< Псалми 128 >
Rwiyo rworwendo. Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, vanofamba munzira dzake.
2 Коли труд своїх рук будеш їсти, — блаже́н ти, і до́бре тобі!
Uchadya chibereko chokushanda kwako; maropafadzo nokubudirira zvichava zvako.
3 Твоя жінка в кута́х твого дому — як та виногра́дина плі́дна, твої діти навко́ло твого стола́ — немов саджанці́ ті оли́вкові!
Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka, pakati peimba yako; vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi, vakakomberedza tafura yako.
4 Оце так буде поблагосло́влений муж, що боїться він Господа!
Ndizvo zvakaita munhu akaropafadzwa, anotya Jehovha.
5 Нехай поблагосло́вить тебе Господь із Сіо́ну, — і побачиш добро́ Єрусалиму по всі́ дні свого життя,
Jehovha ngaakuropafadzei kubva kuZioni, mazuva ose oupenyu hwenyu; muone henyu kubudirira kweJerusarema,
6 і побачиш ону́ків своїх! Мир на Ізраїля!
uye murarame kuti muone vana vavana venyu. Rugare ngaruve pana Israeri.