< 箴言 15 >
Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.
Rurimi rwowakachenjera runobudisa zivo, asi muromo webenzi unodurura upenzi.
Meso aJehovha ari pose pose, achicherechedza vakaipa navakanaka.
Rurimi runouyisa kuporesa ndirwo muti woupenyu, asi rurimi runonyengera runopwanya mweya.
5 愚妄人藐视父亲的管教; 领受责备的,得着见识。
Benzi rinoramba kurayira kwababa varo, asi ani naani anogamuchira kurayirwa anoratidza kungwara.
Imba yowakarurama ine pfuma zhinji, asi zvinowanikwa nowakaipa zvinomuunzira kutambudzika.
Miromo yavakachenjera inokusha zivo; asi mwoyo yamapenzi haidaro.
8 恶人献祭,为耶和华所憎恶; 正直人祈祷,为他所喜悦。
Jehovha anovenga chibayiro chowakaipa, asi munyengetero womunhu akarurama unomufadza.
9 恶人的道路,为耶和华所憎恶; 追求公义的,为他所喜爱。
Jehovha anovenga nzira yeakaipa, asi anoda vaya vanotevera kururama.
10 舍弃正路的,必受严刑; 恨恶责备的,必致死亡。
Kurangwa kwakaomarara kwakamirira uyo anotsauka kubva panzira; uyo anovenga kudzorwa achafa.
11 阴间和灭亡尚在耶和华眼前, 何况世人的心呢? (Sheol )
Rufu nokuparadzwa zviri pachena pamberi paJehovha, ko, kuzoti mwoyo yavanhu! (Sheol )
Mudadi anovenga kudzorwa; haangabvunzi vakachenjera.
Mwoyo wakafara, unofadza chiso, asi mwoyo une shungu unopwanya mweya.
Mwoyo unonzvera unotsvaka ruzivo, asi muromo webenzi unodya upenzi.
15 困苦人的日子都是愁苦; 心中欢畅的,常享丰筵。
Mazuva ose omunhu anotambudzika akaipa, asi mwoyo unofara une mutambo nguva dzose.
16 少有财宝,敬畏耶和华, 强如多有财宝,烦乱不安。
Zviri nani kuva nezvishoma uchitya Jehovha, pane kuva nepfuma zhinji namatambudziko.
Zviri nani kuva nezvokudya zvomuriwo pane rudo, pane kuva nemhuru yakakodzwa pane ruvengo.
Munhu ane hasha anomutsa bopoto, asi munhu ane mwoyo murefu anonyaradza kukakavara.
19 懒惰人的道像荆棘的篱笆; 正直人的路是平坦的大道。
Nzira yesimbe yakasoswa neminzwa, asi nzira yavakarurama mugwagwa mukuru.
Mwanakomana akachenjera anounzira baba vake mufaro, asi munhu benzi anozvidza mai vake.
Upenzi hunofadza munhu anoshayiwa njere, asi munhu anonzwisisa anochengetedza nzira yakarurama.
Urongwa hunoparara kana pasina vanopa mazano, asi vanopa mazano vakawanda hunobudirira.
Munhu anowana mufaro mukupa mhinduro yakanaka, uye rakanaka seiko shoko rinouya nenguva!
24 智慧人从生命的道上升, 使他远离在下的阴间。 (Sheol )
Nzira youpenyu kumunhu akachenjera inokwidza kumusoro, ichimuchengetedza kuti asaenda muguva. (Sheol )
25 耶和华必拆毁骄傲人的家, 却要立定寡妇的地界。
Jehovha anoparadza imba yomunhu anozvikudza, asi agochengeta miganhu yechirikadzi yakasimba.
Jehovha anovenga pfungwa dzowakaipa, asi dzavakachena dzinomufadza.
27 贪恋财利的,扰害己家; 恨恶贿赂的,必得存活。
Munhu anokara pfuma anouyisa kutambudzika kumhuri yake, asi anovenga fufuro achararama.
28 义人的心,思量如何回答; 恶人的口吐出恶言。
Mwoyo wokururama unoyera mhinduro dzawo, asi muromo woakaipa unodurura zvakaipa.
Jehovha ari kure neakaipa, asi anonzwa munyengetero weakarurama.
Chiso chinobwinya chinofadza mwoyo, uye mashoko akanaka anopa utano kumapfupa.
Uyo anoteerera kutsiura kunopa upenyu achagara pakati pavakachenjera.
32 弃绝管教的,轻看自己的生命; 听从责备的,却得智慧。
Uyo asina hanya nokurangwa anozvizvidza iye pachake, asi ani naani anogamuchira kurayira achawana kunzwisisa.
33 敬畏耶和华是智慧的训诲; 尊荣以前,必有谦卑。
Kutya Jehovha kunodzidzisa munhu uchenjeri, uye kuzvininipisa kunotanga, kukudzwa kwozotevera.