< 箴言 25 >
1 以下也是所罗门的箴言,是犹大王希西家的人所誊录的。
Izvi ndizvo zvimwe zvirevo zvaSoromoni, zvakanyorwa namachinda aHezekia mambo weJudha:
2 将事隐秘乃 神的荣耀; 将事察清乃君王的荣耀。
Kukudzwa kwaMwari kuviga chinhu; kunzvera nyaya ndiko kukudzwa kwamadzimambo.
Sokukwirira kwakaita denga nokudzika kwakaita nyika, saizvozvowo mwoyo yamadzimambo haigoni kunzverwa.
4 除去银子的渣滓就有银子出来, 银匠能以做器皿。
Bvisa marara pasirivha, panobva pabuda zvinoshandiswa nomuumbi wemidziyo yesirivha;
bvisa akaipa pamberi pamambo, ipapo chigaro chake choushe chichasimbiswa kubudikidza nokururama.
6 不要在王面前妄自尊大; 不要在大人的位上站立。
Usazvikudza pamberi pamambo, uye usazvipa chigaro pakati pavanhu vakuru;
7 宁可有人说:请你上来, 强如在你觐见的王子面前叫你退下。
Zviri nani kuti ati kwauri, “Kwira pano,” pano kuti akunyadzise pamberi pavanhu vanoremekedzwa.
8 不要冒失出去与人争竞, 免得至终被他羞辱, 你就不知道怎样行了。
Zvawakaona nameso ako usakurumidze kuzvikwidza kumatare edzimhosva, nokuti uchazoiteiko pamagumo, kana muvakidzani wako akakunyadzisa?
9 你与邻舍争讼, 要与他一人辩论, 不可泄漏人的密事,
Kana uchipikisana nomuvakidzani wako, usarase chivimbo chomumwe munhu,
kana kuti uyo achazvinzwa angangokunyadzisa, uye uchazoramba uine chimiro chakaipa.
Shoko rataurwa nenguva yakafanira rakafanana namaapuro egoridhe mumidziyo yesirivha.
12 智慧人的劝戒,在顺从的人耳中, 好像金耳环和精金的妆饰。
Semhete yomunzeve yegoridhe kana chishongo chegoridhe rakaisvonaka, ndizvo zvakaita kutsiura kwomunhu akachenjera, kunzeve inoteerera.
13 忠信的使者叫差他的人心里舒畅, 就如在收割时有冰雪的凉气。
Nhume yakatendeka kune anoituma yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokukohwa; inonyevenutsa mweya yavanatenzi vake.
Samakore nemhepo zvisina mvura, ndizvo zvakaita munhu anozvirumbidza pamusoro pezvipo zvaasingapi.
15 恒常忍耐可以劝动君王; 柔和的舌头能折断骨头。
Kubudikidza nomwoyo murefu mutongi anogona kunyengetedzwa, uye rurimi runyoro runogona kuvhuna mapfupa.
16 你得了蜜吗?只可吃够而已, 恐怕你过饱就呕吐出来。
Kana wawana uchi, idya hunokuringana chete, hukawandisa, ucharutsa.
17 你的脚要少进邻舍的家, 恐怕他厌烦你,恨恶你。
Usanyanyoenda pamba pomuvakidzani wako, ukanyanya kuendapo, achakuvenga.
18 作假见证陷害邻舍的, 就是大槌,是利刀,是快箭。
Setsvimbo kana munondo kana museve unopinza, ndizvo zvakaita munhu anopa uchapupu hwenhema achipikisa muvakidzani wake.
19 患难时倚靠不忠诚的人, 好像破坏的牙,错骨缝的脚。
Sezino rakaora kana tsoka yakaremara, ndizvo zvakafanana nokuvimba nomunhu asina kutendeka panguva yokutambudzika.
20 对伤心的人唱歌, 就如冷天脱衣服, 又如硷上倒醋。
Souya anokurura nguo musi unotonhora, kana sevhiniga inodururwa pasoda, ndizvo zvinoita uyo anoimbira nziyo kumwoyo wakaremerwa.
21 你的仇敌若饿了,就给他饭吃; 若渴了,就给他水喝;
Kana muvengi wako ane nzara, mupe zvokudya adye; kana aine nyota, mupe mvura anwe.
22 因为,你这样行就是把炭火堆在他的头上; 耶和华也必赏赐你。
Mukuita izvi, uchaunganidzira mazimbe anopisa pamusoro wake, uye Jehovha achakupa mubayiro.
Semhepo yokumusoro inouyisa mvura, naizvozvo rurimi rwakaipa runouyisa zviso zvakashatirwa.
24 宁可住在房顶的角上, 不在宽阔的房屋与争吵的妇人同住。
Zviri nani kugara pakona redenga reimba pano kugara mumba nomudzimai anokakavara.
25 有好消息从远方来, 就如拿凉水给口渴的人喝。
Semvura inotonhorera kumweya wakaneta ndizvo zvakaita nhau dzakanaka dzinobva kunyika iri kure.
26 义人在恶人面前退缩, 好像趟浑之泉,弄浊之井。
Sechitubu chizere madhaka kana tsime rasvibiswa, ndizvo zvakaita munhu akarurama anopa mukana kumunhu akaipa.
27 吃蜜过多是不好的; 考究自己的荣耀也是可厌的。
Hazvina kunaka kudya uchi huzhinji, kana kuti munhu azvitsvakire kukudzwa kwake iye.
28 人不制伏自己的心, 好像毁坏的城邑没有墙垣。
Seguta rakakoromoka masvingo ndizvo zvakaita munhu asingagoni kuzvibata.