< 诗篇 147 >
1 你们要赞美耶和华! 因歌颂我们的 神为善为美; 赞美的话是合宜的。
Rumbidzai Jehovha. Zvakanaka sei kuimbira Mwari wedu nziyo dzokurumbidza, zvinofadza uye zvakafanira sei kumurumbidza!
2 耶和华建造耶路撒冷, 聚集以色列中被赶散的人。
Jehovha anovaka Jerusarema; anounganidza vakadzingwa vaIsraeri.
Anoporesa vane mwoyo yakaputsika, uye anosunga maronda avo.
Anotara kuwanda kwenyeredzi, anodana imwe neimwe nezita rayo.
Ishe wedu mukuru uye ane simba guru; kunzwisisa kwake hakuperi.
Jehovha anotsigira vanozvininipisa, asi anowisira pasi vakaipa.
7 你们要以感谢向耶和华歌唱, 用琴向我们的 神歌颂。
Imbirai Jehovha nokuvonga; muimbire Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira.
Anofukidza denga namakore; anopa nyika mvura, uye anomeresa uswa pazvikomo.
Anopa mombe zvokudya navana vamakunguo pavanochema.
Mufaro wake hausi musimba rebhiza, uye mufaro wake hausi pamakumbo omunhu;
Jehovha anofadzwa naavo vanomutya, vanoisa tariro yavo parudo rwake rusingaperi.
12 耶路撒冷啊,你要颂赞耶和华! 锡安哪,你要赞美你的 神!
Kudza Jehovha, iwe Jerusarema; rumbidza Mwari wako, iwe Zioni,
13 因为他坚固了你的门闩, 赐福给你中间的儿女。
nokuti anosimbisa mazariro amasuo ako, uye anoropafadza vanhu vako vari mauri.
Anopa rugare pamiganhu yako, uye anokugutsa nezviyo zvakaisvonaka.
Anotuma murayiro wake kunyika; shoko rake rinomhanya kwazvo.
Anowarira chando samakushe amakwai, uye anoparadzira chando samadota.
17 他掷下冰雹如碎渣; 他发出寒冷,谁能当得起呢?
Anokanda chimvuramabwe pasi sezvimedu. Ndianiko angamira kana chando chake charova?
18 他一出令,这些就都消化; 他使风刮起,水便流动。
Anotuma shoko rake rigozvinyungudisa; anomutsa mhepo yake, mvura zhinji igoerera.
19 他将他的道指示雅各, 将他的律例典章指示以色列。
Akazarurira Jakobho shoko rake, mirayiro yake nezvirevo zvake kuna Israeri.
20 别国他都没有这样待过; 至于他的典章,他们向来没有知道。 你们要赞美耶和华!
Haana kumboita izvi kuno rumwe rudzi; havazivi mirayiro yake. Rumbidzai Jehovha.