Preface
Read
+
Publisher
Nainoia, Inc.
PO Box 462, Bellefonte, PA 16823
(814) 470-8028
Nainoia Inc, Publisher
LinkedIn/NAINOIA-INC
Third Party Publisher Resources
Request Custom Formatted Verses
Please contact us below
Submit your proposed corrections
I understand that the Aionian Bible republishes public domain and Creative Commons Bible texts and that volunteers may be needed to present the original text accurately. I also understand that apocryphal text is removed and most variant verse numbering is mapped to the English standard. I have entered my corrections under the verse(s) below. Proposed corrections to the Shona Free Holy Bible, 1-Timothy Chapter 4 https://www.AionianBible.org/Bibles/Shona---Rakasununguka/1-Timothy/4 1) Mweya anotaura pachena kuti panguva dzinouya vamwe vachatsauka kubva pakutenda vagotevera mweya inonyengera nedzidziso dzamadhimoni. 2) Dzidziso dzakadai dzinouya navaya vanoreva nhema, vane hana dzakapiswa sokunge nesimbi inopisa. 3) Vanodzivisa vanhu kuwanana uye vachivarayira kuti varege kudya zvimwe zvokudya, izvo zvakasikwa naMwari kuti zvigamuchirwe nokuvonga naavo vanotenda uye vanoziva chokwadi. 4) Nokuti chose chakasikwa naMwari chakanaka, uye hapana chinofanira kuraswa kana chichigamuchirwa nokuvonga, 5) nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nokunyengetera. 6) Kana ukadzidzisa hama zvinhu izvi, uchava mushumiri akanaka waKristu Jesu, akarerwa muzvokwadi yokutenda uye nedzidziso yakanaka yawakatevera. 7) Siyana nengano dzisina umwari uye nengano dzechembere; asi uzvirovedzere paumwari. 8) Nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma hako asi umwari hunokosha pazvinhu zvose, hune vimbiso kune zvose muupenyu huno uye nomuupenyu hunouya. 9) Iri ishoko rechokwadi rinofanira kutendwa zvizere 10) uye nokuda kwaizvozvi tinoshingaira nokurwa, nokuti takaisa tariro yedu muna Mwari mupenyu, anova ndiye muponesi wavanhu vose uye zvikuru sei vaya vanotenda. 11) Rayira uye udzidzise zvinhu izvi. 12) Ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza nokuda kwouduku hwako, asi uve muenzaniso kuvatendi mukutaura, muupenyu, murudo, mukutenda uye napakuchena kwomwoyo. 13) Kusvikira ndauya, shingaira pakuverenga Rugwaro kukereke, kuparidza nokudzidzisa. 14) Usarega kushandisa chipo chako, chakapiwa kwauri kubudikidza neshoko rechiprofita pawakaiswa maoko pamusoro navakuru. 15) Shingaira pazvinhu izvi, uzviite nomwoyo wako wose, kuitira kuti munhu wose aone kupfuurira mberi kwako. 16) Uzvichengete kwazvo iwe nedzidziso yako. Utsungirire pazviri, nokuti kana ukazviita, uchazviponesa iwe navanokunzwa. Additional comments?
Refresh Captcha
The world's first Holy Bible un-translation!