< 尼希米記 7 >
1 當城垣修好之後,我安了門扇,遂委派了守門者、歌詠者和肋未人。
Mushure mokunge rusvingo rwavakwa uye ndaisa makonhi panzvimbo dzawo, varindi vemikova, vaimbi navaRevhi vakagadzwa.
2 以後,我委派了我的兄弟哈納尼,和堡壘長哈納尼雅,管理耶路撒冷,因為哈納尼雅是一個可信賴、敬畏天主出眾的人。
Ndakagadza Hanani hama yangu kuti ave mutariri weJerusarema naHanania kuti ave mukuru wepanhare, nokuti aiva munhu anokudzwa uye aitya Mwari kupinda zvingaitwa noruzhinji rwavanhu.
3 我命他們說:「耶路撒冷的門,不到太陽發暖不准開;太陽還未落時,就要關門上閂! 守衛當由耶路撒冷的居民中指派,各按自己的班次,各在自己的屋前守衛。」
Ndakati kwavari, “Masuo eJerusarema asazarurwa kusvikira zuva rava kupisa. Panguva iyo vachengeti vamasuo vanenge vachiri pabasa, vaitei kuti vapfige makonhi vaise mazariro. Uyezve mugadze vagari vomuJerusarema savarindi; vamwe panzvimbo dzavo dzokurinda, vamwe pedyo nedzimba dzavo.”
4 那時城市寬闊廣大,但城中居民稀少,房舍還沒有建築。
Zvino guta rakanga rakakura uye rakapamhama asi maingova navanhu vashoma mariri, uye dzimba dzakanga dzisati dzavakwazve.
5 我的天主使我立意,召集有權勢的人、官長和民眾,要他們來登記。我發現了一冊初次由充軍歸來的人的族譜,上面有這樣的記載:
Saka Mwari akaisa mumwoyo mangu kuti ndiunganidze vakuru navabati uye navamwe vanhu vose kuti vanyoreswe nemhuri dzavo. Ndakawana zvinyorwa zvemhuri dzaavo vakava vokutanga kudzokera. Izvi ndizvo zvandakawana zvakanyorwamo:
6 以下是由被擄充軍返回本省的子民的人中,當初被巴比倫王拿步高,擄往巴比倫去的人中,回了耶路撒冷和猶大,各本城的人。
Ava ndivo vanhu vedunhu vakabudiswa pautapwa vakatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi (vakadzokera kuJerusarema nokuJudha, mumwe nomumwe kuguta rake,
7 他們是同則魯巴貝耳、耶叔亞、乃赫米雅、色辣雅、阿米雅、納哈瑪尼、摩爾德開、彼耳商、米斯帕勒特、彼革外、勒洪和巴阿納,一起回來的。以色列民男子的數目如下:
vari pamwe chete naZerubhabheri, Jeshua, Nehemia, Azaria, naRaamia, Nahamani, Modhekai, Bhirishani, Misipereti, Bhigivhai, Nehumi naBhaana): Mazita avarume veIsraeri:
Zvizvarwa zvaParoshi, zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri;
zvaShefatia, mazana matatu namakumi manomwe navaviri;
zvaAra, mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri;
11 帕哈特摩阿布的子孫,即耶叔亞和約阿布的子孫,二千八百一十八名;
zvaPahati-Moabhu (kubudikidza nokuna Jeshua naJoabhu), zviuru zviviri, namazana masere ane gumi navasere;
zvaEramu, chiuru chimwe, china mazana maviri namakumi mashanu navana;
zvaZatu, mazana masere namakumi mana navashanu;
zvaZakai, mazana manomwe namakumi matanhatu;
zvaBhinui, mazana matanhatu namakumi mana navasere;
zvaBhebhai, mazana matanhatu namakumi maviri navasere;
zvaAzigadhi, zviuru zviviri mazana matatu namakumi maviri navaviri;
zvaAdhonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu navanomwe;
zvaBhigivhai, zviuru zviviri zvina makumi matanhatu navanomwe;
zvaAdhini, mazana matanhatu namakumi mashanu navashanu;
zvaAteri (kubudikidza naHezekia), makumi mapfumbamwe navasere;
zvaHashumi, mazana matatu namakumi maviri navasere;
zvaBhezai, mazana matatu namakumi maviri navana;
zvaHarifi, zana negumi navaviri;
zvaGibheoni, makumi mapfumbamwe navashanu.
Varume veBheterehema neNetofa, zana namakumi masere navasere;
vokuAnatoti, zana namakumi maviri navasere;
vokuBheti Azimavheti, makumi mana navaviri;
29 克黎雅特耶阿陵人、革非辣人和貝厄洛特人,共七百四十三名;
vokuKiriati Jearimi, Kefira neBheeroti, mazana manomwe namakumi mana navatatu;
vokuRama neGebha, mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe chete;
vokuMikimashi, zana namakumi maviri navaviri;
vokuBheteri neAi, zana namakumi maviri navatatu;
vokune rimwe Nebho; makumi mashanu navaviri;
vokune rimwe Eramu, chiuru mazana maviri namakumi mashanu navana;
vokuHarimu, mazana matatu ana makumi maviri;
vokuJeriko, mazana matatu namakumi mana navashanu;
vokuRodhi, Hadhidhi neOno, mazana manomwe namakumi maviri nomumwe chete;
vokuSenaa, zviuru zvitatu mazana mapfumbamwe namakumi matatu.
39 司祭:有耶達雅的子孫,即耶叔亞的家族,九百七十三名;
Vaprista: zvizvarwa zvaJedhaya (kubudikidza nokumhuri yaJeshua), mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu;
zvaImeri, chiuru chimwe chete namakumi mashanu navaviri;
zvaPashuri, chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mana navanomwe;
zvaHarimu, chiuru chimwe chine gumi navanomwe.
43 肋未人:曷達委雅的後裔,耶叔亞和卡德米耳的子孫,七十四名。
VaRevhi: zvizvarwa zvaJeshua (kubudikidza naKadhimieri nokumhuri yaHodhavhia), vaiva makumi manomwe navana.
Vaimbi: zvizvarwa zvaAsafi, zana namakumi mana navasere.
45 門丁有沙隆的子孫,阿特爾的子孫,塔耳孟的子孫,阿谷布的子孫,哈提達的子孫,勺拜的子孫,共一百三十八名。
Varindi vamasuo: zvizvarwa zvaSherumi, Ateri, Tarimoni, Akubhi, Hatita, naShobhai, zana namakumi matatu navasere.
46 獻身者:有漆哈的子孫,哈穌法的子孫,塔巴敖特的子孫,
Vashandi vomutemberi: zvizvarwa zvaZiha, Hasufa, Tabhoati,
Rebhana, Hagabha, Sharimai,
Bhesai, Meunimi, Nefusimu,
53 巴刻步克的子孫,哈谷法的子孫,哈爾胡爾的子孫,
Bhakuki, Hakufa, Harihuri,
54 巴茲里特的子孫,默希達的子孫,哈爾沙的子孫,
Bhazuruti, Mehidha, Harisha,
55 巴爾科斯的子孫,息色辣的子孫,塔瑪赫的子孫,
Bharikosi, Sisera, Tema,
57 撒羅滿的僕役的子孫:有索泰的子孫,索費勒特的子孫,培黎達的子孫,
Zvizvarwa zvavaranda vaSoromoni: zvizvarwa zva: Sotai, Sofereti, Peridha,
Jaara, Dharikoni, Gidheri,
59 舍法提雅的子孫,哈提耳的子孫,頗革勒特責巴因的子孫和阿孟的子孫。
Shefatia, Hatiri, Pokereti-Hazebhaimu naAmoni.
60 所有獻身者的子孫和撒羅滿的僕役的子孫,共計三百九十二名。
Vashandi vomutemberi nezvizvarwa zvavaranda vaSoromoni, mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri.
61 以下這些人,是由特耳默拉、特耳哈爾沙、革魯布、阿丹和依默爾上來,而不能說出自己的家族和族系,是否出自以色列的:
Ava vanotevera vaibva kumaguta okuTeri Mera, Teri Harisha Kerubhi, Adhoni neImeri, asi vakanga vasingagoni kuratidza kuti zvizvarwa zvavo zvaibva mumhuri yaIsraeri:
62 德拉雅的子孫,托彼雅的子孫,和乃科達的子孫,共計六百四十二人。
zvizvarwa zvaDheraya, zvaTobhia nezvaNekodha zvaiva mazana matanhatu namakumi mana navaviri.
63 司祭中:有哈巴雅的子孫,哈科茲的子孫和巴爾齊來的子孫。巴爾齊來娶了基肋阿得人巴爾齊來的女兒為妻,也取了他的名字。
Uye vaibva pakati pavaprista: zvizvarwa zvaHobhaya, Hakozi naBharizirai (murume akanga awana mwanasikana waBharizirai muGireadhi uye aidaidzwa nezita iroro).
64 他們查考登記的族譜,卻沒有找到自己的名字,所以他們由司祭中被革除了。
Ava vakatsvaka zvinyorwa zvemhuri dzavo, asi vakazvishaya nokudaro vakabviswa kubva kuvaprista, savasina kuchena.
65 省長指令他們,不准他們享用至聖之物,直到有位大司祭,帶著烏陵和突明出來解決。
Naizvozvo mubati akavarayira kuti vasadya zvokudya zvipi zvazvo zvakanatswa kusvikira kwava nomuprista anoshumira neUrimi neTumimi.
Ungano yose yaiva navanhu zviuru makumi mana navaviri ane mazana matatu namakumi matanhatu,
67 僕婢七千三百三十七人在外;還有歌詠的男女二百五十四名。
pasina varanda vavo navarandakadzi vavo vaisvika zviuru zvinomwe namazana matatu ana makumi matatu navanomwe; uye vaivazve navarume navakadzi vaiva vaimbi vaisvika mazana maviri namakumi mana navashanu.
68 此外,還有駱駝四百三十五匹,驢六千七百二十匹。
Paiva namazana manomwe namakumi matatu namatanhatu amabhiza, uye manyurusi mazana maviri namakumi mana nemashanu,
69 有些族長捐獻了一千金「塔理克,」盤子五十個,司祭長衣五百三十件,作為基金。
mazana mana namakumi matatu namashanu engamera uye zviuru zvitanhatu zvina mazana manomwe namakumi maviri zvembongoro.
70 另一些族長納了二萬金「塔理克,」二千二百銀「米乃,」作為建築的基金。
Vamwe vakuru vemhuri vakabatsira pabasa. Mubati akaisa madhirakema egoridhe chiuru muchivigiro chepfuma nemidziyo makumi mashanu nenhumbi dzavaprista mazana mashanu namakumi matatu.
71 其餘名眾捐獻的,共計二萬金「塔理克,」二千銀「米乃,」司祭長衣六十七件。
Vamwe vakuru vemhuri vakaisa muchivigiro chepfuma zviuru makumi maviri zvamadhirakema egoridhe kuitira basa, mamina esirivha zviuru zviviri namazana maviri.
72 司祭、勒未人、門丁、歌詠者、獻身者和全以色列,各住在本城內。
Uwandu hwezvakapiwa navanhu vose vose hwaiva zviuru makumi maviri zvamadhirakema egoridhe, nezviuru zviviri zvamamina esirivha, uye nenhumbi dzavaprista dzinosvika makumi matanhatu nenomwe.
Vaprista, vaRevhi, varindi vemikova, vaimbi navabati vomutemberi, pamwe chete navamwe pakati poruzhinji rwavaIsraeri, vakandogara mumaguta avo.