< Luka 21 >

1 Pogleda i vidje kako bogataši bacaju u riznicu svoje darove.
Zvino wakati atarira kumusoro akaona vafumi vachikanda zvipo zvavo muchivigiro chezvipo.
2 A ugleda i neku ubogu udovicu kako baca onamo dva novčića.
Uye wakaonawo imwe chirikadzi murombo ichikandamo tumari twemhangura tuviri.
3 I reče: “Uistinu, kažem vam: ova je sirota udovica ubacila više od sviju.
Ndokuti: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi murombo yakanda kupfuura vese;
4 Svi su oni zapravo među darove ubacili od svog suviška, a ona je od svoje sirotinje ubacila sav žitak što ga imaše.”
nokuti avo vese vakanda muzvipo zvaMwari pamuraudziro wavo, asi iye, paurombo hwake wakanda chese chaaiva nacho chaairarama nacho.
5 I dok su neki razgovarali o Hramu, kako ga resi divno kamenje i zavjetni darovi, reče:
Zvino vamwe vachiri kutaura pamusoro petembere, kuti yakange yakashongedzwa nemabwe akanaka nezvipo, wakati:
6 “Doći će dani u kojima se od ovoga što motrite neće ostaviti ni kamen na kamenu nerazvaljen.”
Zvinhu izvi zvamunoona, mazuva achasvika okuti ibwe harizosiiwi pamusoro pebwe, risingazoputsirwi pasi.
7 Upitaše ga: “Učitelju, a kada će to biti? I na koji se znak to ima dogoditi?”
Zvino vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, ko zvinhu izvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chii, kana izvozvi zvoitika?
8 A on reče: “Pazite, ne dajte se zavesti. Mnogi će doista doći u moje ime i govoriti: 'Ja sam' i: 'Vrijeme se približilo!' Ne idite za njima.
Iye ndokuti: Chenjerai kuti musatsauswa; nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu; uye: Nguva yaswedera. Naizvozvo musavatevera.
9 A kad čujete za ratove i pobune, ne prestrašite se. Doista treba da se to prije dogodi, ali to još nije odmah svršetak.”
Zvino kana muchinzwa zvehondo nenyonga-nyonga, musavhunduswa; nokuti zvinhu izvi zvinofanira kutanga kuitika; asi kuguma hakuvipo pakarepo.
10 Tada im kaza: “Narod će ustati protiv naroda i kraljevstvo protiv kraljevstva.
Ipapo wakati kwavari: Rudzi ruchamukira rudzi, neushe huchamukira ushe.
11 I bit će velikih potresa i po raznim mjestima gladi i pošasti; bit će strahota i velikih znakova s neba.”
Uye kudengenyeka kwenyika kukuru kuchava kunzvimbo dzakasiyana-siyana, nenzara nematenda, uye zvinotyisa nezviratidzo zvikuru zvichabva kudenga zvichavapo.
12 “No prije svega toga podignut će na vas ruke i progoniti vas, predavati vas u sinagoge i tamnice. Vući će vas pred kraljeve i upravitelje zbog imena mojega.
Asi mberi kwaizvozvi zvese vachaisa maoko avo pamuri, nekushusha, vachikukumikidzai kumasinagoge nemumatirongo, muchiiswa pamberi pemadzimambo nevabati, nekuda kwezita rangu.
13 Zadesit će vas to radi svjedočenja.”
Uye izvi zvichashandukira kwamuri kuva uchapupu.
14 “Stoga uzmite k srcu: nemojte unaprijed smišljati obranu!
Naizvozvo zviisei mumoyo menyu, kuti murege kufanofunganya zvamuchazvidavirira.
15 Ta ja ću vam dati usta i mudrost kojoj se neće moći suprotstaviti niti oduprijeti nijedan vaš protivnik.
Nokuti ini ndichakupai muromo nenjere, vavengi venyu vese zvavachakonewa kupikisa kana kuramba.
16 A predavat će vas čak i vaši roditelji i braća, rođaci i prijatelji. Neke će od vas i ubiti.”
Zvino muchatengeswa kunyange nevabereki, nevanakomana vamai venyu, nehama, neshamwari, uye vachauraya vamwe venyu.
17 “Svi će vas zamrziti zbog imena mojega.
Uye muchavengwa nevese nekuda kwezita rangu.
18 Ali ni vlas vam s glave neće propasti.
Asi hakungatongoparari ruvhudzi rwemusoro wenyu.
19 Svojom ćete se postojanošću spasiti.”
Mukutsungirira kwenyu wanai mweya yenyu.
20 “Kad ugledate da vojska opkoljuje Jeruzalem, tada znajte: približilo se njegovo opustošenje.
Zvino kana muchiona Jerusarema rakombwa nemauto, zivai ipapo kuti kuparadzwa kwaro kwaswedera.
21 Koji se tada zateknu u Judeji, neka bježe u gore; a koji u Gradu, neka ga napuste; koji pak po poljima, neka se u nj ne vraćaju
Panguva iyo vari muJudhiya ngavatizire kumakomo; nevari mukati maro ngavabude; nevari kumaruwa ngavarege kupinda mariri.
22 jer to su dani odmazde, da se ispuni sve što je pisano.”
Nokuti awa mazuva etsividzo, kuti zvinhu zvese zvakanyorwa zvizadziswe.
23 “Jao trudnicama i dojiljama u one dane jer bit će jad velik na zemlji i gnjev nad ovim narodom.
Asi vane nhamo vane mimba nevanonwisa mumazuva iwayo! Nokuti kuchavapo kutambudzika kukuru munyika, nehasha pamusoro perudzi urwu.
24 Padat će od oštrice mača, odvodit će ih kao roblje po svim narodima. I Jeruzalem će gaziti pogani sve dok se ne navrše vremena pogana.”
Uye vachawa nemuromo wemunondo, nekutapirwa kumarudzi ese; uye Jerusarema richatsikirwa pasi nevechirudzi, kusvikira nguva dzevechirudzi dzazadziswa.
25 “I bit će znaci na suncu, mjesecu i zvijezdama, a na zemlji bezizlazna tjeskoba naroda zbog huke mora i valovlja.
Zvino zviratidzo zvichavapo pazuva nepamwedzi nepanyeredzi; nepanyika kutambudzika kwemarudzi nekukanganiswa; gungwa nemafungu zvichitinhira,
26 Izdisat će ljudi od straha i iščekivanja onoga što prijeti svijetu. Doista, sile će se nebeske poljuljati.
vanhu vachapera simba nekutya nekutarisira zvinhu izvo zvinouya panyika; nokuti masimba ekumatenga achazungunuswa.
27 Tada će ugledati Sina Čovječjega gdje dolazi u oblaku s velikom moći i slavom.
Zvino ipapo vachaona Mwanakomana wemunhu achiuya mugore ane simba nekubwinya kukuru.
28 Kad se sve to stane zbivati, uspravite se i podignite glave jer se približuje vaše otkupljenje.”
Zvino kana zvinhu izvi zvichitanga kuitika, itii tasa, uye musimudze misoro yenyu, nokuti rudzikunuro rwenyu rwaswedera.
29 I reče im prispodobu: “Pogledajte smokvu i sva stabla.
Zvino wakavataurira mufananidzo achiti: Tarirai muonde nemiti yese;
30 Kad već propupaju, i sami vidite i znate: blizu je već ljeto.
kana ikozvino yotunga, munozvionera nekuziva kuti zhizha ikozvino rava pedo.
31 Tako i vi kad vidite da se to zbiva, znajte: blizu je kraljevstvo Božje.
Saizvozvo imwiwo, kana moona zvinhu izvozvi zvichiitika, zivai kuti ushe hwaMwari hwava pedo.
32 Zaista, kažem vam, ne, neće uminuti naraštaj ovaj dok se sve ne zbude.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri, kusvikira zvese zvaitika.
33 Nebo će i zemlja uminuti, ali moje riječi ne, neće uminuti.”
Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
34 “Pazite na se da vam srca ne otežaju u proždrljivosti, pijanstvu i u životnim brigama te vas iznenada ne zatekne onaj Dan
Zvino zvichenjererei, kuti moyo yenyu irege kuremedzwa nekudyisa nekuraradza nekufunganya zveupenyu huno, zuva iro rikusvikirei musingafungiri.
35 jer će kao zamka nadoći na sve žitelje po svoj zemlji.”
Nokuti seriva richasvika pamusoro pevese vagere pachiso chenyika yese.
36 “Stoga budni budite i u svako doba molite da uzmognete umaći svemu tomu što se ima zbiti i stati pred Sina Čovječjega.”
Naizvozvo rindai panguva yese munyengetere kuti muverengwe makafanira kupukunyuka zvinhu izvi zvese zvichaitika, nekumira pamberi peMwanakomana wemunhu.
37 Danju je učio u Hramu, a noću bi izlazio i noćio na gori zvanoj Maslinska.
Zvino waidzidzisa masikati mutembere; asi waibuda achipedzera usiku mugomo rinonzi reMiorivhi.
38 A sav bi narod rano hrlio k njemu u Hram da ga sluša.
Vanhu vese ndokuuya kwaari mangwanani-ngwanani mutembere kuti vamunzwe.

< Luka 21 >