< 诗篇 36 >

1 耶和华的仆人大卫的诗,交与伶长。 恶人的罪过在他心里说: 我眼中不怕 神!
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi muranda waJehovha. Shoko riri mumwoyo mangu pamusoro pokutadza kweakaipa rinoti: Hakuna kutya Mwari pamberi pake.
2 他自夸自媚, 以为他的罪孽终不显露,不被恨恶。
Pamaonero ake anozvirumbidza, nokuti anozvibata kumeso kwazvo pakuona kwake, zvokuti anotadza kuona kana kuvenga chivi chake.
3 他口中的言语尽是罪孽诡诈; 他与智慧善行已经断绝。
Mashoko omuromo wake akaipa uye anonyengera; haachisiri munhu akachenjera kana anoita zvakanaka.
4 他在床上图谋罪孽, 定意行不善的道,不憎恶恶事。
Kunyange panhoo yake anofunga zvakaipa; anozvifambisa panzira yezvakaipa uye haarambi chakaipa.
5 耶和华啊,你的慈爱上及诸天; 你的信实达到穹苍。
Rudo rwenyu, imi Jehovha, runosvika kudenga denga, kutendeka kwenyu kunosvika kumakore.
6 你的公义好像高山; 你的判断如同深渊。 耶和华啊,人民、牲畜,你都救护。
Kururama kwenyu kwakaita segomo guru guru, kururamisira kwenyu sepakadzika dzika. Haiwa Jehovha, imi munochengetedza zvose munhu nemhuka.
7 神啊,你的慈爱何其宝贵! 世人投靠在你翅膀的荫下。
Haiwa rudo rwenyu rusingatongoperi runokosha sei! Vose vakuru navaduku pakati pavanhu vanovanda mumumvuri wamapapiro enyu.
8 他们必因你殿里的肥甘得以饱足; 你也必叫他们喝你乐河的水。
Vanogutswa nezvakawanda zvomumba menyu; munovanwisa kubva parwizi rwenyu runofadza.
9 因为,在你那里有生命的源头; 在你的光中,我们必得见光。
Nokuti kwamuri ndiko kune chitubu choupenyu; muchiedza chenyu tinoona chiedza.
10 愿你常施慈爱给认识你的人, 常以公义待心里正直的人。
Rambai muchiitira rudo kuna avo vanokuzivai, uye kururama kwenyu kuna vane mwoyo yakarurama.
11 不容骄傲人的脚践踏我; 不容凶恶人的手赶逐我。
Rutsoka rwounozvikudza ngarurege kusvika kwandiri, kunyange ruoko rweakaipa ngarurege kundidzingira kure.
12 在那里,作孽的人已经仆倒; 他们被推倒,不能再起来。
Tarirai vaiti vezvakaipa kuti vawa sei, vakandwa pasi, havagoni kumuka.

< 诗篇 36 >