< 約伯記 30 >
1 但如今,比我年少的人戲笑我; 其人之父我曾藐視, 不肯安在看守我羊群的狗中。
“Asi zvino vanondiseka, varume vaduku kwandiri, vane madzibaba andaishora zvokuti handaivaisa pakati pembwa dzinofudza makwai angu.
2 他們壯年的氣力既已衰敗, 其手之力與我何益呢?
Ko, simba ramaoko avo raizondibatsirei, sezvo simba ravo rakanga rapera?
3 他們因窮乏飢餓,身體枯瘦, 在荒廢淒涼的幽暗中齦乾燥之地,
Vapererwa nokuda kwokushayiwa uye nenzara, vakadzivaira usiku munyika yakaoma, mumatongo nomunyika yakaparara.
Vakaunganidza miriwo inovavira kubva mumakwenzi, uye zvokudya zvavo zvakanga zviri mudzi womuti womurara.
Vakabviswa pakati pavanhu vokwavo, vachitukwa kunge vakanga vari mbavha.
Vakamanikidzwa kuti vagare mukati mehova dzakaoma, pakati pamatombo nomumakomba, muvhu.
Vakarira samakwai pakati pamakwenzi, uye vakamanikidzana pasi porukato.
8 這都是愚頑下賤人的兒女; 他們被鞭打,趕出境外。
Vakanga vari vanhu vakazvidzika vasina zita, vakadzingwa kubva munyika.
“Uye zvino vanakomana vavo vanondiseka munziyo; ndava shumo pakati pavo.
10 他們厭惡我,躲在旁邊站着, 不住地吐唾沫在我臉上。
Vanondisema uye vanomira kure neni; havazezi kundipfira mate kumeso.
Sezvo zvino Mwari akatsudunura uta hwangu uye akanditambudza, havazvidzori pamberi pangu.
12 這等下流人在我右邊起來, 推開我的腳,築成戰路來攻擊我。
Kurudyi rwangu rudzi runondirwisa; vanoisira makumbo angu misungo, vanovaka michinjiziri yokurwa neni.
Vanoparadza mugwagwa wangu; vanobudirira pakundiparadza, pasina munhu anovabatsira.
14 他們來如同闖進大破口, 在毀壞之間滾在我身上。
Vanofamba zvavo kunge vanopinda napakakoromoka; pakati pamatongo vanongopinda zvavo.
15 驚恐臨到我, 驅逐我的尊榮如風; 我的福祿如雲過去。
Zvinotyisa zvinondibata; kukudzwa kwangu kwabviswa sokunge nemhepo, kuchengetedzeka kwangu kwapera segore.
“Uye zvino upenyu hwangu hwava kuguma; mazuva okutambudzika anondibata.
17 夜間,我裏面的骨頭刺我, 疼痛不止,好像齦我。
Usiku hunobaya mapfupa angu; zvinondiruma-ruma zvinorwadza hazvizorori.
18 因上帝的大力,我的外衣污穢不堪, 又如裏衣的領子將我纏住。
Nesimba rake guru Mwari anova chipfeko kwandiri; anondisunga somutsipa wenguo yangu.
19 上帝把我扔在淤泥中, 我就像塵土和爐灰一般。
Anondikanda mumatope, uye ndava seguruva namadota.
20 主啊,我呼求你,你不應允我; 我站起來,你就定睛看我。
“Ndinochema kwamuri, imi Mwari, asi hamundipinduri; ndinosimuka, asi munongonditarisa zvenyu.
Munondishandukira noutsinye; munondirova nesimba roruoko rwenyu.
22 把我提在風中,使我駕風而行, 又使我消滅在烈風中。
Munondibvuta mondidzingira pamberi pemhepo; munonditenderedza mudutu.
23 我知道要使我臨到死地, 到那為眾生所定的陰宅。
Ndinoziva kuti muchandiburutsa muchindiendesa kurufu, kunzvimbo yakatsaurirwa vapenyu vose.
“Zvirokwazvo, hakuna munhu anobata munhu ari kushushikana paanochemera rubatsiro pakutambudzika kwake.
25 人遭難,我豈不為他哭泣呢? 人窮乏,我豈不為他憂愁呢?
Ko, handina kuchema nokuda kwevaitambura here? Ko, mweya wangu hauna kuva neshungu pamusoro pavarombo here?
26 我仰望得好處,災禍就到了; 我等待光明,黑暗便來了。
Kunyange zvakadaro, pandakanga ndakarindira zvakanaka, zvakaipa zvakasvika; pandakatarisira chiedza, ipapo rima rakasvika.
Kumonyoroka kwoura hwangu hakumbomiri; mazuva okutambudzika anondivinga.
Ndinodzungaira ndichisvibiswa, asi kwete nezuva; ndinosimuka pakati peungano ndichichemera rubatsiro.
Ndava hama yamakava, neshamwari yamazizi.
Ganda rangu riri kusviba uye riri kufunuka; muviri wangu unopisa nefivha.
31 所以,我的琴音變為悲音; 我的簫聲變為哭聲。
Mbira dzangu dzava kungoridza nziyo dzokuchema, uye nyere yangu nziyo dzokuungudza.