoko rwakawonyana.
2 A oni vrebahu hoće li ga Isus u subotu izliječiti, da ga optuže.
Zvino vakamutarisisa kuona kana angamuporesa nesabata, kuti vamupomere.
3 On kaže čovjeku usahle ruke: “Stani na sredinu!”
Zvino akati kumunhu waiva neruoko rwakawonyana: Simuka uende pakati.
4 A njima će: “Je li subotom dopušteno činiti dobro ili činiti zlo, život spasiti ili pogubiti?” No oni su šutjeli.
Akati kwavari: Zviri pamutemo here kuita zvakanaka nemasabata, kana kuita zvakaipa? Kuponesa upenyu, kana kuuraya? Asi vakanyarara.
5 A on, ražalošćen okorjelošću srca njihova, srdito ih ošinu pogledom pa reče tom čovjeku: “Ispruži ruku!” On ispruži - i ruka mu zdrava!
Zvino wakati aringa-ringa kwavari, nekutsamwa, ane shungu nekuda kwekuoma kwemoyo wavo, akati kumunhu: Tandavadza ruoko rwako, ndokutandavadza, ruoko rwake ndokuporeswa rwukagwinya serumwe.
6 Farizeji iziđu i dadnu se odmah s herodovcima na vijećanje protiv njega kako da ga pogube.
VaFarisi vakabuda pakarepo vakarangana neVaHerodhe vachimupikisa kuti vangamuparadza sei.
7 Isus se s učenicima povuče k moru. Za njim je išao silan svijet iz Galileje. I iz Judeje,
Zvino Jesu akabva nevadzidzi vake vakaenda kugungwa; chaunga chikuru chikamutevera chichibva kuGarirea, nekuJudhiya,
8 iz Jeruzalema, iz Idumeje, iz Transjordanije i iz okolice Tira i Sidona - silno je mnoštvo čulo što čini i nagrnulo k njemu.
nekuJerusarema, nekuIdhumeya, nemhiri kwaJoridhani, nevakapoteredza Tire neSidhoni, chaunga chikuru, vakati vanzwa makuriro ezvinhu zvaanoita vakauya kwaari.
9 Stoga reče učenicima neka mu se zbog mnoštva pripravi lađica da ga ne bi zgnjeli.
Akataura kuvadzidzi vake kuti igwa diki rimugarire nekuda kwechaunga, kuti varege kumutsikirira.
10 Jer mnoge je ozdravio pa su se svi koji bijahu pogođeni kakvim zlom bacali na nj da bi ga se dotakli.
Nokuti wakange aporesa vazhinji zvekuti vaiwira pamusoro pake kuti vamubate vese vakange vane zvirwere.
11 A nečisti duhovi, čim bi ga spazili, padali bi preda nj i vikali: “Ti si Sin Božji!”
Nemweya yetsvina, payakamuona yakawira pasi pamberi pake, ikadanidzira ichiti: Imwi muri Mwanakomana waMwari.
12 A on im se oštro prijetio da ga ne prokazuju.
Akairairisa zvikuru kuti irege kumubudisa pachena.
13 Uziđe na goru i pozove koje sam htjede. I dođoše k njemu.
Zvino wakakwira mugomo, akadanira kwaari vaakange achida iye; vakauya kwaari.
14 I ustanovi dvanaestoricu da budu s njime i da ih šalje propovijedati
Akagadza gumi nevaviri, kuti vave naye, nokuti avatume kunoparidza,
15 s vlašću da izgone đavle.
uye vave nesimba rekuporesa zvirwere nekubudisa madhimoni.
16 Ustanovi dakle dvanaestoricu: Šimuna, kojemu nadjenu ime Petar,
NaSimoni akamutumidza zita rinonzi Petro,
17 i Jakova Zebedejeva i Ivana, brata Jakovljeva, kojima nadjenu ime Boanerges, to jest Sinovi groma,
naJakobho waZebhedhi, naJohwani munin'ina waJakobho; akavatumidza mazita anonzi Bowanegesi, ndokuti, vanakomana vekutinhira;
18 i Andriju i Filipa i Bartolomeja i Mateja i Tomu i Jakova Alfejeva i Tadeja i Šimuna Kananajca
naAndiriya, naFiripi, naBhatoromiyo, naMatewu, naTomasi, naJakobho waArifiyosi, naTadhiyo, naSimoni muKenani,
19 i Judu Iškariotskoga, koji ga izda.
naJudhasi Isikariyoti, iye wakamutengesawo. Ndokubva vapinda mumba.
20 I dođe Isus u kuću. Opet se skupi toliko mnoštvo da nisu mogli ni jesti.
Chaunga chikaunganazve zvekuti vakange vasingagoni kunyange kudya chingwa.
21 Čuvši to, dođoše njegovi da ga obuzdaju jer se govorilo: “Izvan sebe je!”
Vekwake vakati vachizvinzwa vakabuda kunomubata; nokuti vakati: Anopenga.
22 I pismoznanci što siđoše iz Jeruzalema govorahu: “Beelzebula ima, po poglavici đavolskom izgoni đavle.”
Nevanyori vakaburuka vachibva kuJerusarema vakati: Ana Bheerizebhuri, uye kuti: Anobudisa madhimoni nemutungamiriri wemadhimoni.
23 A on ih dozva pa im u prispodobama govoraše: “Kako može Sotona Sotonu izgoniti?
Zvino akavadanira kwaari, akati kwavari nemifananidzo: Satani angagona kubudisa Satani sei?
24 Ako se kraljevstvo u sebi razdijeli, ono ne može opstati.
Kana ushe hwakapesana huchizvipikisa, ushe uhwo hahungagoni kumira.
25 Ili: ako se kuća u sebi razdijeli, ona ne može opstati.
Kana imba yakapesana ichizvipikisa, imba iyo haigoni kumira.
26 Ako je dakle Sotona sam na sebe ustao i razdijelio se, ne može opstati, nego mu je kraj.
Uye kana Satani achizvimukira, akapesana, haangagoni kumira, asi anoguma.
27 Nitko, dakako, ne može u kuću jakoga ući i oplijeniti mu pokućstvo ako prije jakoga ne sveže. Tada će mu kuću oplijeniti!”
Hakuna angagona kupinda mumba mechikakarara, akapamba nhumbi dzacho, kunze kwekuti atanga kusunga chikakarara, ndokuzopamba imba yacho.
28 Doista, kažem vam, sve će se oprostiti sinovima ljudskima, koliki god bili grijesi i hule kojima pohule.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvivi zvese zvichakanganwirwa kuvanakomana vevanhu, nekunyomba kwese kwavanonyomba nako;
29 No pohuli li tko na Duha Svetoga, nema oproštenja dovijeka; krivac je grijeha vječnoga.” (aiōn , aiōnios )
asi ani nani anonyomba achipikisa Mweya Mutsvene haana kanganwiro kusvikira narinhi asi ane mhosva yekutongwa kusingaperi. (aiōn , aiōnios )
30 Jer govorahu: “Duha nečistoga ima.”
Nokuti vakati: Ane mweya wetsvina.
31 I dođu majka njegova i braća njegova. Ostanu vani, a k njemu pošalju neka ga pozovu.
Zvino kwakauya vanin'ina namai vake, vakamira kunze, vakatumira nhume kwaari vachimudana.
32 Oko njega je sjedjelo mnoštvo. I reknu mu: “Eno vani majke tvoje i braće tvoje, traže te!”
Chaunga chakange chigere chakamukomba; vakati kwaari: Tarirai, mai venyu nevanin'ina venyu vari panze vanokutsvakai.
33 On im odgovori: “Tko je majka moja i braća moja?”
Akavapindura achiti: Mai vangu ndiani kana vanin'ina vangu?
34 I okruži pogledom po onima što su sjedjeli oko njega u krugu i kaže: “Evo majke moje, evo braće moje!
Zvino akaringa-ringa kupoteredza avo vakange vagere vakamukomba akati: Tarirai mai vangu nevanin'ina vangu.
35 Tko god vrši volju Božju, on mi je brat i sestra i majka.”
Nokuti ani nani anoita kuda kwaMwari, ndiye munin'ina wangu nehanzvadzi yangu namai.