< Ivan 6 >
1 Nakon toga ode Isus na drugu stranu Galilejskog, Tiberijadskog mora.
Shure kwezvinhu izvi Jesu wakabva akaenda mhiri kwegungwa reGarirea, rinova reTibheriasi.
2 Slijedilo ga silno mnoštvo jer su gledali znamenja što ih je činio na bolesnicima.
Zvino chaunga chikuru chikamutevera, nokuti vakaona zviratidzo zvake zvaaiita kune avo vairwara.
3 A Isus uziđe na goru i ondje sjeđaše sa svojim učenicima.
Jesu ndokukwira mugomo, akagarapo nevadzidzi vake.
4 Bijaše blizu Pasha, židovski blagdan.
Zvino pasika, mutambo weVaJudha, wakange waswedera.
5 Isus podigne oči i ugleda kako silan svijet dolazi k njemu pa upita Filipa: “Gdje da kupimo kruha da ovi blaguju?”
Zvino Jesu paakasimudza meso, ndokuona kuti chaunga chikuru chinouya kwaari, akati kuna Firipi: Tichatengepi zvingwa, kuti ava vadye?
6 To reče kušajući ga; jer znao je što će učiniti.
Wakareva izvozvo achimuedza, nokuti iye waiziva zvaaizoita.
7 Odgovori mu Filip: “Za dvjesta denara kruha ne bi bilo dosta da svaki nešto malo dobije.”
Firipi akamupindura achiti: Zvingwa zvemadhenario mazana maviri hazvivakwani, kuti umwe neumwe wavo atore chidiki.
8 Kaže mu jedan od njegovih učenika, Andrija, brat Šimuna Petra:
Umwe wevadzidzi vake, Andiriya munin'ina waSimoni Petro, akati kwaari:
9 “Ovdje je dječak koji ima pet ječmenih kruhova i dvije ribice! Ali što je to za tolike?”
Pane kamukomana pano kane zvingwa zvishanu zvebhari nehove diki mbiri; asi zvii kuvazhinji vakadai?
10 Reče Isus: “Neka ljudi posjedaju!” A bilo je mnogo trave na tome mjestu. Posjedaše dakle muškarci, njih oko pet tisuća.
Asi Jesu wakati: Garisai vanhu pasi. Zvino kwakange kune uswa uzhinji panzvimbo iyo. Naizvozvo varume vakagara pasi, muuwandu vachinge zvuru zvishanu.
11 Isus uze kruhove, izreče zahvalnicu pa razdijeli onima koji su posjedali. A tako i od ribica - koliko su god htjeli.
Zvino Jesu wakatora zvingwa, avonga akagovera kuvadzidzi, vadzidzi vakagovera avo vakange vagere pasi; saizvozvowo zvehove diki zvakawanda sezvavaida.
12 A kad se nasitiše, reče svojim učenicima: “Skupite preostale ulomke da ništa ne propadne!”
Zvino vakati vaguta, akati kuvadzidzi vake: Unganidzai zvimedu zvasara, kuti kurege kurasika chinhu.
13 Skupili su dakle i napunili dvanaest košara ulomaka što od pet ječmenih kruhova pretekoše onima koji su blagovali.
Naizvozvo vakaunganidza, vakazadza matengu gumi nemaviri nezvimedu zvezvingwa zvishanu zvebhari, zvakasara kune avo vakadya.
14 Kad su ljudi vidjeli znamenje što ga Isus učini, rekoše: “Ovo je uistinu Prorok koji ima doći na svijet!”
Kuzoti vanhu avo vaona chiratidzo Jesu chaakaita, vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye muporofita achauya panyika.
15 Kad Isus spozna da kane doći, pograbiti ga i zakraljiti, povuče se ponovno u goru, posve sam.
Naizvozvo Jesu aziva kuti voda kuuya nekumubata nesimba, kumuita mambo, akasuduruka akaendazve mugomo ari ega.
16 Kad nasta večer, siđoše njegovi učenici k moru,
Zvino ava madekwani, vadzidzi vake vakaburukira kugungwa,
17 uđoše u lađicu i krenuše na onu stranu mora, u Kafarnaum. Već se i smrklo, a Isusa još nikako k njima.
zvino vapinda muchikepe, vakayambuka gungwa kuuya kuKapenaume. Zvino kwakange kwatosviba, asi Jesu wakange asati asvika kwavari.
18 More se uzburkalo od silnog vjetra što je zapuhao.
Gungwa ndokumuka nokuti mhepo huru yaivhuvhuta.
19 Pošto su dakle isplovili oko dvadeset i pet do trideset stadija, ugledaju Isusa gdje ide po moru i približava se lađici. Prestraše se,
Zvino vakati vakwasva masitadhiya anenge makumi maviri nemashanu kana makumi matatu, vakaona Jesu achifamba pamusoro pegungwa, achiswedera pachikepe; zvino vakatya.
20 a on će njima: “Ja sam! Ne bojte se!”
Asi wakati kwavari: Ndini, musatya.
21 Htjedoše ga uzeti u lađicu, kadli se lađica odmah nađe na obali kamo su se zaputili.
Zvino vakada kumugamuchira muchikepe; pakarepo chikepe chikasvika kunyika kwavakange vachienda.
22 Sutradan mnoštvo, koje osta s onu stranu mora, zapazi da ondje bijaše samo jedna lađica i da Isus nije bio ušao zajedno sa svojim učenicima u lađicu, nego da oni odoše sami.
Chifume chaunga chakange chimire kune rumwe rutivi rwegungwa, chichiona kuti pakange pasina rimwe igwa ipapo kunze kweriri rimwe makange mapinda vadzidzi vake mariri, uye kuti Jesu haana kupinda nevadzidzi vake mugwa, asi vadzidzi vake vakange vaenda vega,
23 Iz Tiberijade pak stigoše druge lađice blizu onog mjesta gdje jedoše kruh pošto je Gospodin izrekao zahvalnicu.
(asi kwakasvika mamwe magwa aibva Tibheriyasi pedo nenzvimbo pavakadya chingwa, Ishe avonga);
24 Kada dakle mnoštvo vidje da ondje nema Isusa ni njegovih učenika, uđu u lađice i odu u Kafarnaum tražeći Isusa.
naizvozvo chaunga chakati chaona kuti Jesu wakange asipo kana vadzidzi vake, ivo vakapindawo mumagwa, vakasvika kuKapenaume, vachitsvaka Jesu.
25 Kad ga nađoše s onu stranu mora, rekoše mu: “Učitelju, kad si ovamo došao?”
Zvino vamuwana mhiri kwegungwa, vakati kwaari: Rabhi, masvika pano rinhi?
26 Isus im odgovori: “Zaista, zaista, kažem vam: tražite me, ali ne stoga što vidjeste znamenja, nego stoga što ste jeli od onih kruhova i nasitili se.
Jesu akavapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Munonditsvaka, kwete nokuti makaona zviratidzo, asi nokuti makadya zvezvingwa mukaguta.
27 Radite, ali ne za hranu propadljivu, nego za hranu koja ostaje za život vječni: nju će vam dati Sin Čovječji jer njega Otac - Bog - opečati.” (aiōnios )
Musashandira kudya kunoparara, asi kudya kunogara kusvika kuupenyu husingaperi, Mwanakomana wemunhu kwaachakupai; nokuti Mwari Baba vakaisa pane uyu mucherechedzo. (aiōnios )
28 Rekoše mu dakle: “Što nam je činiti da bismo radili djela Božja?”
Naizvozvo vakati kwaari: Tichaitei, kuti tishande mabasa aMwari?
29 Odgovori im Isus: “Djelo je Božje da vjerujete u onoga kojega je on poslao.”
Jesu akapindura akati kwavari: Iri ndiro basa raMwari, kuti mutende kune waakatuma iye.
30 Rekoše mu onda: “Kakvo ti znamenje činiš da vidimo pa da ti vjerujemo? Koje je tvoje djelo?
Naizvozvo vakati kwaari: Ko imwi munoita chiratidzo chipi kuti tione tikutendei? Munoshandei?
31 Očevi naši blagovaše manu u pustinji, kao što je pisano: Nahrani ih kruhom nebeskim.”
Madzibaba edu akadya mana murenje, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Wakavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.
32 Reče im Isus: “Zaista, zaista, kažem vam: nije vam Mojsije dao kruh s neba, nego Otac moj daje vam kruh s neba, kruh istinski;
Naizvozvo Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mozisi haana kukupai chingwa chakabva kudenga; asi Baba vangu vanokupai chingwa chechokwadi chinobva kudenga.
33 jer kruh je Božji Onaj koji silazi s neba i daje život svijetu.”
Nokuti chingwa chaMwari ndiye anoburuka achibva kudenga achipa upenyu kunyika.
34 Rekoše mu nato: “Gospodine, daj nam uvijek toga kruha.”
Zvino vakati kwaari: Ishe, tipei chingwa ichi nguva dzese.
35 Reče im Isus: “Ja sam kruh života. Tko dolazi k meni, neće ogladnjeti; tko vjeruje u mene, neće ožednjeti nikada.
Jesu ndokuti kwavari: Ndini chingwa cheupenyu; uyo anouya kwandiri, haangatongovi nenzara; neanotenda kwandiri haangatongovi nenyota.
36 No rekoh vam: vidjeli ste me, a opet ne vjerujete.
Asi ndakati kwamuri: Nemwi makandiona, asi hamuna kutenda.
37 Svi koje mi daje Otac doći će k meni, i onoga tko dođe k meni neću izbaciti;
Wese Baba wavanondipa achauya kwandiri; neanouya kwandiri, handingatongomurasiri kunze.
38 jer siđoh s neba ne da vršim svoju volju, nego volju onoga koji me posla.
Nokuti ndakaburuka kudenga, kwete kuti ndiite chido changu, asi chido chaiye wakandituma.
39 A ovo je volja onoga koji me posla: da nikoga od onih koje mi je dao ne izgubim, nego da ih uskrisim u posljednji dan.
Zvino ichi ndicho chido chaBaba vakandituma, kuti chese chavakandipa, ndisarasikirwa nechinhu pachiri, asi ndichimutse nezuva rekupedzisira.
40 Da, to je volja Oca mojega da tko god vidi Sina i vjeruje u njega, ima život vječni i ja da ga uskrisim u posljednji dan.” (aiōnios )
Uye ichi ndicho chido chewakandituma, kuti wese anoona Mwanakomana uye achitenda kwaari, ave neupenyu husingaperi, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira. (aiōnios )
41 Židovi nato mrmljahu protiv njega što je rekao: “Ja sam kruh koji je sišao s neba.”
Zvino VaJudha vakagunun'una pamusoro pake, nokuti wakati: Ndini chingwa chakaburuka kubva kudenga.
42 Govorahu: “Nije li to Isus, sin Josipov? Ne poznajemo li mu oca i majku? Kako sada govori: 'Sišao sam s neba?'”
Ndokuti: Uyu haasi Jesu Mwanakomana waJosefa, baba namai vake vatinoziva isu here? Zvino iye anogoti sei: Ndakaburuka kubva kudenga?
43 Isus im odvrati: “Ne mrmljajte među sobom!
Naizvozvo Jesu akapindura akati kwavari: Musagunun'una pakati penyu.
44 Nitko ne može doći k meni ako ga ne povuče Otac koji me posla; i ja ću ga uskrisiti u posljednji dan.
Hakuna munhu anogona kuuya kwandiri, kunze kwekuti Baba vakandituma vamukweva, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira.
45 Pisano je u Prorocima: Svi će biti učenici Božji. Tko god čuje od Oca i pouči se, dolazi k meni.
Zvakanyorwa muvaporofita zvichinzi: Uye vachadzidziswa vese naMwari. Wese naizvozvo wakanzwa naBaba akadzidza, anouya kwandiri.
46 Ne da bi tko vidio Oca, doli onaj koji je kod Boga; on je vidio Oca.
Kwete kuti kune wakaona Baba, kunze kweuyu anobva kuna Mwari, uyu wakaona Baba.
47 Zaista, zaista, kažem vam: tko vjeruje, ima život vječni. (aiōnios )
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anotenda kwandiri, ane upenyu husingaperi. (aiōnios )
Ini ndiri chingwa cheupenyu.
49 Očevi vaši jedoše u pustinji manu i pomriješe.
Madzibaba enyu akadya mana murenje, asi akafa.
50 Ovo je kruh koji silazi s neba: da tko od njega jede, ne umre.
Ichi chingwa chinoburuka kubva kudenga, kuti munhu adye pachiri agorega kufa.
51 Ja sam kruh živi koji je s neba sišao. Tko bude jeo od ovoga kruha, živjet će uvijeke. Kruh koji ću ja dati tijelo je moje - za život svijeta.” (aiōn )
Ini ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kubva kudenga; kana munhu achidya zvechingwa ichi, achararama nekusingaperi. Uye chingwa ini chandichapa, inyama yangu, ini yandichapira upenyu hwenyika. (aiōn )
52 Židovi se nato među sobom prepirahu: “Kako nam ovaj može dati tijelo svoje za jelo?”
Naizvozvo VaJudha vakakakavadzana vachiti: Uyu anogona kutipa sei nyama yake tidye?
53 Reče im stoga Isus: “Zaista, zaista, kažem vam: ako ne jedete tijela Sina Čovječjega i ne pijete krvi njegove, nemate života u sebi!
Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti mudye nyama yeMwanakomana wemunhu nekunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri.
54 Tko blaguje tijelo moje i pije krv moju, ima život vječni; i ja ću ga uskrisiti u posljednji dan. (aiōnios )
Anodya nyama yangu nekunwa ropa rangu, ane upenyu husingaperi, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira. (aiōnios )
55 Tijelo je moje jelo istinsko, krv je moja piće istinsko.
Nokuti nyama yangu kudya zvirokwazvo, neropa rangu chinwiwa zvirokwazvo.
56 Tko jede moje tijelo i pije moju krv, u meni ostaje i ja u njemu.
Anodya nyama yangu nekunwa ropa rangu, anogara mandiri, neni maari.
57 Kao što je mene poslao živi Otac i ja živim po Ocu, tako i onaj koji mene blaguje živjet će po meni.
Baba vapenyu sezvavakandituma, neni ndinorarama naBaba; naizvozvo anondidya, naiye achararama neni.
58 Ovo je kruh koji je s neba sišao, ne kao onaj koji jedoše očevi i pomriješe. Tko jede ovaj kruh, živjet će uvijeke.” (aiōn )
Ichi chingwa chakaburuka kubva kudenga; hazvina kuita semadzibaba enyu akadya mana akafa; anodya chingwa ichi, achararama nekusingaperi. (aiōn )
59 To reče Isus naučavajući u sinagogi u Kafarnaumu.
Zvinhu izvi wakazvireva musinagoge achidzidzisa paKapenaume.
60 Mnogi od njegovih učenika čuvši to rekoše: “Tvrda je to besjeda! Tko je može slušati?”
Naizvozvo vazhinji vevadzidzi vake vakati vachinzwa, vakati: Iri shoko igukutu; ndiani anogona kurinzwa?
61 A Isus znajući sam od sebe da njegovi učenici zbog toga mrmljaju, reče im: “Zar vas to sablažnjava?
Asi Jesu aziva mukati make kuti vadzidzi vake vanogunun'una neizvi, wakati kwavari: Izvi zvinokugumbusai kanhi?
62 A što ako vidite Sina Čovječjega kako uzlazi onamo gdje je prije bio?”
Ko muchagodini kana muchiona Mwanakomana wemunhu achikwira kwaaiva pakutanga?
63 “Duh je onaj koji oživljuje, tijelo ne koristi ništa. Riječi koje sam vam govorio duh su i život su.”
Mweya ndiye anoraramisa, nyama haibatsiri chinhu; mashoko ini andinotaura kwamuri, mweya uye upenyu.
64 “A ipak, ima ih među vama koji ne vjeruju.” Jer znao je Isus od početka koji su oni što ne vjeruju i tko je onaj koji će ga izdati.
Asi variko vamwe venyu vasingatendi. Nokuti Jesu wakange achiziva kubva pakutanga, kuti ndivana ani vaisatenda, uye kuti ndiani waizomutengesa.
65 I doda: “Zato sam vam i rekao da nitko ne može doći k meni ako mu nije dano od Oca.”
Akati: Nekuda kwaizvozvi ndati kwamuri: Hakuna munhu anogona kuuya kwandiri, kunze kwekuti azvipiwa naBaba vangu.
66 Otada mnogi učenici odstupiše, više nisu išli s njime.
Kubva ipapo vazhinji vevadzidzi vake vakadzokera shure, vakasazofambazve naye.
67 Reče stoga Isus dvanaestorici: “Da možda i vi ne kanite otići?”
Naizvozvo Jesu wakati kune vanegumi nevaviri: Imwiwo hamudi kuenda here?
68 Odgovori mu Šimun Petar: “Gospodine, kome da idemo? Ti imaš riječi života vječnoga! (aiōnios )
Zvino Simoni Petro akamupindura, akati: Ishe, tichaenda kuna ani? Imwi mune mashoko eupenyu husingaperi, (aiōnios )
69 I mi vjerujemo i znamo: ti si Svetac Božji.”
uye isu tinotenda, uye tinoziva kuti ndimwi Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu.
70 Odgovori im Isus: “Nisam li ja vas dvanaestoricu izabrao? A ipak, jedan je od vas đavao.”
Jesu akavapindura akati: Ini handina kukusanangurai imwi vanegumi nevaviri here, asi umwe wenyu ndidhiabhorosi?
71 Govoraše to o Judi, sinu Šimuna Iškariotskoga, jednom od dvanaestorice, jer on ga je imao izdati.
Waireva Judhasi Isikariyoti waSimoni; nokuti ndiye waizomutengesa, ari umwe wevanegumi nevaviri.