< Imbombo 23 >

1 U Paulo akavalola ghanila avaanhu avahighi na kujova, “Vanyalukolo vango, nikalile pa vulongolo pa Nguluve nu vufumbue uvunofu mpaka umusyughu iji.”
Zvino Pauro wakati achitarisisa dare remakurukota akati: Varume hama, ini ndakafamba pamberi paMwari nehana yese yakanaka, kusvikira zuva rino.
2 Un'tekesi um'bahaum'baha akavalaghila vala vano vakimile pipi nu mwene van'tove umulomo ghwa mwene.
Asi mupristi mukuru Ananiasi wakaraira vakange vamire naye kuti vamurove muromo.
3 Pe u Paulo akam'bula, “U Nguluve ikukutova uve, uluvumba luno luvikilue ilikeji. Ghu kalile ghukunihigha nindaghilo, ghulaghila nitovue kinyume nhi ndaghilo?”
Ipapo Pauro akati kwaari: Mwari achakurova, madziro akadzudzurwa akacheneswa; nokuti iwe ugere kuti unditonge maererano nemurairo, zvino unoraira kuti ndirohwe zvinopesana nemurairo here?
4 Vala vano vakimile pipi nu mwene vakaati, “Anala pe ghukumuligha u n'tekesi um'baha ghwa Nguluve?”
Zvino vakange vamirepo vakati: Unotuka mupristi mukuru waMwari here?
5 u Paulo akaati, “Vanyalukolo vango, une nanikagwiile Kati uju ghwe n'tekesi um'baha. Ulwakuva lilembilue naghujova fiivi kwa ntemi ughwa vaanhu vaako.”
Pauro ndokuti: Ndanga ndisingazivi, hama, kuti mupristi mukuru; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Usataura zvakaipa pamusoro pemutungamiriri wevanhu vekwako.
6 U Paulo ye alolile ulubale lumo ulwa vahighi veva Masadukayo navange va Mafarisayo, akapalisia ilisio na kuuti, “Vanyalukolo vango, une nilii Mufarisayo, mwana ghwa Mufarisayo. Ulwakuuva nihuvila uvukangafu uvwa kusyuuka kuva fue vano nihighana naveene.”
Zvino Pauro wakati aziva kuti rimwe divi ndereVaSadhusi uye rimwe ndereVaFarisi, akadanidzira kudare remakurukota, akati: Varume hama, ini ndiri muFarisi, mwanakomana wemuFarisi; ini ndinotongwa pamusoro petariro nekumuka kwevakafa.
7 Ye ajovile isi, imikuno im'baha sikahumila pakate pa avatar Mafarisayo na Masadukayo, ni kipugha kika ghaving'ine.
Wakati areva izvi, kupesana kukauya pakati peVaFarisi neVaSadhusi, chaunga ndokukamukana.
8 Nakiki ava Masadukaya vijova kuuti uvusyuke kwevusili, avanyamola vala nakwejili inhumbula, kange avatar Farisayo viiti aghast ghooni kweghale.
Nokuti VaSadhusi vanoti hakuna kumuka, kana mutumwa, kana mweya; asi VaFarisi vanobvuma zviri zviviri.
9 Ulunjughanjugha uluvaha lukahumila navamo avalembi vanovakale ulubale lwa Mafarisayo vakima nana kujova, “Natulolile ikinu kyekyoni kila ikivivi mwa muunhu uju. Ndani umhepo nambe unyamola ajovile nu mwne?”
Zvino mhere-mhere huru ikamuka; vanyori vekudivi reVaFarisi vakasimuka vachipikisa zvikuru vachiti: Hatiwani chinhu chakaipa kumunhu uyu; asi kana mweya akataura naye kana mutumwa, hatingarwisani naMwari.
10 Unsiki kukahumile ilisaghe ilivaha, um'baha ghwa kipugha akoghopa kuuti u Paulo ademulinie ifighavefighave na veene, pe akalaghila ifipugha fiike paasi na kukun'tola ni ngufu kuhuma kwakwa nyamola avavahighi, na pikutwala mu lilinga.
Zvino kupesana kukuru kwakati kwauya, mukuru wechuru akatya kuti Pauro angabvamburwa navo, akaraira mauto kuti aburuke amubvute pakati pavo, amuise kuimba yemauto.
11 Ikilo jino jikavingilile u Mutwa akimile pipi nu mwene na kuuti, “Nungoghopaghe ulwakuva nivolelilile Muyerusalemu, pe ghuhumia uvwolesi kange mu Roma.”
Zvino usiku hwakatevera Ishe wakamira naye akati: Tsunga moyo Pauro; nokuti sezvawakapupura zvinhu maererano neni paJerusarema, saizvozvo zvakafanirawo kuti upupure kuRoma.
12 Ye kukile, ava Yahudi vamo vakavombile ulufingo nakukemela ulughuno vwimila vuvanave vavuo: vakajovile kuuti navililia nambe kunyua kyekyoni kila m'paka vam'bude u Paulo.
Zvino kwakati kwaedza, vamwe veVaJudha vakaita rangano, vakazvisunga nemhiko, vachiti havangadyi kana kunwa kusvikira vauraya Pauro.
13 Kwevalyale avaanhu fijigho fine vano vakagohile isi.
Zvino vaipfuura makumi mana vakange vaita mhiko iyi pamwe chete;
14 Vakaluta kuvavaha ava matekesi nava sehe na kujova, “Tuvikile jusue mulughuno uluvaha, natungalisaghe kyekyoni kila m'paka pano tukum'buda u Paulo.
ava vakaenda kuvapristi vakuru nevakuru vakati: Tazvisunga nemhiko huru, kuti hatidyi chinhu kusvikira tauraya Pauro.
15 Kange lino, um'baha ghwa n'sikari avavula avahighi vantwale kulyumue, kwekuuti mulamule un'kole ghwa vunofu. UsueUsue kulyusue tuning'anisie kukum'buda ya kyale kukwisa apa.”
Naizvozvo ikozvino imwi nedare remakurukota taridzai kumukuru wechuru, kuti amuburusire kwamuri mangwana, sezvinonzi munoda kunyatsobvunzisisa zviri maererano naye; asi isu asati aswedera, tazvigadzira kumuuraya.
16 Looli umwana ghwa nuna ghwa mwene nu Paulo akapulika kuuti kukale ni njama, akaluta akingila mun'kate mulilinga na pikum'bula u Paulo.
Zvino mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvekuvandira, akauya akapinda mumba memauto, akaudza Pauro.
17 U Paulo akan'kemela u akida jumbo akaati, “Mun'tole unsoleka uju um'baha ghwa va n'sikari; ulwakuva ali nilisio ilya kum'bula.”
Pauro ndokudanira kwaari umwe wevakuru vezana akati: Isa jaya iri kumukuru wechuru; nokuti rine chekutaura kwaari.
18 Kange u akida akantoola un'soleka jula akatwala kwa m'baha ghwa va n'sikari akambula, “U Paulo jula un'kungua akang'emelile akalondagha nin'twalile un'soleka uju kulyuve. Ali nili sio ilya kukuvula.”
Zvino ndokumutora, akamuuisa kumukuru wechuru, ndokuti: Pauro musungwa wandidanira kwaari akakumbira kuti ndiuise jaya iri kwamuri, rine chekutaura kwamuri.
19 Um'baha Julia ughwa va n'sikari akan'kola nuluvoko akibaghuile akima mwene, pe akam'posia, “kiinu kiki kino ghulonda kukum'bula?”
Mukuru wechuru akabata ruoko rwaro, akaenda naro parutivi vari vega, akabvunza akati: Chii chaunacho chekundiudza?
20 Un'soleka jula akaati, “ava Yahudi vapuling'ine kukun'suma atwale u Paulo pakilavo kuvahighi ulwakuti vilonda kukwupila imola sa mwene ku vunnofu fiijo.
Iye akati: VaJudha vatenderana kukukumbirai, kuti muburusire Pauro kudare remakurukota mangwana, sevanoda kunyatsobvunzisisa chimwe chinhu maererano naye.
21 Looli uve nungitikaghe ulwakuva avaanhu fijigho fiine vikumwuvila. Vikungile nulughuno, Navangalisaghe kange navanganywisaghe nambe kyavikum'buda. Nambe lino viling'anisie, vighulila uvutavike kuhuma kuvanave.”
Naizvozvo imwi musatendeswa navo; nokuti vakamuvandira pakati pavo varume vanopfuura makumi mana, vakazvisunga nemhiko kuti havangadyi kana kunwa kusvikira vamuuraya; zvino ikozvino vakagadzirira vachimirira chivimbiso kubva kwamuri.
22 Kange um'baha ghwa va n'sikari akamuleka un'soleka alutaghe, ye amulaghisie “Nungam'bulaghe umuunhu ghweni kuuti univulile aghast.”
Naizvozvo mukuru wechuru wakaregera jaya richienda, ariraira achiti: Usaudza munhu kuti wandizivisa zvinhu izvi.
23 Akavakemela ava masinjala vaviili akaati valing'anie ava sikari filundu fivili valute ku Kaisaria navasikari avangulila farasi ifijigho lekela lubale nava nyamalala filundu viviili, muvuka mukipugha ikya vutatu.
Zvino akadanira kwaari vamwe vaviri vevakuru vezana, akati: Gadzirirai mauto mazana maviri kuti afambe kusvikira Kesariya, nevatasvi vemabhiza makumi manomwe, nevemapfumo mazana maviri, kubva paawa rechitatu reusiku;
24 Akavavula valing'anie ifidimua fiino u Paulo ivombela na kukuntola vunufu kwa Feliki Gavana.
muvawanisewo zvipfuwo, kuti vatasvise Pauro vamuise akachengeteka kumutungamiriri Ferikisi;
25 Akalemba ikalata anala,
akanyora tsamba yakatakura zvemukati izvi:
26 U Klaudio Lisa kwa n'sikari Feliki, luhungilo.
Kiraudhio Risia kuna Ferikisi mutungamiriri changamire, kwaziwai.
27 Umuunhu uju akakolilue nava Yahudi pipi pikum'buda, pe nikaluta nikipugha ikya va sikali nikamwavula, ye nipatile imola kuuti umwene vukalo uvwa Kirumi.
Uyu murume wakabatwa neVaJudha, uye angadai akaurawa navo, ndikasvika nemauto ndikamununura, ndanzwa kuti muRoma.
28 Nikalondile kukagula nakiki vamighile, pe nikantwala kuvahighi.
Zvino ndakati ndichida kuziva chikonzero chavaimupomera nacho, ndikamuburusira kudare ravo remakurukota;
29 Nikalolile kuuti alyale ihighua vwimila vwa maswali agha ndaghilo sivanave, nambe nakahighilue iilisio lyolyoni na kulondua kubudua nambe kukungua.
ndikawana achipomerwa pamusoro pemashoko emurairo wavo, asi asingapomerwi chinhu chingafanira rufu kana zvisungo.
30 Kange lumanyikika kulyune kuuti kwelule ulughelo kulyune pa uluo pe nikamwomuile ng'aning'ani kulyuve, kange valetaghe sino vamusitakile vano vikusitaka kange vatwale amakole gha mwene pavulongolo palyuve. Vakahwesania.”
Zvino ndakati ndaziviswa kuti kwakange koda kuva nekuvandirwa kwemurume uyu neVaJudha, ndikamutumira kwamuri pakarepo, ndikarairawo vanomumhan'arira kuti vataure pamberi penyu zvavanopesana naye. Chisarai.
31 Looli ava sikali vakaleva indaghilo: vakan'toola u Paulo vakan'twala kange ku Antipatri pakilo.
Zvino mauto, sezvaakarairwa akatora Pauro, akamuisa kuAntipatiri neusiku.
32 Ikighono kino kikavingilile, ava sikali vinga vakavaleka vinga valavala avapanda farasi valute palikimo nu mwene, voope vakagomoka ku lilinga.
Zvino chifume, vakarega vatasvi vemabhiza kuti vaende naye, vakadzokera kuimba yemauto;
33 Navapanda farasi ye vafikile ku Kaisaria, nakum'pela un'sikari ikarata jila, vakam'biika u Paulo pavulongolo pa mwene.
ivo vakati vasvika kuKesariya, vakakumikidza tsamba kumutungamiriri, vakaisawo Pauro pamberi pake.
34 Ghwope untua ye imbile ikalata, Adam'posia u Paulo jihumile kukighavi kiliku; ye akagwile kuuti muunhu ghwa ku Kilikia,
Zvino mutungamiriri wakati averenga, akabvunza kuti ndewedunhu ripi; zvino aziva kuti ndeweKirikia,
35 akaati, “Nikukupulika uve pano vikwisa Valarie vano vakuhighile,” akalaghila avikue mu ikulu ja Herode.
akati: Ndichakunzwa, kana vanokupomera mhosva vasvikawo; akaraira kuti achengetwe mumba maHerodhe mekutongera.

< Imbombo 23 >