< 以賽亞書 42 >

1 看哪,我的僕人- 我所扶持所揀選、心裏所喜悅的! 我已將我的靈賜給他; 他必將公理傳給外邦。
“Tarirai muranda wangu, wandinotsigira, musanangurwa wangu wandinofarira; Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake, uye achavigira ndudzi kururamisirwa.
2 他不喧嚷,不揚聲, 也不使街上聽見他的聲音。
Haazodanidziri kana kuridza mhere, kana kusimudza inzwi munzira dzomuguta.
3 壓傷的蘆葦,他不折斷; 將殘的燈火,他不吹滅。 他憑真實將公理傳開。
Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, uye nomwenje unopfungaira haazoudzimi. Mukutendeka, achavigira vanhu kururamisira;
4 他不灰心,也不喪膽, 直到他在地上設立公理; 海島都等候他的訓誨。
haangakoniwi uye haangaperi simba kusvikira asimbisa kururamisirwa panyika. Zviwi zvichaisa tariro yazvo mumurayiro wake.”
5 創造諸天,鋪張穹蒼, 將地和地所出的一併鋪開, 賜氣息給地上的眾人, 又賜靈性給行在其上之人的上帝耶和華, 他如此說:
Zvanzi naMwari Jehovha, iye akasika matenga akaatatamura, akatambanudza nyika nezvose zvinobuda mairi, anopa kufema kuvanhu vayo, noupenyu kuna avo vanofamba pamusoro payo:
6 我-耶和華憑公義召你, 必攙扶你的手,保守你, 使你作眾民的中保, 作外邦人的光,
“Ini, Jehovha, ndakakudana mukururama; ndichabata ruoko rwako. Ndichakuchengeta ndigokuita kuti uve sungano yavanhu nechiedza kune veDzimwe Ndudzi,
7 開瞎子的眼, 領被囚的出牢獄, 領坐黑暗的出監牢。
kuti usvinudze meso asingaoni, usunungure vakasungwa mutorongo uye usunungure vari mugomba, avo vagere murima.
8 我是耶和華,這是我的名; 我必不將我的榮耀歸給假神, 也不將我的稱讚歸給雕刻的偶像。
“Ndini Jehovha; ndiro zita rangu! Handizopi kukudzwa kwangu kuno mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kuzvifananidzo.
9 看哪,先前的事已經成就, 現在我將新事說明, 這事未發以先,我就說給你們聽。
Tarira, zvinhu zvakare zvaitika, uye ndiri kutaura zvinhu zvitsva; izvo zvisati zvavapo ndinozvizivisa kwamuri.”
10 航海的和海中所有的, 海島和其上的居民, 都當向耶和華唱新歌, 從地極讚美他。
Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, murumbidzei kubva kumagumo enyika, imi munoburukira kugungwa, nezvose zviri mariri, imi zviwi, navose vanogaramo.
11 曠野和其中的城邑, 並基達人居住的村莊都當揚聲; 西拉的居民當歡呼, 在山頂上吶喊。
Gwenga namaguta aro ngazvidanidzire; nzvimbo dzinogara Kedhari ngadzifare. Vanhu veSera ngavaimbe nomufaro; ngavapururudze pamusoro pemakomo.
12 他們當將榮耀歸給耶和華, 在海島中傳揚他的頌讚。
Ngavape rukudzo kuna Jehovha uye vaparidze rumbidzo yake kuzviwi.
13 耶和華必像勇士出去, 必像戰士激動熱心, 要喊叫,大聲吶喊, 要用大力攻擊仇敵。
Jehovha achabuda somunhu ane simba, semhare, achamutsa kushingaira kwake; nokudanidzira, achamutsa kurwa uye achakunda vavengi vake.
14 我許久閉口不言,靜默不語; 現在我要喊叫,像產難的婦人; 我要急氣而喘哮。
“Nokuti ndanga ndakanyarara kwenguva refu, ndanga ndinyerere uye ndichizvidzora. Asi zvino kufanana nomukadzi ari kusununguka, ndiri kudanidzira, ndiri kufemedzeka nokutakwaira.
15 我要使大山小岡變為荒場, 使其上的花草都枯乾; 我要使江河變為洲島, 使水池都乾涸。
Ndichaparadza makomo nezvikomo, uye ndichaomesa zvose zvawo zvinomera; ndichashandura nzizi dzikava zviwi, uye madziva ndichaaomesa.
16 我要引瞎子行不認識的道, 領他們走不知道的路; 在他們面前使黑暗變為光明, 使彎曲變為平直。 這些事我都要行, 並不離棄他們。
Ndichatungamirira mapofu nenzira dzavasingazivi, nomumakwara avasina kuziva, ndichavatungamirira; ndichashandura rima rikava chiedza pamberi pavo uye ndichaita kuti nzvimbo dzakaipa dziti chechetere. Izvi ndizvo zvinhu zvandichaita; handizovasiya.
17 倚靠雕刻的偶像, 對鑄造的偶像說: 你是我們的神; 這等人要退後,全然蒙羞。
Asi ivo vanovimba nezvifananidzo, vanoti kune zvakaumbwa, ‘Ndimi vamwari vedu,’ vachadzoserwa shure mukunyadziswa kukuru.
18 你們這耳聾的,聽吧! 你們這眼瞎的,看吧! 使你們能看見。
“Inzwai, imi matsi; tarirai, imi mapofu, muone!
19 誰比我的僕人眼瞎呢? 誰比我差遣的使者耳聾呢? 誰瞎眼像那與我和好的? 誰瞎眼像耶和華的僕人呢?
Ndianiko bofu, asi muranda wangu, uye matsi kufanana nenhume yandinotuma? Ndianiko bofu rakafanana naiye akazvipira kwandiri, kana bofu rakafanana nomuranda waJehovha?
20 你看見許多事卻不領會, 耳朵開通卻不聽見。
Wakaona zvinhu zvizhinji, asi hauna kuva nehanya; nzeve dzako dzakazaruka, asi hauna chaunonzwa.”
21 耶和華因自己公義的緣故, 喜歡使律法為大,為尊。
Zvakafadza Jehovha nokuda kwokururama kwake, kuti akudze murayiro wake uye aubwinyise.
22 但這百姓是被搶被奪的, 都牢籠在坑中,隱藏在獄裏; 他們作掠物,無人拯救, 作擄物,無人說交還。
Asi ava ndivo vanhu vakapambwa uye vakabirwa, vose vakasungwa mumakomba kana kuti vakavanzwa mumatorongo. Vakava vabatwa, pasina anovarwira; vakaitwa chinhu chakapambwa, pasina anoti, “Vadzoserei kwavakabva.”
23 你們中間誰肯側耳聽此, 誰肯留心而聽,以防將來呢?
Ndiani pakati penyu achateerera izvi, kana kurerekera nzeve dzake zvikuru panguva inouya?
24 誰將雅各交出當作擄物, 將以色列交給搶奪的呢? 豈不是耶和華嗎? 就是我們所得罪的那位。 他們不肯遵行他的道, 也不聽從他的訓誨。
Ndiani akarega Jakobho achipambwa, akaendesa Israeri kuvapambi? Akanga asiri Jehovha here, iye watakatadzira? Nokuti havana kuda kutevera nzira dzake; havana kuteerera murayiro wake.
25 所以,他將猛烈的怒氣和爭戰的勇力 傾倒在以色列的身上。 在他四圍如火着起,他還不知道, 燒着他,他也不介意。
Naizvozvo akadururira hasha dzake dzinopisa pamusoro pavo, iro bongozozo rehondo. Rakavaputira muvira romoto, asi havana kunzwisisa; rakavapisa, asi mwoyo yavo yakashaya hanya nazvo.

< 以賽亞書 42 >