< 约伯记 15 >
Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati:
2 智慧人岂可用虚空的知识回答, 用东风充满肚腹呢?
“Ko, munhu akachenjera angapindura zvisina njere here, kana kuzadza dumbu rake nemhepo inopisa yokumabvazuva?
Ko, angakakavara namashoko asina maturo, kana namashoko asina basa here?
Asi unotorwisa umwari uye unodzivisa kunamata Mwari.
Chivi chako chinorunzira muromo wako; uye unotevera rurimi rwavanyengeri.
6 你自己的口定你有罪,并非是我; 你自己的嘴见证你的不是。
Muromo wako pachako ndiwo unokupa mhosva, kwete wangu, miromo yako pachako inokupupurira zvakaipa.
7 你岂是头一个被生的人吗? 你受造在诸山之先吗?
“Ko, ndiwe munhu wakatanga kuzvarwa here? Ko, iwe wakazvarwa makomo asati avapo here?
8 你曾听见 神的密旨吗? 你还将智慧独自得尽吗?
Unoteererawo here panokurukurwa mazano aMwari? Unoti uchenjeri ndohwako woga kanhi?
9 你知道什么是我们不知道的呢? 你明白什么是我们不明白的呢?
Chiiko chaunoziva chatisingazivi isu? Kunzwisisa kwaunako ndokweiko kwatisinawo isu?
10 我们这里有白发的和年纪老迈的, 比你父亲还老。
Vane bvudzi rakachena navatana vakwegura vari kudivi redu, varume vatochembera kupinda baba vako.
Ko, kunyaradza kwaMwari hakuna kukukwanira here, iro shoko rakataurwa kwauri zvine unyoro?
Ko, mwoyo wako wakurasireiko, uye meso ako anobwairireiko,
zvokuti unoitira Mwari hasha ugobudisa mashoko akadai kubva mumuromo mako?
14 人是什么,竟算为洁净呢? 妇人所生的是什么,竟算为义呢?
“Munhu chiiko, zvokuti angava akanaka, kana munhu akazvarwa nomukadzi, kuti angava akarurama?
15 神不信靠他的众圣者; 在他眼前,天也不洁净,
Kana Mwari akasavimba navatsvene vake, kunyange dai matenga akasava akachena pamberi pake,
ko, kuzoti munhu, ane uori uye akaora, anonwa zvakaipa semvura!
“Nditeerere ndigokutsanangurira; rega ndikuudze zvandakaona,
zvakataurwa navanhu vakachenjera, vasingavanzi chinhu chavakagamuchira kubva kumadzibaba avo,
19 这地惟独赐给他们, 并没有外人从他们中间经过。
ivo voga vakapiwa nyika pasina mutorwa akapfuura napakati pavo:
20 恶人一生之日劬劳痛苦; 强暴人一生的年数也是如此。
Murume akaipa anotambudzika nokurwadziwa pamazuva ake ose, makore ose outsinye akachengeterwa iye.
21 惊吓的声音常在他耳中; 在平安时,抢夺的必临到他那里。
Maungira anotyisa anozadza nzeve dzake; pazvinenge zvaita sezvakanaka, vapambi vanomurwisa.
Anorasikirwa netariro yokupunyuka parima; munondo ndiwo waakatarirwa.
23 他漂流在外求食,说:哪里有食物呢? 他知道黑暗的日子在他手边预备好了。
Anofamba-famba achiita sechokudya zvamagora; anoziva kuti zuva rerima raswedera.
24 急难困苦叫他害怕, 而且胜了他,好像君王预备上阵一样。
Kutambudzika nokurwadziwa zvinomuzadza nokutya; zvinomukunda, samambo agadzirira kurwisa,
nokuti anokungira Mwari chibhakera chake uye anozvikudza pamusoro paWamasimba Ose,
achimhanyira kwaari asingatyi ane nhoo hobvu, yakasimba.
“Kunyange chiso chake chakafukidzwa namafuta uye chiuno chake chakafuta nenyama,
28 他曾住在荒凉城邑, 无人居住、将成乱堆的房屋。
iye achagara mumaguta akaparadzwa nomudzimba dzisingagarwi nomunhu, dzimba dzokoromoka kuva marara.
29 他不得富足,财物不得常存, 产业在地上也不加增。
Haachazovazve mupfumi uye pfuma yake haingagari, kana nepfuma yake haingazadzi nyika.
30 他不得出离黑暗。 火焰要将他的枝子烧干; 因 神口中的气,他要灭亡 。
Haangapunyuki rima; murazvo uchasvavisa mabukira ake, uye kufema kwomuromo waMwari kuchamurasira kure.
31 他不用倚靠虚假欺哄自己, 因虚假必成为他的报应。
Ngaarege kuzvinyengera nokuvimba nezvisina maturo, nokuti haana chaachawana pazviri.
32 他的日期未到之先,这事必成就; 他的枝子不得青绿。
Acharipirwa zvakazara nguva yake isati yasvika, uye matavi ake haangawandi.
33 他必像葡萄树的葡萄,未熟而落; 又像橄榄树的花,一开而谢。
Achafanana nomuzambiringa wabvisirwa mazambiringa asati aibva, kufanana nomuti womuorivhi wodonhedza maruva awo.
34 原来不敬虔之辈必无生育; 受贿赂之人的帐棚必被火烧。
Nokuti ungano yavasingadi Mwari ichashaya zvibereko, uye moto uchaparadza matende avaya vanofarira fufuro.
35 他们所怀的是毒害,所生的是罪孽; 心里所预备的是诡诈。
Vanobata mimba yokutambudzika vagozvara zvakaipa; dumbu ravo rinogadzira kunyengera.”