< 诗篇 139 >

1 大卫的诗,交与伶长。 耶和华啊,你已经鉴察我,认识我。
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Haiwa Jehovha, makandinzvera uye munondiziva.
2 我坐下,我起来,你都晓得; 你从远处知道我的意念。
Munoziva nguva yandinogara neyandinosimuka; munonzwisisa pfungwa dzangu muri kure.
3 我行路,我躺卧,你都细察; 你也深知我一切所行的。
Munonzvera kubuda kwangu nokuvata kwangu pasi; munoziva nzira dzangu dzose.
4 耶和华啊,我舌头上的话, 你没有一句不知道的。
Shoko risati rava parurimi rwangu, tarirai, imi Jehovha, munoriziva rose.
5 你在我前后环绕我, 按手在我身上。
Munondikomberedza shure nemberi; makaisa ruoko rwenyu pamusoro pangu.
6 这样的知识奇妙,是我不能测的, 至高,是我不能及的。
Kuziva kwakadai kunondishamisa, kwakanyanya kukwirira zvokuti handingasvikiri.
7 我往哪里去躲避你的灵? 我往哪里逃、躲避你的面?
Ndingaendepiko kuti ndibve paMweya wenyu? Ndingatizirepiko kuti ndibve pamberi penyu?
8 我若升到天上,你在那里; 我若在阴间下榻,你也在那里。 (Sheol h7585)
Kana ndikakwira kumatenga, imi muriko; kana ndikawarira mubhedha wangu kwakadzika, imi muriko. (Sheol h7585)
9 我若展开清晨的翅膀, 飞到海极居住,
Kana ndikasimuka namapapiro amambakwedza, kana ndikandogara kumagumo egungwa,
10 就是在那里,你的手必引导我; 你的右手也必扶持我。
kunyange ipapo ruoko rwenyu runondisesedza, ruoko rwenyu rworudyi runondimbundikira.
11 我若说:黑暗必定遮蔽我, 我周围的亮光必成为黑夜;
Kana ndikati, “Zvirokwazvo rima richandivanza, uye chiedza chinondikomberedza chichava usiku kwandiri,”
12 黑暗也不能遮蔽我,使你不见, 黑夜却如白昼发亮。 黑暗和光明,在你看都是一样。
kunyange rima haringavi rima kwamuri; usiku huchapenya samasikati, nokuti rima rakaita sechiedza kwamuri.
13 我的肺腑是你所造的; 我在母腹中,你已覆庇我。
Nokuti imi makasika zvomukatikati mangu; makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu.
14 我要称谢你,因我受造,奇妙可畏; 你的作为奇妙,这是我心深知道的。
Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa, ndinonyatsozviziva kwazvo.
15 我在暗中受造,在地的深处被联络; 那时,我的形体并不向你隐藏。
Mapfupa angu akanga asina kuvanzika kwamuri, pandakanga ndaiswa munzvimbo yakavanda. Pandakarukwa ndiri pakadzika penyika,
16 我未成形的体质,你的眼早已看见了; 你所定的日子,我尚未度一日, 你都写在你的册上了。
meso enyu akaona muviri usati waumbwa. Mazuva ose andakarongerwa akanga akanyorwa mubhuku renyu, rimwe rawo risati ravapo.
17 神啊,你的意念向我何等宝贵! 其数何等众多!
Mirangariro yenyu inokosha sei kwandiri, imi Mwari! Yakakura sei pakuverengwa kwayo!
18 我若数点,比海沙更多; 我睡醒的时候,仍和你同在。
Dai ndaiverenga, ingadai yaikunda tsanga dzejecha pakuwanda. Pandinopepuka, ndinenge ndinemi.
19 神啊,你必要杀戮恶人; 所以,你们好流人血的,离开我去吧!
Dai mukangouraya vakaipa, imi Mwari! Endai kure neni, imi vanhu vokuteura ropa!
20 因为他们说恶言顶撞你; 你的仇敌也妄称你的名。
Ivo vanotaura nemi nomurangariro wakaipa; vadzivisi venyu vanoshandisa zita renyu zvakaipa.
21 耶和华啊,恨恶你的,我岂不恨恶他们吗? 攻击你的,我岂不憎嫌他们吗?
Ko, ini handivengi vanokuvengai here, imi Jehovha, nokusema vaya vanokumukirai?
22 我切切地恨恶他们, 以他们为仇敌。
Handina chimwe chinhu asi kuvavenga ivo; ndinovati vavengi vangu.
23 神啊,求你鉴察我,知道我的心思, 试炼我,知道我的意念,
Ndinzverei, imi Mwari, mugoziva mwoyo wangu; ndiedzei mugoziva kushuva kwendangariro dzangu.
24 看在我里面有什么恶行没有, 引导我走永生的道路。
Muone kana musina nzira yakaipa mandiri, mugondifambisa munzira isingaperi.

< 诗篇 139 >