< 馬可福音 1 >
Kutanga kweevhangeri yaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari;
2 正如先知依撒意亞書上記載的:「看,我派遣我的使者在你面前,預備你的道路。
sezvazvakanyorwa muvaporofita zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, achagadzira nzira yako pamberi pako.
3 曠野中有呼號者的聲音:你們當預備上主的道路,修直他的途徑。」
Inzwi reanodanidzira murenje, richiti: Gadzirai mugwagwa waIshe; ruramisai nzira dzake.
4 洗者若翰便在曠野裏出現,宣講悔改的洗禮,為得罪之赦。
Johwani wakati achibhabhatidza murenje, achiparidza rubhabhatidzo rwekutendeukira kukanganwiro yezvivi;
5 猶太全地和耶路撒冷的群眾都出來,到他那裏,承認自己的罪過,在約但河裏受他的洗。
zvino kwakabudira kwaari nyika yese yeJudhiya, naivo veJerusarema, ndokubhabhatidzwa vese naye murwizi rweJoridhani vachireurura zvivi zvavo.
6 若翰穿的是駱駝毛的衣服,腰間束的是皮帶,吃的是蝗蟲與野蜜。
Uye Johwani wakange akapfeka makushe ekamera, nebhanhire rechikumba rakapoteredza chiuno chake, waidya mhashu neuchi hwedondo.
7 他宣告說:「那比我更有力量的,要在我以後來,我連俯身解他的鞋帶也不配。
Akaparidza, achiti: Kunouya ane simba kupfuura ini shure kwangu, wandisina kufanira kukotama kuti ndisunungure tambo yeshangu dzake.
Ini zvirokwazvo ndakubhabhatidzai nemvura; asi iye achakubhabhatidzai neMweya Mutsvene.
9 在那些日子裏,耶穌加利肋亞納匝肋來,在約旦河裏受了若翰的洗。
Zvino zvakaitika nemazuva ayo kuti Jesu wakabva Nazareta yeGarirea, akabhabhatidzwa naJohwani muna Joridhani.
10 他剛從水裏上來,就看見天裂開了,聖神有如鴿子降在他上面;
Pakarepo achibuda mumvura, wakaona matenga akazarurwa, neMweya senjiva achiburukira pamusoro pake.
11 又有聲音從天上說:「你是我的愛子,我因你而喜悅。
Zvino kwakaitika inzwi richibva kumatenga richiti: Iwe uri Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofara maari kwazvo.
Zvino pakarepo Mweya wakamutinhira kurenje.
13 他在曠野裏,四十天之久,受撒殫的試探,與一起,並有天使服侍他。
Akavako murenje mazuva makumi mana achiidzwa naSatani, uye wakange ane mhuka dzesango, vatumwa vachimushandira.
14 若翰被監禁後,耶穌來到加利肋亞,宣講天主的福音,
Zvino shure kwekukumikidzwa kwaJohwani, Jesu wakasvika muGarirea, achiparidza evhangeri yeushe hwaMwari,
15 說:「時期已滿,天主的國臨近了,你們悔改,信從福音罷!」
achiti: Nguva yazadziswa, uye ushe hwaMwari hwaswedera; tendeukai, mutende evhangeri.
16 當耶穌沿著加里肋亞海行走時,看見西滿和西滿的兄弟安德肋在海裏撒網,他們原是漁夫。
Wakati achifamba-famba parutivi rwegungwa reGarirea, akaona Simoni naAndiriya munin'ina wake vachikandira mumbure mugungwa; nokuti vakange vari varedzi.
17 耶穌向他們說:「來跟隨我,我要使你們成為漁人的漁夫。」
Jesu akati kwavari: Nditeverei, ndichakuitai muve varedzi vevanhu.
Pakarepo vakasiya mimbure yavo, ndokumutevera.
19 耶穌向前行了不遠,看見載伯德的兒子雅各伯和他的弟弟若望,正在船上修網。
Wakati apfuura zvishoma ipapo, akaona Jakobho waZebhedhi naJohwani munin'ina wake, naivo vari muchikepe vachigadzira mimbure.
20 耶穌遂立即召叫他們;他們就把自己的父親載伯德和傭工們留在船上,跟隨他去了。
Pakarepo akavadana; ndokusiya baba vavo Zebhedhi muchikepe nevarikichi, vakamutevera.
21 他們進了葛法翁;一到安息日,耶穌就進入會堂教訓人。
Zvino vakapinda muKapenaume; zvino pakarepo nesabata wakapinda musinagoge, akadzidzisa.
22 人都驚奇他的教訓,因為他教訓他們正像有權威似的,不像經師們一樣。
Vakashamisika nedzidziso yake; nokuti wakavadzidzisa seane simba, kwete sevanyori.
23 當時,在他們的會堂裏,正有一個附邪魔的人,他喊叫
Zvino kwaiva musinagoge ravo nemunhu wakange ane mweya wetsvina, akadanidzira,
24 說:「納匝肋人耶穌! 我們與你有什麼相干﹖你竟來毀滅我們! 我佑道你是誰,你是天主的聖者。」
achiti: Regai, tinei nemwi, Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinokuzivai kuti ndimwi ani: Mutsvene waMwari.
25 耶穌叱責他說:「不要作聲! 從他身上出去!」
Jesu ndokumutsiura achiti: Nyarara, ubude maari!
26 邪魔使那人拘攣了一陣,大喊一聲,就從他身上出去了。
Zvino mweya wetsvina wakati amugwinhisa, ndokudanidzira nenzwi guru, akabuda kwaari.
27 眾人大為驚愕,以致彼此詢問說:「這是怎麼一回事﹖這是新的教訓,並具有權威;他連給邪魔出命,邪魔也聽從他。」
Vakashamisika vese, kusvikira vabvunzana, vachiti: Chii ichi? Idzidziso itsva yei iyi? Nokuti nesimba anoraira kunyange mweya yetsvina, uye inomuteerera.
Zvino pakarepo shoko rake rikabudira panyika yese yakapoteredza Garirea.
29 他一出會堂,就同雅各伯和若望來到了西滿和安德肋的家裏。
Zvino pakarepo vakati vachibuda musinagoge, vakapinda mumba maSimoni naAndiriya vana Jakobho naJohwani.
30 那時,西滿的岳母正躺著發燒;有人就向耶穌提起她來,
Asi mai vemukadzi waSimoni vakange varere vane fivhiri, pakarepo vakamuudza nezvavo;
31 耶穌上前去,握住她的手,扶起她來,熱症隨即離開了她;她就伺候他們。
akaswedera, akavabata ruoko, akavamutsa; fivhiri ikavarega pakarepo, vakavashandira.
32 到了晚上,日落之後,人把所有患病的和附魔的,都帶到他跟前,
Zvino ava madekwani, zuva rovira, vakauisa kwaari vese vakange vachirwara nevakange vane madhimoni.
Zvino guta rese rakange rakaungana pamukova.
34 耶穌治好了許多患各種病症的人,驅逐了許多魔鬼,並且不許魔鬼說話,因為魔鬼認識他。
Akaporesa vazhinji vakange vachirwara nezvirwere zvakasiyana-siyana, nekubudisa madhimoni mazhinji; uye haana kutendera madhimoni kutaura, nokuti aimuziva.
35 清晨,天還很黑,耶穌就起身出去,到荒野的地方在那裏祈禱。
Zvino mangwanani kuchine rima guru, wakasimuka, akabuda, akaenda kunzvimbo murenje, akanonyengeterapo.
Simoni nevakange vanaye vakamutsvakisisa.
Zvino vakati vamuwana vakati kwaari: Vese vanokutsvakai.
38 耶穌對他們說:「讓我們到別處去,到鄰近的村鎮去罷! 叫我也在那裏宣講,因為我是為這事出來的。」
Ndokubva ati kwavari: Ngatiende kumisha iri pedo, kuti ndinoparidzawo ikoko, nokuti ndizvo zvandakabudira.
39 他遂到加里肋亞各地,在他們的會堂裏宣講,並驅逐魔鬼。
Akabva aparidza mumasinagoge avo paGarirea rese, achibudisa madhimoni.
40 有一個癩病人來到耶穌跟前,跪下求他說:「你若願意,就能潔淨我。」
Zvino kwakauya kwaari ane maperembudzi, achimukumbirisa, ndokumufugamira achiti kwaari: Kana muchida munogona kundinatsa.
41 耶穌動了憐憫的心,就伸手撫摸他,向他說:「我願意,你潔淨了罷!」
Jesu akanzwa tsitsi, akatandavadza ruoko, akamubata akati kwaari: Ndinoda, natswa;
achangotaura, maperembudzi akabva kwaari pakarepo, akanatswa.
Zvino akamuraira zvikuru, akamurega achienda pakarepo,
44 並向他說:「當心! 什麼也不可告訴人,但去叫司祭檢驗你,並為你的潔淨,奉獻梅瑟所規定的,給他們當作證據。」
akati kwaari: Ona kuti urege kuudza munhu chinhu; asi enda, uzviratidze kumupristi, ubaire pamusoro pekunatswa kwako Mozisi zvaakaraira, chive chapupu kwavari.
45 但那人一出去,便開始極力宣揚,把這事傳揚開了,以致耶穌不能再公然進城,只好留在外邊荒野的地方;但人們卻從各處到他跟前來。
Asi iye wakabuda akatanga kuparidza zvikuru nekuvavaza kunze shoko iro, zvekuti wakange asingachagoni kupinda muguta pachena, asi wakange ari kunze kunzvimbo dzerenje. Vakauya kwaari vachibva kumativi ese.