< 約伯記 31 >

1 我與眼睛立約, 怎能戀戀瞻望處女呢?
“Ndakaita sungano nameso angu kuti ndirege kutarisa musikana noruchiva.
2 從至上的上帝所得之分, 從至高全能者所得之業是甚麼呢?
Nokuti mugove womunhu unobva kumusoro kuna Mwari ndoweiko, iyo nhaka yake inobva kuna Wamasimba Ose?
3 豈不是禍患臨到不義的, 災害臨到作孽的呢?
Ko, hakuzi kuparadzwa kwavakaipa, nenjodzi kuna avo vanoita zvakaipa here?
4 上帝豈不是察看我的道路, 數點我的腳步呢?
Ko, iye haaoni nzira dzangu uye haaverengi nhambwe dzangu dzose here?
5 我若與虛謊同行, 腳若追隨詭詐; (
“Kana ndakafamba nenzira yenhema kana kuti tsoka dzangu dzakamhanyira kunyengera,
6 我若被公道的天平稱度, 使上帝可以知道我的純正;)
Mwari ngaandiyere pachiyero chakatendeka uye achaziva kuti handina mhosva,
7 我的腳步若偏離正路, 我的心若隨着我的眼目, 若有玷污粘在我手上;
kana tsoka dzangu dzakatsauka kubva pagwara, kana kuti mwoyo wangu wakatevera meso angu, kana kuti maoko angu akasvibiswa,
8 就願我所種的有別人吃, 我田所產的被拔出來。
ipapo vamwe ngavadye zvandakadyara, uye mbesa dzangu ngadzidzurwe.
9 我若受迷惑,向婦人起淫念, 在鄰舍的門外蹲伏,
“Kana mwoyo wangu wakanyengerwa nomukadzi, kana kuti ndakavandira pamusuo wemuvakidzani wangu,
10 就願我的妻子給別人推磨, 別人也與她同室。
ipapo mukadzi wangu ngaakuye zviyo zvomumwe murume, uye vamwe varume ngavavate naye.
11 因為這是大罪, 是審判官當罰的罪孽。
Nokuti chingadai chiri chinhu chinonyadzisa, chivi chinofanira kutongwa.
12 這本是火焚燒,直到毀滅, 必拔除我所有的家產。
Ndiwo moto unopfuta kusvikira pakuparadzwa; ungadai wakadzura mukohwo wangu.
13 我的僕婢與我爭辯的時候, 我若藐視不聽他們的情節;
“Kana ndichinge ndaramba kururamisira varanda vangu, pavane mhaka neni,
14 上帝興起,我怎樣行呢? 他察問,我怎樣回答呢?
ndichaita sei pandichasangana naMwari? Ndichatiiko ndikanzi ndizvidavirire?
15 造我在腹中的,不也是造他嗎? 將他與我摶在腹中的豈不是一位嗎?
Ko, iye akandiisa muchizvaro haazi iye akavaita here? Ko, haazi iye mumwe chete akatiumba tose muna vanamai vedu here?
16 我若不容貧寒人得其所願, 或叫寡婦眼中失望,
“Kana ndakaramba zvido zvevarombo kana kurega meso echirikadzi achineta,
17 或獨自吃我一點食物, 孤兒沒有與我同吃; (
kana ndakazvidyira chingwa changu, ndisingachigoverani nenherera,
18 從幼年時孤兒與我同長,好像父子一樣; 我從出母腹就扶助 寡婦。)
asi kubva paujaya hwangu ndakamurera sezvinoitwa nababa, uye kubva pakuberekwa kwangu ndakatungamirira chirikadzi,
19 我若見人因無衣死亡, 或見窮乏人身無遮蓋;
kana ndakaona mumwe achiparara nokuda kwokushaya zvokupfeka, kana munhu anoshayiwa asina nguo,
20 我若不使他因我羊的毛得暖, 為我祝福;
uye mwoyo wake ukasandiropafadza nokuti adziyirwa namakushe amakwai angu,
21 我若在城門口見有幫助我的, 舉手攻擊孤兒;
kana ndakasimudzira nherera ruoko rwangu ndichiziva kuti ndinozivikanwa padare redzimhosva,
22 情願我的肩頭從缺盆骨脫落, 我的膀臂從羊矢骨折斷。
ipapo ruoko rwangu ngaruwe papfudzi rangu, ruwire pasi napafundo.
23 因上帝降的災禍使我恐懼; 因他的威嚴,我不能妄為。
Nokuti ndaitya kuparadza kunobva kuna Mwari, uye handina kuita zvinhu zvakadaro nokuti ndaitya kubwinya kwake.
24 我若以黃金為指望, 對精金說:你是我的倚靠;
“Kana ndakaisa chivimbo changu pagoridhe, kana kuti kugoridhe rakaisvonaka ndikati, ‘Ndiwe chivimbo changu,’
25 我若因財物豐裕, 因我手多得資財而歡喜;
kana ndakafadzwa nepfuma yangu huru, mukomborero wakabva mumaoko angu,
26 我若見太陽發光, 明月行在空中,
kana ndakava nehanya nezuva pakubwinya kwaro, kana mwedzi uchifamba mukubwinya,
27 心就暗暗被引誘, 口便親手;
zvokuti mwoyo wangu wakanyengereka pakavanda, uye ruoko rwangu rukazviremekedza nokuzvisveta,
28 這也是審判官當罰的罪孽, 又是我背棄在上的上帝。
zvino izvozviwo zvingangova zvivi zvinofanira kutongwa, nokuti ndainge ndisina kutendeka kuna Mwari wokumusoro.
29 我若見恨我的遭報就歡喜, 見他遭災便高興; (
“Kana ndakafadzwa nokurasikirwa kwomuvengi wangu, kana kufara zvikuru pamusoro penhamo yakamuwira,
30 我沒有容口犯罪, 咒詛他的生命;)
handina kutendera muromo wangu kutadza, nokudana chituko pamusoro poupenyu hwake,
31 若我帳棚的人未嘗說, 誰不以主人的食物吃飽呢? (
kana vanhu veimba yangu vasina kumboti, ‘Ndianiko asina kumbogutswa nenyama yaJobho?’
32 從來我沒有容客旅在街上住宿, 卻開門迎接行路的人;)
Hapana mutorwa akavata usiku hwose munzira dzomumusha, nokuti musuo wangu wakaramba wakazarurirwa vashanyi.
33 我若像亞當 遮掩我的過犯, 將罪孽藏在懷中;
Kana ndakavanza chivi changu saAdhamu, nokuviga mhosva yangu mumwoyo mangu,
34 因懼怕大眾, 又因宗族藐視我使我驚恐, 以致閉口無言,杜門不出;
nokuda kwokuti ndaitya kwazvo vanhu vazhinji, uye ndakatya kwazvo kuzvidza kwevemhuri, zvokuti ndakaramba ndinyerere ndikasabuda kunze,
35 惟願有一位肯聽我! (看哪,在這裏有我所劃的押, 願全能者回答我!)
“Haiwa, dai ndaiva nomumwe angandinzwa! Ndinonyora runyoro rwangu ndichizvidzivirira iye zvino, Wamasimba Ose ngaandipindure; mupomeri wangu ngaanyore rugwaro rwezvaanondipomera.
36 願那敵我者所寫的狀詞在我這裏! 我必帶在肩上,又綁在頭上為冠冕。
Zvirokwazvo ndairutakura pamapfudzi angu, ndairupfeka sekorona.
37 我必向他述說我腳步的數目, 必如君王進到他面前。
Ndaimupa kuzvidavirira kwangu kwenhambwe imwe neimwe; ndaiswedera kwaari somuchinda.
38 我若奪取田地,這地向我喊冤, 犂溝一同哭泣;
“Kana munda wangu ukadanidzira kwandiri uchindipa mhosva, uye miforo yose ikanyorova nemisodzi,
39 我若吃地的出產不給價值, 或叫原主喪命;
kana ndakadya zvibereko zvawo ndisingaripi, kana ndakaparadza upenyu hwavanourima,
40 願這地長蒺藜代替麥子, 長惡草代替大麥。 約伯的話說完了。
ipapo rukato ngarumere pachinzvimbo chegorosi, nesora pachinzvimbo chebhari.” Mashoko aJobho apera.

< 約伯記 31 >