< 箴言 23 >
Kana ukagara pakudya pamwe chete nomubati, nyatsocherechedza zviri pamberi pako,
uise banga pahuro kana uri munhu wamadyo.
Usapanga zvokudya zvake zvinonaka nokuti zvokudya izvozvo zvinonyengera.
Usazvionza nokuda kuwana pfuma; iva nouchenjeri hunoita kuti uzvibate.
5 你岂要定睛在虚无的钱财上吗? 因钱财必长翅膀,如鹰向天飞去。
Kungoti tarisei papfuma, wanei yaenda, nokuti zvirokwazvo inomera mapapiro igobhururuka ichienda kudenga segondo.
Usadya zvokudya zvomunhu anonyima, kana kupanga zvokudya zvake zvinonaka;
7 因为他心怎样思量, 他为人就是怎样。 他虽对你说,请吃,请喝, 他的心却与你相背。
nokuti munhu uya anongofunga chete mutengo wazvo. Anoti kwauri, “Idya ugonwa,” asi mumwoyo make asingadi.
8 你所吃的那点食物必吐出来; 你所说的甘美言语也必落空。
Ucharutsa zvishoma izvozvo zvawadya, uye unenge watambisa mashoko ako nokumutenda.
9 你不要说话给愚昧人听, 因他必藐视你智慧的言语。
Usataura nebenzi, nokuti richashora uchenjeri hwamashoko ako.
10 不可挪移古时的地界, 也不可侵入孤儿的田地;
Usabvisa dombo romuganhu wakare kana kupinda paminda yenherera,
11 因他们的救赎主大有能力, 他必向你为他们辨屈。
nokuti Mudziviriri wavo ane simba; iye achavarwira pamhaka yavo newe.
Isa mwoyo wako kumurayiro nenzeve dzako kumashoko ezivo.
13 不可不管教孩童; 你用杖打他,他必不至于死。
Usarega kuranga mwana; ukamuranga neshamhu, haafi.
14 你要用杖打他, 就可以救他的灵魂免下阴间。 (Sheol )
Murange neshamhu ugoponesa mweya wake kubva parufu. (Sheol )
Mwanakomana wangu, kana mwoyo wako wakachenjera, ipapo mwoyo wangu uchafara;
mukatikati mangu muchapembera kana miromo yako ichitaura zvakarurama.
Usarega mwoyo wako uchichiva vatadzi, asi nguva dzose shingairira kutya Jehovha.
Zvirokwazvo ramangwana rako rine tariro, uye tariro yako haingaparadzwi.
19 我儿,你当听,当存智慧, 好在正道上引导你的心。
Teerera, mwanakomana wangu, ugova nouchenjeri, uye uchengete mwoyo wako panzira yakarurama.
Usabatana navaya vanonwa waini zhinji, kunyange vaya vanokara nyama,
21 因为好酒贪食的,必致贫穷; 好睡觉的,必穿破烂衣服。
nokuti zvidhakwa nevane madyo vachava varombo, uye hope dzichavapfekedza mamvemve.
22 你要听从生你的父亲; 你母亲老了,也不可藐视她。
Teerera kuna baba vako, ivo vakakubereka, uye usazvidza mai vako kana vachinge vakwegura.
23 你当买真理; 就是智慧、训诲,和聪明也都不可卖。
Tenga zvokwadi urege kuzoitengesa; uwane uchenjeri, kuzvibata nokunzwisisa.
24 义人的父亲必大得快乐; 人生智慧的儿子,必因他欢喜。
Baba vomunhu akarurama vane mufaro mukuru; uyo ane mwanakomana akachenjera anofadzwa naye.
Baba vako namai vako ngavafare; mai vakakubereka ngavafare kwazvo!
26 我儿,要将你的心归我; 你的眼目也要喜悦我的道路。
Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako uye meso ako ngaananʼanidze nzira dzangu,
nokuti chifeve igomba rakadzika, uye mukadzi asingazvibati itsime rakamanikana.
Segororo anohwandira, anowedzera vasina kutendeka pakati pavarume.
29 谁有祸患?谁有忧愁? 谁有争斗?谁有哀叹? 谁无故受伤?谁眼目红赤?
Ndiani ane nhamo? Ndiani akasuwa? Ndiani anokakavara? Ndiani anonyunyuta? Ndiani ane mavanga pasina mhaka? Ndiani ane meso akatsvuka?
Vaya vanogara pawaini, vanoenda kundoravira makate ewaini yakavhenganiswa.
31 酒发红,在杯中闪烁, 你不可观看, 虽然下咽舒畅, 终久是咬你如蛇,刺你如毒蛇。
Usatarisa waini kana yatsvuka, kana ichivaima iri mumukombe, kana ichidzika zvakanaka pakunwa!
Pakupedzisira inoruma senyoka uye ine uturu semvumbi.
Meso ako achaona zvisakamboonekwa uye pfungwa dzako dzichafunga zvakapesana.
Uchava souya akarara pamusoro pamafungu amakungwa, kana somunhu avete pamusoro pedanda rechikepe.
35 你必说:人打我,我却未受伤; 人鞭打我,我竟不觉得。 我几时清醒,我仍去寻酒。
Uchati, “Vakandirova, asi handina kukuvara! Vakandirova asi handina kuzvinzwa! Ndichamuka rinhiko kuti ndigotsvakazve waini?”