< 箴言 21 >
Mwoyo wamambo uri muruoko rwaJehovha; anouendesa kwaanoda sehova dzemvura.
2 人所行的,在自己眼中都看为正; 惟有耶和华衡量人心。
Nzira dzose dzomunhu dzinoita sedzakarurama kwaari, asi Jehovha anoyera mwoyo pachikero.
Kuita zvakarurama nokururamisira zvinonyanya kufadza Jehovha kupfuura chibayiro.
Meso ana manyawi nomwoyo unozvikudza, mwenje woakaipa, ndizvo chivi!
5 殷勤筹划的,足致丰裕; 行事急躁的,都必缺乏。
Urongwa hwavanoshingaira hunouyisa zvizhinji, sezvo, zvirokwazvo, kukurumidzisa kuchiuyisa urombo.
6 用诡诈之舌求财的,就是自己取死; 所得之财乃是吹来吹去的浮云。
Pfuma yakaunganidzwa norurimi runoreva nhema imhute inopupurutswa uye muteyo wakaipisisa.
7 恶人的强暴必将自己扫除, 因他们不肯按公平行事。
Kumanikidza kwavakaipa kuchavazvuzvurudzira kure, nokuti vanoramba kuita zvakarurama.
8 负罪之人的路甚是弯曲; 至于清洁的人,他所行的乃是正直。
Nzira yeane mhosva yakaminama, asi kufamba kwaasina mhosva kwakarurama.
9 宁可住在房顶的角上, 不在宽阔的房屋与争吵的妇人同住。
Zviri nani kugara pakona yedenga remba, pano kugara mumba nomudzimai anokakavara.
Munhu akaipa anoshuvira zvakaipa; muvakidzani wake haawani tsitsi kubva kwaari.
11 亵慢的人受刑罚,愚蒙的人就得智慧; 智慧人受训诲,便得知识。
Kana museki akarangwa vasina mano vanowana uchenjeri; kana munhu akachenjera akarayirwa anowana zivo.
12 义人思想恶人的家, 知道恶人倾倒,必致灭亡。
Iye Akarurama anocherechedza imba yeakaipa, uye anoisa akaipa kukuparadzwa.
13 塞耳不听穷人哀求的, 他将来呼吁也不蒙应允。
Kana munhu akadzivira nzeve dzake kumurombo, naiyewo achachema uye hapana achamunzwa.
14 暗中送的礼物挽回怒气; 怀中搋的贿赂止息暴怒。
Chipo chinopiwa muchivande chinonyaradza hasha, uye fufuro yakavigwa mujasi inonyaradza kutsamwa kukuru.
Kana kururamisira kwaitwa, kunouyisa mufaro kuna vakarurama, asi kunovhundutsa vaiti vezvakaipa.
Munhu anorasika panzira yokunzwisisa achandozororera muungano yavakafa.
17 爱宴乐的,必致穷乏; 好酒,爱膏油的,必不富足。
Uyo anofarira mafaro achava murombo; ani naani anofarira waini namafuta haazombopfumi.
Akaipa achava dzikinuro yavakarurama, uye vasina kutendeka vachava dzikinuro yaakatendeka.
Zviri nani kugara mugwenga, pano kugara nomudzimai anokakavara uye ane hasha.
20 智慧人家中积蓄宝物膏油; 愚昧人随得来随吞下。
Mumba mowakachenjera mune zvokudya zvakaisvonaka zvakawanda namafuta, asi benzi rinodya zvose zvarinazvo.
21 追求公义仁慈的, 就寻得生命、公义,和尊荣。
Uyo anotevera kururama norudo anowana upenyu, nokubudirira norukudzo.
22 智慧人爬上勇士的城墙, 倾覆他所倚靠的坚垒。
Munhu akachenjera anorwisa guta ravane simba agoputsa nhare dzaro dzavanovimba nadzo.
Uyo anorinda muromo wake norurimi rwake anozvidzivirira kubva panjodzi.
24 心骄气傲的人名叫亵慢; 他行事狂妄,都出于骄傲。
Munhu anozvikudza uye ana manyawi “Mudadi” ndiro zita rake; anoita zvinhu namanyawi uye nokuzvikudza.
Kushuva kwesimbe kunova rufu rwake, nokuti maoko ake anoramba kushanda.
Muswere wose wezuva anoramba achida zvimwe, asi akarurama anopa asinganyimi.
Chibayiro chowakaipa chinonyangadza, zvikuru sei kana akauya nacho nomufungo wakaipa!
28 作假见证的必灭亡; 惟有听真情而言的,其言长存。
Chapupu chenhema chichaparara, uye ani naani anoteerera kwaari achaparadzwa nokusingaperi.
Munhu akaipa ane chiso chisinganyari, asi munhu akarurama anofunga pamusoro penzira dzake.
Hapana uchenjeri kana njere kana urongwa hungabudirira huchipikisana naJehovha.
Bhiza rinogadzirirwa zuva rokurwa, asi kukunda kunobva kuna Jehovha.