< 约伯记 24 >

1 全能者既定期罚恶, 为何不使认识他的人看见那日子呢?
“Seiko Wamasimba Ose asingatari nguva dzokutonga? Seiko avo vanomuziva vachitarisira mazuva akadai pasina?
2 有人挪移地界, 抢夺群畜而牧养。
Vanhu vanobvisa mabwe omuganhu; vanofudza makwai avakaba.
3 他们拉去孤儿的驴, 强取寡妇的牛为当头。
Vanotinha mbongoro dzenherera, uye vanotora nzombe yechirikadzi vachiita rubatso.
4 他们使穷人离开正道; 世上的贫民尽都隐藏。
Vanodzinga vanoshayiwa kubva panzira, uye vanomanikidza varombo vose venyika kundovanda.
5 这些贫穷人如同野驴出到旷野,殷勤寻找食物; 他们靠着野地给儿女糊口,
Sezvinoita mbizi murenje, varombo vanobuda vachienda kumabasa avo, okukwara-kwara zvokudya; gwenga rinopa vana varo zvokudya.
6 收割别人田间的禾稼, 摘取恶人余剩的葡萄,
Vanosunganidza uswa mumasango, uye vanononga mazambiringa muminda yavakaipa.
7 终夜赤身无衣, 天气寒冷毫无遮盖,
Vashaya nguo, vagovata usiku hwose vasina zvavakapfeka uye vanoshayiwa zvokufuka muchando.
8 在山上被大雨淋湿, 因没有避身之处就挨近磐石。
Vanototeswa nemvura inonaya mumakomo, uye vanombundikira matombo nokuda kwokushayiwa pokuvanda.
9 又有人从母怀中抢夺孤儿, 强取穷人的衣服为当头,
Mwana nherera anobvutwa kubva pazamu; mwana mucheche womurombo anotorwa nokuda kwechikwereti.
10 使人赤身无衣,到处流行, 且因饥饿扛抬禾捆,
Nokushayiwa zvokufuka, vanongofamba-famba havo vasina kupfeka; vanotakura zvisote, asi vane nzara.
11 在那些人的围墙内造油,榨酒, 自己还口渴。
Vanopwanya maorivhi pakati pemihoronga; vanotsika zvisviniro zvewaini, asi vanofa nenyota.
12 在多民的城内有人唉哼, 受伤的人哀号; 神却不理会那恶人的愚妄。
Kugomera kwavanhu vanofa kunonzwika muguta, uye mweya yavakakuvadzwa inochema kuti ibatsirwe. Asi Mwari haana munhu waanopa mhosva.
13 又有人背弃光明, 不认识光明的道, 不住在光明的路上。
“Varipo vanomukira chiedza, vasingambozivi nzira dzacho kana kugara mumakwara acho.
14 杀人的黎明起来, 杀害困苦穷乏人, 夜间又作盗贼。
Panongovira zuva, muurayi anobva amuka, uye anouraya varombo navanoshayiwa; panguva dzousiku anonyahwaira sembavha.
15 奸夫等候黄昏, 说:必无眼能见我, 就把脸蒙蔽。
Ziso remhombwe rinomirira rubvunzavaeni; anofunga achiti, ‘Hakuna ziso richandiona,’ uye anogara akavanza chiso chake.
16 盗贼黑夜挖窟窿; 白日躲藏, 并不认识光明。
Vanhu vanopaza dzimba murima, asi masikati vanozvipfigira mukati madzo; havana chokuita nechiedza.
17 他们看早晨如幽暗, 因为他们晓得幽暗的惊骇。
Kwavari vose zvavo, rima guru ndiwo mangwanani avo; vanoita ushamwari nokutyisa kwerima.
18 这些恶人犹如浮萍快快飘去。 他们所得的分在世上被咒诅; 他们不得再走葡萄园的路。
“Nyamba ivo ifuro riri pamusoro pemvura; mugove wavo wenyika wakatukwa, zvokuti hakuna munhu achaenda kuminda yemizambiringa.
19 干旱炎热消没雪水; 阴间也如此消没犯罪之辈。 (Sheol h7585)
Kupisa nokuoma sezvakunobvisa chando chanyunguduka, saizvozvo guva rinobvuta vaya vakatadza. (Sheol h7585)
20 怀他的母要忘记他; 虫子要吃他,觉得甘甜; 他不再被人记念。 不义的人必如树折断。
Chizvaro chinovakanganwa, honye inovadya; vanhu vakaipa havacharangarirwizve asi vakavhunwa somuti.
21 他恶待不怀孕不生养的妇人, 不善待寡妇。
Vanovandira mukadzi asingabereki, asina mwana, uye havaitiri chirikadzi tsitsi.
22 然而 神用能力保全有势力的人; 那性命难保的人仍然兴起。
Asi Mwari anokwekweredza vane simba nesimba rake; kunyange vakasimbiswa, havana chokwadi noupenyu hwavo.
23 神使他们安稳,他们就有所倚靠; 神的眼目也看顾他们的道路。
Angavarega zvavo vakazorora vachifungidzira kuti vakachengetedzwa; asi meso ake ari panzira dzavo.
24 他们被高举,不过片时就没有了; 他们降为卑,被除灭,与众人一样, 又如谷穗被割。
Vanosimudzirwa kwechinguva chiduku, gare gare vaenda; vanodukupiswa vagounganidzwa savamwe vose, vanochekwa sehura dzezviyo.
25 若不是这样,谁能证实我是说谎的, 将我的言语驳为虚空呢?
“Kana zvisina kudaro, ndiani anganditi ndinoreva nhema, agoshayisa mashoko angu simba?”

< 约伯记 24 >