< Приповісті 10 >
1 Син мудрий — потіха для батька, а син нерозумний — то смуток для неньки його.
Zvirevo zvaSoromoni: Mwanakomana akachenjera anofadza baba vake, asi mwanakomana benzi anosuwisa mai vake.
2 Не поможуть неправедні скарби, а справедливість від смерти визво́лює.
Pfuma yakawanikwa zvakaipa haibatsiri chinhu, asi kururama kunorwira parufu.
3 Не допустить Господь голодува́ти душу праведного, а набу́ток безбожників згине.
Jehovha haatenderi akarurama kuti anzwe nzara, asi kupanga kwowakaipa anokusundira kure.
4 Ледача рука до убо́зтва веде, рука ж роботя́ща збагачує.
Maoko ane usimbe anoita kuti munhu ave murombo, asi maoko anoshingaira anopfumisa.
5 Хто літом збирає — син мудрий, хто ж дрімає в жнива́ — син безпутній.
Anounganidza zvirimwa muzhizha, mwanakomana akachenjera, asi anorara munguva yokukohwa, mwanakomana anonyadzisa.
6 Благослове́нства на голову праведного, а уста безбожним прикриє наси́льство.
Maropafadzo ndiwo korona yomusoro woakarurama, asi kuita nechisimba kuzere mumuromo womunhu akaipa.
7 Пам'ять про праведного — на благослове́ння, а йме́ння безбожних загине.
Kuyeukwa kwowakarurama kuchava chikomborero, asi zita rowakaipa richaora.
8 Заповіді мудросердий приймає, але́ дурногу́бий впаде́.
Akachenjera pamwoyo anogamuchira mirayiro, asi benzi rinotaura zvisina maturo richaparara.
9 Хто в невинності ходить, той ходить безпечно, а хто кривить дороги свої, буде ви́явлений.
Munhu akarurama anofamba akachengetedzeka, asi uyo anofamba nenzira dzakaminama achabatwa.
10 Хто оком моргає, той смуток дає, але дурногу́бий впаде́.
Uyo anochonya neziso roruvengo anouyisa kusuwa, asi benzi rinotaura zvisina maturo richaparara.
11 Уста праведного — то джерело життя, а уста безбожним прикриє насильство.
Muromo womunhu akarurama chitubu choupenyu, asi kuita nechisimba kuzere mumuromo womunhu akaipa.
12 Нена́висть побуджує сва́рки, а любов покриває всі ви́ни.
Ruvengo runomutsa kupesana, asi rudo runofukidzira zvakaipa zvose.
13 В устах розумного мудрість знахо́диться, а різка — на спину безтя́много.
Uchenjeri hunowanikwa pamiromo yavane njere, asi shamhu yakafanira musana wouyo asina njere.
14 Прихо́вують мудрі знання́, а уста нерозумного — близькі́ до загибелі.
Vanhu vakachenjera vanochengeta zivo, asi muromo webenzi unotsvaka kuparara.
15 Маєток багатого — місто тверди́нне його, поги́біль убогих — їхні зли́дні.
Upfumi hwavakapfuma ndiro guta ravo rina masvingo, asi urombo ndiko kuparadzwa kwavarombo.
16 Дорібок праведного — на життя, прибу́ток безбожного — в гріх.
Mubayiro wavakarurama ndihwo upenyu, asi zvinowanikwa nowakaipa ndiko kurangwa.
17 Хто напу́чування стереже́ — той на сте́жці життя, а хто нехту́є карта́ння, той блу́дить.
Uyo anoteerera kurayira anoratidza nzira youpenyu, asi ani naani anozvidza kudzorwa anotsausa vamwe.
18 Хто нена́висть ховає, в того губи брехли́ві, а хто на́клепи ширить, той дурнове́рхий.
Uyo anovanza ruvengo rwake ane miromo inoreva nhema, uye ani naani anoparadzira guhwa ibenzi.
19 Не бракує гріха в многомо́вності, а хто стримує губи свої, той розумний.
Kana mashoko ari mazhinji, chivi hachingashayikwi, asi uyo anodzora rurimi rwake akachenjera.
20 Язик праведного — то добі́рне срібло́, а розум безбожних — мізе́рний.
Rurimi rwakarurama isirivha yakaisvonaka, asi mwoyo wowakaipa haubatsiri chinhu.
21 Пасу́ть багатьох губи праведного, безглузді ж умирають з неро́зуму.
Miromo yemunhu akarurama inosimbisa vazhinji, asi mapenzi anofa nokuda kwokushayiwa zivo.
22 Благослове́ння Господнє — воно збагачає, і сму́тку воно не прино́сить з собою.
Kuropafadza kwaJehovha kunowanisa upfumi, uye haawedzeri matambudziko kwahuri.
23 Нешляхе́тне робити — заба́ва неві́гласа, а мудрість — люди́ні розумній.
Benzi rinofadzwa nokuita zvakaipa, asi munhu anonzwisisa anofarira uchenjeri.
24 Чого нечести́вий боїться, те при́йде на нього, а пра́гнення праведних спо́вняться.
Zvinotyiwa nowakaipa ndizvo zvichaitika kwaari; zvinoshuviwa nowakarurama zvichapiwa kwaari.
25 Як буря, яка пронесе́ться, то й гине безбожний, а праведний має дові́чну осно́ву.
Kana dutu rapfuura napo, vakaipa havazowanikwi, asi vakarurama vachamira vakasimba nokusingaperi.
26 Як о́цет зубам, і як дим для оче́й, так лінивий для тих, хто його посилає.
Sevhiniga kumazino noutsi kumaziso, ndizvo zvakaita simbe kuna avo vachamutuma.
27 Страх Господній примножує днів, а ро́ки безбожних вкоро́тяться.
Kutya Jehovha kunowedzera mazuva kuupenyu, asi makore owakaipa achatapudzwa.
28 Сподіва́ння для праведних — радість, а наді́я безбожних загине.
Tarisiro yowakarurama mufaro, asi tariro dzowakaipa dzichaparadzwa.
29 Дорога Господня — тверди́ня неви́нним, а заги́біль — злочинцям.
Nzira yaJehovha ndiyo utiziro hwavakarurama, asi ndiko kuparadzwa kwaavo vanoita zvakaipa.
30 Повік праведний не захита́ється, а безбожники не поживуть на землі.
Akarurama haangatongodzurwi, asi vakaipa havangarambi vari munyika.
31 Уста праведного дають мудрість, а лукавий язик буде втятий.
Muromo womunhu akarurama unobudisa uchenjeri, asi rurimi rwakaipa ruchabviswa.
32 Уста праведного уподо́бання знають, а уста безбожних — лука́вство.
Miromo yomunhu akarurama inoziva zvakafanira, asi muromo womunhu akaipa, zvakaipa chete.