Preface
Read
+
Publisher
Nainoia, Inc.
PO Box 462, Bellefonte, PA 16823
(814) 470-8028
Nainoia Inc, Publisher
LinkedIn/NAINOIA-INC
Third Party Publisher Resources
Request Custom Formatted Verses
Please contact us below
Submit your proposed corrections
I understand that the Aionian Bible republishes public domain and Creative Commons Bible texts and that volunteers may be needed to present the original text accurately. I also understand that apocryphal text is removed and most variant verse numbering is mapped to the English standard. I have entered my corrections under the verse(s) below. Proposed corrections to the Shona Bible, Matthew Chapter 8 https://www.AionianBible.org/Bibles/Shona---Shona-Bible/Matthew/8 1) Wakati aburuka mugomo, zvaunga zvikuru zvakamutevera. 2) Zvino tarira, kwakauya ane maperembudzi, akamunamata achiti: Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa. 3) Jesu akatandavadza ruoko, akamubata, achiti: Ndinoda, natswa. Pakarepo maperembudzi ake akanatswa. 4) Zvino Jesu akati kwaari: Ona kuti usaudza munhu, asi enda unozviratidza kumupristi, ubaire chipo Mozisi chaakaraira, chive uchapupu kwavari. 5) Zvino Jesu wakati apinda muKapenaume, kwakauya kwaari mukuru wezana, achimukumbirisa, 6) achiti: Ishe, muranda wangu arere kumba wakafa mitezo, anotambudzika kwazvo. 7) Zvino Jesu akati kwaari: Ini ndichauya ndimuporese. 8) Mukuru wezana akapindura akati: Ishe, handina kufanira kuti mupinde pasi pedenga rangu remba; asi taurai shoko chete, zvino muranda wangu achaporeswa. 9) Nokuti neniwo ndiri munhu ari pasi pesimba, ndine mauto pasi pangu; zvino ndinoti kune uyu: Enda; anoenda; nekune umwe: Uya; anouya; nekumuranda wangu: Ita ichi; anoita. 10) Jesu wakati achizvinzwa akashamisika, akati kune vaimutevera: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handina kuwana rutendo rukuru rwakadai kunyange pakati paIsraeri. 11) Zvino ndinoti kwamuri: Vazhinji vachauya vachibva kumabvazuva nemavirira, vachagara pakudya naAbhurahama, naIsaka, naJakobho, muushe hwekumatenga; 12) asi vana veushe vachakandirwa kunze kurima rekunze kwekupedzisira; ikoko kuchava nekuchema nekugeda-geda kwemeno. 13) Zvino Jesu akati kumukuru wezana: Enda, zviitirwe kwauri sezvawakatenda. Muranda wake akapora nenguva iyoyo. 14) Jesu wakati apinda mumba maPetro, akaona mai vemukadzi wake vakaradzikwa vane fivhiri. 15) Akabata ruoko rwavo, fivhiri ikabva kwavari; vakasimuka vakavashandira. 16) Zvino ava madekwani vakauisa kwaari vazhinji vaiva vakagarwa nemadhimoni; akabudisa mweya neshoko, akaporesa vese vairwara; 17) kuti zvizadziswe zvakataurwa naIsaya muporofita achiti: Iye wakatora utera hwedu, akatakura matenda edu. 18) Jesu wakati achiona zvaunga zvikuru zvakamukomba, akaraira kuti vabve vaende mhiri. 19) Umwe munyori ndokuswedera akati kwaari: Mudzidzisi, ndichakuteverai kwese kwamunoenda. 20) Zvino Jesu akati kwaari: Makava ane mwena, neshiri dzedenga matendere; asi Mwanakomana wemunhu haana paangatsamhidza musoro. 21) Umwe wevadzidzi vake akati kwaari: Ishe, ndiregei nditange ndaenda ndinoviga baba vangu. 22) Asi Jesu wakati kwaari: Nditevere, urege vakafa vavige vakafa vavo. 23) Zvino wakati apinda muchikepe, vadzidzi vake vakamutevera. 24) Zvino tarira, dutu guru remhepo rakamuka mugungwa, zvekuti igwa rakange rofukidzwa nemafungu; asi iye wakange arere. 25) Zvino vadzidzi vake vakaswedera vakamumutsa vachiti: Ishe, tiponesei, toparara! 26) Zvino akati kwavari: Munotyirei, imwi verutendo rudiki? Ndokusimuka, akatsiura mitutu negungwa; kudzikama kukuru kukavapo. 27) Asi vanhu vakashamisika vachiti: Uyu munhu rudzii kuti kunyange mitutu negungwa zvinomuteerera? 28) Wakati asvika kune rimwe divi kunyika yeVaGerigesi, vakamuchingamidza vaviri vaiva vakagarwa nemadhimoni, vachibuda kumarinda, vane hasha kwazvo-kwazvo, zvekuti kwakange kusina munhu waigona kupfuura nenzira iyo. 29) Zvino tarira, vakadanidzira vachiti: Tinei nemwi, Jesu, Mwanakomana waMwari? Mauya pano kuzotirwadzisa nguva isati yasvika here? 30) Zvino kure navo kwakange kune boka renguruve zhinji richifura. 31) Madhimoni akamugombetedza achiti: Kana muchitibudisa, titenderei kuti tiende tinopinda muboka renguruve. 32) Zvino akati kwaari: Endai. Zvino akati abuda, akapinda muboka renguruve; zvino tarira, boka rese renguruve rakapitirikira kumateru kugungwa, dzikafira mumvura. 33) Zvino vaidzifudza vakatiza, vakaenda kuguta, vakapira zvese uye zvevakange vane madhimoni. 34) Zvino tarira, guta rese rakabuda kunochingamidza Jesu; zvino vakati vamuona, vakagombetedza kuti abve pamiganhu yavo. Additional comments?
Refresh Captcha
The world's first Holy Bible un-translation!