< 路加福音 1 >

1 德敖斐羅鈞座:
Sezvo vazhinji vakabata kuronga nhoroondo yezvinhu zvakavimbika zvizere pakati pedu,
2 關於在我們中間所完的事蹟,己有許多人,依照那些自始親眼見過,並為真道服役的人所傳給我們的,著手編成了記述,
sezvavakapa kwatiri ivo kubva pakutanga vakazvionera, uye vari varanda veshoko,
3 我也從頭仔細查訪的一切,遂立意按著次第給你寫出來,
zvakaonekwa zvakanaka kwandiriwo, ndanyatsoongorora zvinhu zvese kubva pakutanga, kuti ndikunyorerei nekutevedzanisa, imwi Teofiro changamire,
4 為使你認清你所講授的道理,正確無誤。
kuti muzive chokwadi chezvinhu zvamakadzidziswa.
5 在猶太王黑落德的時候,阿彼雅班中有一位司祭名叫匝加利亞,他的妻子是出於亞郎的後代,名叫依撒伯爾。
Kwaivapo nemazuva aHerodhe mambo weJudhiya umwe mupristi wainzi Zakaria, weboka raAbhiya; nemukadzi wake waibva kuvanasikana vaAroni, nezita rake riri Erizabheti.
6 二人在天主前是義人,都照上主的一切誡命和禮規行事,無可指摘。
Uye vari vaviri vakange vakarurama pamberi paMwari, vachifamba nemirairo yese nezviga zvaIshe, vasina chavangapomerwa.
7 但是,他們沒有孩子,因為依撒伯爾素不生育,兩人又都上了年紀。
Uye vakange vasina mwana, nokuti Erizabheti wakange ari mhanje, uye vakange vaenda pamakore vari vaviri.
8 正逢匝加利亞輪著他的班次,在天主前盡司祭的職務時,
Zvino zvakaitika kuti wakati achiita ushumiri hweupristi pamberi paMwari, pachidanho cheboka rake,
9 按著司祭的常例,他抽中了籤,得進上主的聖所獻香。
maererano netsika yeushumiri hweupristi, wakabatwa nemujenya kuti apise zvipfungaidzo zvinonhuhwira apinda mutembere yaIshe.
10 獻香的時候,眾百姓都在在外面祈禱。
Zvino chaunga chese chevanhu chakange chichinyengetera kunze nenguva yezvipfungaidzo zvinonhuhwira.
11 有一位上主的天使顯現給他。
Zvino kwakaonekwa kwaari mutumwa waIshe, amire kurutivi rwerudyi rwearitari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira.
12 匝加利亞一見,驚惶失措,害怕起來;
Zvino Zakaria wakati achimuona akanetseka, kutya kukamuwira.
13 但天使向他說:「匝加利亞,不要害怕! 因為你的祈禱己蒙應允,你的妻子依撒伯爾要給你生一個兒子,你要給他起名叫若翰。
Asi mutumwa wakati kwaari: Usatya Zakaria; nokuti munyengetero wako wanzwikwa, nemukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, ugotumidza zita rake Johwani.
14 你必要喜樂歡躍,許多人也要因他的誕生而喜樂,
Uye uchava nemufaro nekupembera, nevazhinji vachafarira kuberekwa kwake.
15 因為他在上主面將是偉大的,淡酒濃酒他不喝,而且他在母胎中就要充滿聖神;
Nokuti achava mukuru pamberi paIshe, haangatongonwi waini kana zvinodhaka; uye achazadzwa neMweya Mutsvene kunyange kubva padumbu ramai vake.
16 他要使許多以色列子民轉向上主,他們的天主;
Nevazhinji vevana vaIsraeri achatendeusira kuna Ishe Mwari wavo;
17 他要以厄利亞的精神和能力,在祂在前面先行,為使父的心轉向兒子,使悖逆者轉向義人的心意,並為上主準備一個善良的百姓。」
uye iye achafamba pamberi pake mumweya nesimba raEria, kutendeusira moyo yemadzibaba kuvana, nevasingateereri kuuchenjeri hwevakarurama, kugadzirira Ishe vanhu vakagadzirwa.
18 匝加利亞遂向天主說:「我憑什麼能知道這事呢? 因為我已經老了,我的妻子也上了年紀。」
Zakaria akati kumutumwa: Izvozvi ndichazviziva nei? Nokuti ini ndava mukweguru, nemukadzi wangu waenda pamazuva ake.
19 天使回答說:「我是站在天主在前面的加俾額爾,奉命來向你說話,報告給你這個喜訊。
Mutumwa achipindura akati kwaari: Ini ndini Gabhirieri, anomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure kwauri, ndikuparidzire mashoko awa akanaka.
20 看,你必成為啞吧,不能說話,宜到這事成就的那一天,因為你沒有相信我的話;但我的話屆時必要應驗。」
Zvino tarira, uchava chimumumu, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitika zvinhu izvi, nokuti hauna kutenda mashoko angu, achazadziswa nenguva yawo.
21 百姓等候匝加利亞,都奇怪他滯留在聖所內。
Vanhu vakange vakamirira Zakaria, vakashamisika nekunonoka kwake mutembere.
22 及至他出來後,不能與他們講話,他們這才知道他在聖所中見了異象,他已成了啞吧,只給他們打手勢
Zvino wakati abuda, akakonewa kutaura kwavari; vakaziva kuti akange aona chiratidzo mutembere; iye akavaninira nemaoko, akaramba ari chimumumu.
23 他供職的日期一滿,就回了家。
Zvino zvakaitika kuti mazuva okushumira kwake akati achangopera, akaenda kumba kwake.
24 幾天以後,他的妻子依撒伯爾了孕,自己躲藏了五個月,說:
Zvino shure kwemazuva iwayo, mukadzi wake Erizabheti akatora mimba, akazvivanza mwedzi mishanu, achiti:
25 「上主在眷顧的日子這樣待了我,除去了我在人間的恥辱。
Ishe wandiitira saizvozvi nemazuva aakanditarira, kuti abvise ruzvidzo rwangu pakati pevanhu.
26 到了第六個月,天使加俾額爾奉天主差遺,往加利肋亞一座名叫納匝肋的城去,
Zvino nemwedzi wechitanhatu mutumwa Gabhirieri wakatumwa naMwari kuguta reGarirea rinonzi Nazareta,
27 到一位童貞女那裡,她已與達味家族中一個名若瑟的男子訂了婚,童貞女的名叫瑪利亞。
kumhandara, yakange yatsidza kuwanikwa nemurume zita rake raiva Josefa, weimba yaDhavhidhi; uye zita remhandara riri Maria.
28 天使進去向她說:「萬福! 充滿恩寵者,上主與妳同在! 」[在女人中妳是蒙祝福的。]
Mutumwa akapinda kwaari akati: Hekanhi, iwe une nyasha! Ishe anewe, wakaropafadzwa iwe pakati pevakadzi.
29 她卻因這話驚惶不安,便思慮這樣的請安有什麼意思。
Iye wakati achimuona akanetseka neshoko rake, akafunganya kuti uku kukwazisa rudzii kwakadai.
30 天使對她說:「瑪利亞,不要害怕,因為妳在天主在面前獲得了寵幸。
Zvino mutumwa akati kwaari: Usatya Maria; nokuti wawana nyasha kuna Mwari.
31 看,妳將懷孕生子,並要給祂起名叫耶穌。
Zvino tarira, uchava nemimba, ugozvara mwanakomana, uchatumidza zita rake kuti Jesu.
32 祂將是偉大的,並被稱為至高者的兒子,上主天主要把祂祖先達味的御座賜給祂。
Iye achava mukuru, achanzi Mwanakomana weWekumusoro-soro; Ishe Mwari achapa kwaari chigaro cheushe chababa vake Dhavhidhi.
33 祂要為王統治雅各伯家,直到永遠;祂的王權沒有終結。」 (aiōn g165)
Achatonga pamusoro peimba yaJakobho kusvikira narinhi, neushe hwake hahungavi nemugumo. (aiōn g165)
34 瑪利亞便向天使說:「這事怎能成就? 因為我不認識男人。」
Maria ndokuti kumutumwa: Izvi zvingava sei, nokuti handizivi murume?
35 天使答覆她說:「聖神要臨於妳,至高者的能要庇廕妳,因此,那要誕生的聖者,將稱為天主的兒子。
Mutumwa akapindura akati kwaari: Mweya Mutsvene uchauya pamusoro pako, nesimba reWekumusoro-soro richakudzikatira; naizvozvo icho chitsvene chichaberekwa newe chichanzi Mwanakomana waMwari.
36 且看,妳的親戚依撒伯爾,她雖在老年,卻懷了男胎,本月已六個月了,她原是素稱不生育的
Uye tarira, Erizabheti hama yako, iyewo wava nemimba yemwanakomana pakuchembera kwake; nemwedzi uno wava wechitanhatu kuna iye wainzi mhanje.
37 因為在天主前沒有不能的事。」
Nokuti naMwari hakuna chinhu chisingazogoneki.
38 瑪利亞說:「看,上主的婢女,願照你的話成就於我吧! 」天使便離開她去了。
Maria ndokuti: Tarirai, murandakadzi waIshe; ngazvive kwandiri seshoko renyu. Mutumwa ndokubva kwaari.
39 瑪利亞就在那幾日動身,急速往山區去,到了猶太的一座城。
Zvino Maria akasimuka nemazuva iwayo akaenda kunyika yezvikomo nekukurumidza, kuguta raJudha;
40 她進了匝加利亞的家,就給依撒伯爾請安。
akapinda mumba maZakaria, akakwazisa Erizabheti.
41 依撒伯爾一聽到瑪利亞安,胎兒就在她腹中歡躍。依撒伯爾遂充滿聖神,
Zvino zvakaitika kuti Erizabheti wakati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akatamba mudumbu rake; naErizabheti akazadzwa neMweya Mutsvene,
42 大聲呼喊說:「在女人中妳是蒙祝福的,妳的胎兒也是蒙祝福的。
akadanidzira nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati pevakadzi, uye chakaropafadzwa chibereko chedumbu rako!
43 吾主的母親駕臨我這裡,這是我裡得來的呢?
Ko zvandibvira nepi, kuti mai vaIshe wangu vauye kwandiri?
44 看,妳安的聲音一入我耳,胎兒就在我腹中歡喜跳躍。
Nokuti tarira, inzwi rekukwazisa kwako rangoti richisvika munzeve dzangu, mwana watamba mudumbu rangu nemufaro.
45 那信了由上主傳於她的話必要完成的,是有福的。」
Uye wakaropafadzwa anotenda, nokuti zvakataurwa naIshe kwaari zvichazadziswa.
46 瑪利亞遂說:「我的靈魂頌揚上主,
Maria akati: Moyo wangu unokudza Ishe,
47 我的心神歡躍於天主,我的救主,
nemweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu;
48 因為祂垂顧了祂婢女的卑微,今後萬世萬都要稱我有福;
nokuti wakatarira kuninipiswa kwemurandakadzi wake; nokuti tarira, kubva zvino mazera ese achati ndakaropafadzwa.
49 因全能者在我身上行了大事,祂的名字是聖的,
Nokuti ane masimba wakandiitira zvinhu zvikuru; nezita rake idzvene.
50 祂的仁慈世世代代於無窮世,賜於敬畏祂的人。
Netsitsi dzake dziri kuna avo vanomutya kubva kumazera kusvika kumazera.
51 祂伸出了手臂施展大能,驅散那心高氣傲的人。
Wakaita zvine simba neruoko rwake; wakaparadzira vanozvikudza mundangariro dzemoyo yavo.
52 祂從高座上推下權勢者,卻舉揚了卑微貧困的人。
Wakaburusa vane masimba pazvigaro zvoushe, akasimudza vakaderera.
53 祂曾使飢餓者飽饗美物,反使那富有者空手而去。
Vane nzara wakavagutsa nezvinhu zvakanaka, asi vafumi wakavaendesa vasina chinhu.
54 祂曾回憶起自己的仁慈,扶助了祂的僕人以色列,
Wakabatsira Israeri muranda wake kuti arangarire tsitsi,
55 正如祂向我們的祖先所說過的思許,施思於亞巴郎和他的子孫,直到永遠。」 (aiōn g165)
sezvaakataura kumadzibaba edu, kuna Abhurahama nekumbeu yake kusvikira rinhi narinhi. (aiōn g165)
56 瑪利亞同依撒作爾住了三個月左右,就回本家去了。
Maria akagara naye mwedzi inenge mitatu, akadzokera kumba kwake.
57 依撒伯爾滿了產期,就生了一個兒子。
Zvino nguva yaErizabheti yekusununguka kwake yakazara; akabereka mwanakomana.
58 她的鄰居和親戚聽說上主向她大施仁慈,都和她一同歡樂。
Zvino vavakidzani nehama dzake vakati vanzwa kuti Ishe wakange amuitira tsitsi dzake huru, vakafara naye.
59 到了第八天,人們來給這孩子行割損禮,並願意照他父親的名字叫他匝加利亞。
Zvino zvakaitika kuti nezuva rerusere vakauya kuzodzingisa mucheche, vakamutumidza maererano nezita rababa vake Zakaria.
60 他的母親說:「不,要叫他若翰。」
Asi mai vake vakapindura vakati: Kwete, asi achanzi Johwani.
61 他們就向她說:「在妳親戚中沒有叫這個名子的。」
Vakati kwaari: Hakuna munhu kuhama dzako anodaidzwa nezita iri.
62 他們便給祂的父親打手勢,看願意叫他什麼。
Vakataura nemaoko kuna baba vake, kuti vanoda kuti anzi ani.
63 他要了一塊小板,寫道:「若翰是他的名字。」群人都驚訝起來。
Vakakumbira chinyorero, vakanyora vachiti: NdiJohwani zita rake; vakashamisika vese.
64 匝加利亞的口和舌頭立時開了,遂開口讚美天主。
Muromo wake ukazarurwa pakarepo, nerurimi rwake rukasununguka, akataura, achirumbidza Mwari.
65 於是,所有的鄰居都滿懷怕情;這一切事就傳遍了全猶太山區,
Kutya kukawira vese vaigara vakavakomba; nemashoko awa ese akataurwa kunyika yese yezvikomo yeJudhiya.
66 凡聽見的人都將這事存在人中,說:「這孩子將成為什麼人物啊? 」因為上主的手與他同在。
Zvino vese vakanzwa, vakazviisa mumoyo mavo, vachiti: Mucheche uyu achazova ani? Uye ruoko rwaIshe rwakava naye.
67 他的父親匝加利亞充滿了聖神,遂預言說:
Zvino Zakaria baba vake vakazadzwa neMweya Mutsvene, vakaporofita, vachiti:
68 「上主,以色列的天主應受讚美,因祂眷顧救贖了自己的民族,
Ngaarumbidzwe Ishe Mwari waIsraeri, nokuti wakashanyira nekuita rudzikunuro kuvanhu vake;
69 並在自己的僕人達味家中,為我們興起了大能的救主,
akatisimudzira runyanga rweruponeso mumba maDhavhidhi muranda wake;
70 正如祂藉歷代諸聖先知的口所說過的, (aiōn g165)
sezvaakataura nemuromo wevaporofita vake vatsvene, vakange varipo kubva pasichigare; (aiōn g165)
71 拯救我們脫離敵人和仇恨我們者的手。
ruponeso pamhandu dzedu, neparuoko rwavese vanotivenga;
72 祂向我們的祖先施行仁慈,記憶祂自己的盟約,
kuitira madzibaba edu tsitsi, nekurangarira sungano yake tsvene,
73 就是祂向我們的祖宗亞巴郎所宣述的誓詞,
mhiko yaakapika kuna Abhurahama baba vedu;
74 恩賜我們從敵人手中被救出以後,無恐無懼,
kutipa, kuti tasunungurwa muruoko rwevavengi vedu, timushumire tisingatyi;
75 一生一世在祂的在面前,以聖善和正義事奉祂。
muutsvene nekururama pamberi pake mazuva ese eupenyu hwedu.
76 至於你,小孩,你要稱為至高者的先知,因你要走在上主的在面前,為祂預備道路,
Newe mucheche, uchanzi muporofita weWekumusoro-soro, nokuti uchatungamira pamberi pechiso chaIshe, kugadzirira nzira dzake;
77 為祂的百姓認識救恩,以獲得他們罪惡的寬宥:
kupa ruzivo rweruponeso kuvanhu vake mukanganwiro yezvivi zvavo;
78 這是出於我們天主的慈懷,使旭日向我們照耀,
netsitsi dzemoyo dzaMwari wedu, mauri mambakwedza anobva kumusoro anotishanyira;
79 為光照那坐在黑暗和死影中的人,並引我們的腳步,走向和平的道路。」
kuvhenekera vagere murima nemumvuri worufu, nekururamisa tsoka dzedu munzira yerugare.
80 這小孩漸漸長大,心神堅強。他住在荒野中,直到他在以色列人前出現的日期。
Mucheche akakura, akasimba mumweya, akava mumarenje, kusvikira zuva rekuratidzwa kwake kuna Israeri.

< 路加福音 1 >