< 以賽亞書 41 >
1 眾海島啊,當在我面前靜默; 眾民當重新得力, 都要近前來才可以說話, 我們可以彼此辯論。
“Nyararai pamberi pangu, imi zviwi! Ndudzi ngadzivandudze simba radzo! Ngadziswedere mberi dzitaure; ngatisanganei pamwe chete panzvimbo inotongerwa mhaka.
2 誰從東方興起一人, 憑公義召他來到腳前呢? 耶和華將列國交給他, 使他管轄君王, 把他們如灰塵交與他的刀, 如風吹的碎稭交與他的弓。
“Ndianiko akamutsa mumwe kubva kumabvazuva, akamudana nokururama kuushumiri hwake? Anopa ndudzi kwaari, uye anoisa madzimambo pasi pake. Anovashandura vagova guruva nomunondo wake, vagova hundi inopepereswa nemhepo nouta hwake.
Anovadzinganisa agopfuurira mberi asina vanga, nenzira yaasina kumbotsika netsoka dzake kare.
4 誰行做成就這事, 從起初宣召歷代呢? 就是我-耶和華! 我是首先的, 也與末後的同在。
Ndiani akabata basa iri akaripedza, akadana zvizvarwa kubva pakutanga? Ini, Jehovha, iye wokutanga wavo newokupedzisira, ndini iye.”
5 海島看見就都害怕; 地極也都戰兢, 就近前來。
Zviwi zvakazviona zvikatya; magumo enyika anodedera. Vanoswedera uye vagouya mberi;
mumwe nomumwe anobatsira wokwake, achiti kuhama yake, “Simba!”
7 木匠勉勵銀匠, 用鎚打光的勉勵打砧的, 論銲工說,銲得好; 又用釘子釘穩,免得偶像動搖。
Mhizha inokurudzira mupfuri wegoridhe, uye iye anotsetsenura nenyundo anokurudzira uyo anorova panhera. Anoti kune chakanamwa nomoto, “Ichi chakanaka.” Anoroverera chifananidzo pasi nechipikiri kuti chisazungunuka.
8 惟你以色列-我的僕人, 雅各-我所揀選的, 我朋友亞伯拉罕的後裔,
“Asi iwe, Israeri, muranda wangu, Jakobho, wandakasarudza, imi vana vaAbhurahama, shamwari yangu,
9 你是我從地極所領來的, 從地角所召來的, 且對你說:你是我的僕人; 我揀選你,並不棄絕你。
ndakakutora kubva kumagumo enyika, ndikakudana kubva kumakona ayo ari kure. Ndakati kwauri, ‘Uri muranda wangu,’ ndakakusarudza uye handina kukuramba.
10 你不要害怕,因為我與你同在; 不要驚惶,因為我是你的上帝。 我必堅固你,我必幫助你; 我必用我公義的右手扶持你。
Naizvozvo usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndini Mwari wako. Ndichakusimbisa uye ndichakubatsira; ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama.
11 凡向你發怒的必都抱愧蒙羞; 與你相爭的必如無有,並要滅亡。
“Vose vanokutsamwira zvirokwazvo vachanyadziswa uye vachanyara; vose vanokakavadzana newe vachava sechinhu chisipo uye vachaparara.
12 與你爭競的,你要找他們也找不着; 與你爭戰的必如無有,成為虛無。
Kunyange ukatsvaka vavengi vako, hauzovawani. Avo vanorwa newe vachava sechinhu chisipo chose.
13 因為我耶和華- 你的上帝必攙扶你的右手, 對你說:不要害怕! 我必幫助你。
Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako, anobata ruoko rwako rworudyi achiti kwauri, Usatya; ndichakubatsira.
14 你這蟲雅各和你們以色列人, 不要害怕! 耶和華說:我必幫助你。 你的救贖主就是以色列的聖者。
Usatya Jakobho iwe honye, iwe mudiki Israeri, nokuti ini iyeni ndichakubatsira,” ndizvo zvinotaura Jehovha, Mudzikinuri wako, Mutsvene waIsraeri.
15 看哪,我已使你成為 有快齒打糧的新器具; 你要把山嶺打得粉碎, 使岡陵如同糠詷。
“Tarira, ndichakuita mupuro, mutsva unopinza, una meno mazhinji. Uchapura makomo ugoapwanya, uye uchaderedza zvikomo zvikava hundi.
16 你要把它簸揚,風要吹去; 旋風要把它颳散。 你倒要以耶和華為喜樂, 以以色列的聖者為誇耀。
Uchaapepeta, achatorwa nemhepo, uye chamupupuri chichaaparadzira. Asi iwe uchafara muna Jehovha, uye uchazvirumbidza muMutsvene waIsraeri.
17 困苦窮乏人尋求水卻沒有; 他們因口渴,舌頭乾燥。 我-耶和華必應允他們; 我-以色列的上帝必不離棄他們。
“Varombo navanoshaya vanotsvaka mvura asi hakuna; ndimi dzavo dzaoma nenyota. Asi ini Jehovha ndichavapindura; ini, Mwari waIsraeri, handizovasiya.
18 我要在淨光的高處開江河, 在谷中開泉源; 我要使沙漠變為水池, 使乾地變為湧泉。
Ndichaita kuti nzizi dziyerere pamitunhu isina miti, namatsime pakati pemipata. Ndichashandura gwenga rikava madziva emvura, nenyika yakaoma ikava matsime.
19 我要在曠野種上香柏樹、 皂莢樹、番石榴樹,和野橄欖樹。 我在沙漠要把松樹、杉樹, 並黃楊樹一同栽植;
Ndichaisa mugwenga musidhari nomuakasiya, mumite nomuorivhi. Ndichaisa mipaini musango, misipuresi nemifiri pamwe chete,
20 好叫人看見、知道、 思想、明白; 這是耶和華的手所做的, 是以色列的聖者所造的。
kuitira kuti vanhu vaone uye vagoziva, varangarire vagonzwisisa, kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvozvi, kuti Mutsvene waIsraeri ndiye akazvisika.
21 耶和華對假神說: 你們要呈上你們的案件; 雅各的君說: 你們要聲明你們確實的理由。
“Sumai mhaka yenyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Uyai namashoko enyu akasimba,” ndizvo zvinotaura Mambo waJakobho.
22 可以聲明,指示我們將來必遇的事, 說明先前的是甚麼事, 好叫我們思索,得知事的結局, 或者把將來的事指示我們。
“Uyai nezvifananidzo zvenyu zvitiudze zvichaitika. Tiudzei zvinhu zvakare kuti zvaiva zvipi, kuti zvimwe tizviongorore tigoziva magumo azvo. Kana kuti tizivisei, zvinhu zvichaitika,
23 要說明後來的事, 好叫我們知道你們是神。 你們或降福,或降禍, 使我們驚奇,一同觀看。
tiudzei kuti ramangwana rinei, kuti tizive kana imi muri vanamwari. Itai chimwe chinhu, chingava chakanaka kana chakaipa, kuitira kuti tigoshamiswa tigozadzwa nokutya.
24 看哪,你們屬乎虛無; 你們的作為也屬乎虛空。 那選擇你們的是可憎惡的。
Asi imi hamusi chinhu, uye mabasa enyu haana maturo chose; anokusarudzai anonyangadza.
25 我從北方興起一人; 他是求告我名的, 從日出之地而來。 他必臨到掌權的, 好像臨到灰泥, 彷彿窯匠踹泥一樣。
“Ndamutsa mumwe anobva kumusoro, zvino ari kuuya, mumwe anobva kumabvazuva anodana kuzita rangu. Iye anotsika pamusoro pavabati kunge anotsika dope, kuita sokunge muumbi wehari anokanya ivhu.
26 誰從起初指明這事,使我們知道呢? 誰從先前說明,使我們說他不錯呢? 誰也沒有指明; 誰也沒有說明; 誰也沒有聽見你們的話。
Ndianiko akazvireva kubva pakutanga, kuti zvimwe, tingaziva, kana kuti zvichigere kuitika, kuti zvimwe tigoti, ‘Akanga anatsa?’ Hapana akataura izvozvi, hapana akataura kuti zvichauya, hapana akanzwa kana shoko kubva kwamuri.
27 我首先對錫安說: 看哪,我要將一位報好信息的賜給耶路撒冷。
Ndini akava wokutanga kuudza Zioni kuti, ‘Tarira, ava vari pano!’ Ndakapa kuJerusarema nhume yamashoko akanaka.
28 我看的時候並沒有人; 我問的時候, 他們中間也沒有謀士可以回答一句。
Ndinotarisa asi hapana munhu, hapana pakati pavo anopa zano, hapana anondipindura pandinovabvunza.
29 看哪,他們和他們的工作都是虛空, 且是虛無。 他們所鑄的偶像都是風, 都是虛的。
Tarirai, vose inhema dzoga! Mabasa avo haana maturo; zvifananidzo zvavo imhepo nenyonganiso.