< 尼希米記 6 >

1 當桑巴拉特、托彼雅、阿剌伯人革笙和我們其他的仇敵,一聽說我重修了城牆,已沒有破口的地方,──雖然到那時,我還沒有在門上按裝門扇,──
Shoko rakati rasvika kuna Sanibharati, Tobhia naGeshemu muArabhu uye noruzhinji rwavavengi vedu kuti ndakanga ndavakazve rusvingo uye pakanga pasina chakanga chasara parwuri, kunyange panguva iyoyo ndakanga ndisati ndamisa makonhi pamasuo,
2 桑巴拉特和革笙,便派人到我這裏說:「請來,我們在敖諾平原的一個村鎮中會晤。」其實他們是企圖謀害我。
Sanibharati naGeshemu vakatuma shoko kwandiri vachiti, “Uya tisangane pano mumwe wemisha iri mubani reOno.” Asi vakanga vachironga kundiitira zvakaipa.
3 我遂派使者去答覆他們說:「我作的工程浩大,不能前去。我怎能離開工作,到你們那裡去,而使工程停頓呢﹖」
Saka ndakatuma nhume kwavari nemhinduro ndichiti, “Ndine basa guru kwazvo randiri kuita, saka handigoni kuburukira kwamuri ikoko. Basa ringamirireiko ini ndichirisiya ndichimbouya kwamuri?”
4 他們如此連續四次,遣使者到我這裏,我也同樣答覆了他們。
Vakatuma shoko rimwe chetero kwandiri runa rwose, asi ndakavapindura zvimwe chetezvo nguva dzose.
5 隨後,桑巴拉特第五次,又同樣打發他的臣僕來,手中拿著一封未封的信,
Zvino, Sanibharati akatumazve muranda wake kwandiri kechishanu, neshoko rimwe chetero netsamba mumaoko ake yakanga isina kunamwa.
6 信上寫著說:「在各民族中傳說,而且革笙也證實此說:你和猶太人圖謀造反,為此你纔重修城牆;據說你還要為王。
Yakanga yakanyorwa zvinoti: “Pakati pamarudzi zvinotaurwa kuti, uye Geshemu anotiwo ichokwadi, iwe navaJudha muri kurangana kumukira mambo, ndokusaka muri kuvaka rusvingo. Pamusoro pezvo, iwe wava kuda kuva mambo wavo sokutaurwa kwazvo.
7 並且你派定了先知,在耶路撒冷為你宣傳說:猶大有了王! 現今這些話勢必傳到君王那裏,所以請你來,我們互相商議商議。」
Uye wakatogadza vaprofita kuti vataure pamusoro pako muJerusarema vachiti: ‘MuJudha mava namambo!’ Zvino nyaya iyi ichasvika kuna mambo, saka uya titaurirane.”
8 我遂派遣使者向他說:「決沒有像你所說的那些事,是你心中虛構的。」
Ndakatumira mhinduro kwaari ndikati, “Hapana chinhu chakaita sechauri kutaura chiri kuitika; ndiwe uri kungozvifunga mumusoro mako.”
9 其實,他們是企圖恐嚇我們,心想:「如此他們必放棄那工程,不在工作下去。」但我的力量更堅強了。
Vose vaingoedza kutivhundutsira vachiti mumwoyo yavo, “Maoko avo achaneta nebasa, uye harizoperi.” Asi ndakanyengetera ndikati, “Simbisai maoko angu zvino.”
10 有一天,我來到默塔貝耳的孫子,德拉雅的兒子舍瑪雅的家裏,他正閉門在家,對我說:「我們上天主的殿,到聖所裏去會晤,關好聖所的門戶,因為他們要來殺你,且今夜要來殺你。」
Rimwe zuva ndakaenda kumba kwaShemaya mwanakomana waDheraya, mwanakomana waMehetabheri, uyo akanga azvipfigira mumba make, iye akati, “Ngatisangane mumba yaMwari mukati metemberi tigopfiga mikova yetemberi, nokuti kuna varume vari kuuya kuzokuuraya, panguva dzousiku vari kuuya kuzokuuraya.”
11 我答說:「像我這樣的人,能逃避到聖所中,保全生命嗎﹖我決不進去! 」
Asi ini ndakati kwaari, “Murume akaita seni angatiza here? Uye munhu akaita seni angatizira mutemberi kuti aponese upenyu hwake here? Handidi kuenda ini!”
12 我覺察出來,不是天主打發他向我講這預言,而是托彼雅和桑巴拉特賄賂了他,
Ndakaona kuti Mwari akanga asina kumutuma asi kuti aiprofita zvakaipa pamusoro pangu nokuti akanga atengwa naTobhia naSanibharati.
13 要他恐嚇我,使我那樣去作犯罪的事,如此給他們留下一種壞名譽,好藉以辱罵我。
Akanga atengwa kuti azondivhundutsira kuitira kuti ndiite chivi nokuita izvi, uye ipapo vagondipa zita rakaipa kuti vandisvibise.
14 我的天主! 請你按照托彼雅和桑巴拉特之所行,記憶他們! 也不要忘卻諾阿狄雅女先知和其餘的先知,因為他們企圖使我恐懼。
Haiwa Mwari wangu, rangarirai henyu Tobhia naSanibharati, nokuda kwezvavaita; rangariraiwo muprofitakadzi Noadhia uye noruzhinji rwavaprofita avo vanga vachiedza kundivhundutsira.
15 「厄路耳」月二十五日,城垣完成,共計為時五十二日。
Naizvozvo rusvingo rwakapera nezuva ramakumi maviri namashanu romwedzi waEruri, mumazuva makumi mashanu namaviri.
16 我們所有的仇敵一聽說這事,我們四周的人民一看見這事,都十分驚異,並承認這工程,是賴我們的天主而完成的。
Vavengi vedu vose vakati vanzwa izvi, marudzi ose akatipoteredza akatya uye vakaora mwoyo, nokuti vakaona kuti basa iri rakanga raitwa norubatsiro rwaMwari wedu.
17 在此期間,猶大有些有權勢的人,給托彼雅寄了許多函件,托彼雅也有覆函寄回。
Uyezve, mumazuva iwayo vakuru veJudha vaitumira matsamba akawanda kuna Tobhia, uye mhinduro dzaibva kuna Tobhia dzairamba dzichiuya kwavari.
18 因為猶大有許多人,與他宣示為盟,因他原是阿辣黑的兒子,舍加尼亞的女婿,他的兒子約哈南,又取了貝勒革雅的兒子默叔藍的女而為妻。
Nokuti vazhinji muJudha vakanga vaita mhiko pasi pake, sezvo akanga ari mukuwasha kuna Shekania mwanakomana waAra, uye mwanakomana wake Jehohanani akanga akawana mwanasikana waMeshurami mwanakomana waBherekia.
19 他們常在我面前稱道他的善行,也將我的事向他報告,托彼雅遂來信恐嚇我。
Pamusoro paizvozvo, vairamba vachingondiudza mabasa ake akanaka uye ivo vachizomuudzawo zvandinenge ndataura. Uye Tobhia akatumira matsamba okundivhundutsira.

< 尼希米記 6 >