< Ісая 4 >

1 I того дня сім жіно́к схоплять мужа одно́го, говорячи: „Ми бу́демо їсти свій хліб, і зодяга́тимем одіж свою, — тільки йме́нням твоїм хай нас кличуть, — забери ти наш со́ром!“
Pazuva iro vakadzi vanomwe vachabata murume mumwe vagoti, “Tichadya zvokudya zvedu uye tichazvitsvakira zvokufuka. Tinongoda kudanwa nezita rako bedzi. Bvisa kunyadziswa kwedu!”
2 Того дня буде па́рость Господня красо́ю та славою, плід же зе́мний — вели́чністю та пишното́ю для врято́ваних із Ізраїля.
Pazuva iro, davi raJehovha richava rakanaka uye richabwinya, uye zvibereko zvenyika zvichava chidadiso nokukudzwa kwavakapunyuka muIsraeri.
3 І бу́де зосталий в Сіоні й поли́шений в Єрусалимі, — святим буде зватися він, кожен, хто жити запи́саний в Єрусалимі,
Vaya vakasara muZioni, navakasara muJerusarema, vachanzi vatsvene, navose vakanyorwa pakati pavapenyu muJerusarema.
4 коли нечистоту́ Господь змиє з сіонських дочо́к, а кров Єрусалиму споло́ще з-посеред його́ духом права та духом очи́щення.
Jehovha achashambidza tsvina yevakadzi veZioni; achanatsa makwapa eropa kubva muJerusarema nomweya wokutonga uye nomweya womoto.
5 І ство́рить Госпо́дь над усяким житло́м на Сіонській горі́ та над місцем зібра́ння — удень хмару, вночі ж дим і блиск огню́ полум'я́ного, бо над всякою славою буде покро́ва.
Ipapo Jehovha achasika pamusoro pegomo rose reZioni napamusoro pavose vanoungana ikoko gore routsi masikati nezhenje romoto unopfuta usiku; pamusoro pokubwinya kwose pachava nechidzitiro.
6 І буде шатро́ удень тінню від спе́ки, і за́хистом та укриття́м від него́ди й дощу́!
Chichava chifukidzo nomumvuri kubva pakupisa kwezuva, noutiziro, nenzvimbo yokuvanda kubva padutu nemvura inonaya.

< Ісая 4 >