< Екклезіяст 9 >

1 Ото ж бо все це я до серця свого взяв, і бачило серце моє все оце, що праведні й мудрі та їхні учи́нки — у Божій руці, так само любов чи нена́висть: Люди́на не знає нічого, що є перед нею!
Nokudaro ndakafunga pamusoro pezvose izvi uye ndikapedzisira nokuti vakarurama navakachenjera, nezvavanoita zviri mumaoko aMwari, asi hakuna munhu anoziva kuti rudo here kana ruvengo zvakamumirira.
2 Однакове всім випадає: праведному і безбожному, доброму й чистому та нечистому, і тому́, хто жертву прино́сить, і тому, хто жертви не приносить, як доброму, так і грішникові, тому, хто кляне́ться, як і тому, хто клятви боїться!
Vose vane mugumo wakafanana, akarurama neakaipa, akanaka nomutadzi, akachena neakasviba, avo vanobayira zvibayiro neavo vasingabayiri. Sezvazvakaita nomunhu akanaka, ndizvozvowo nomutadzi; sezvazvakaita neavo vanoita mhiko, ndizvozvowo neavo vanotya kuita mhiko.
3 Оце зле у всім, що під сонцем тим ді́ється, — що одна́кове всім випада́є, і серце лю́дських синів повне зла, і за життя їхнього безу́мство в їхньому серці, а по то́му до мертвих відходять.
Ichi ndicho chinhu chakaipa pane zvose zvinoitika pasi pezuva: Vose vane mugumo mumwe chete. Pamusoro pezvo, mwoyo yavanhu izere nezvakaipa uye mumwoyo yavo mune upenzi panguva yokurarama kwavo, uye shure kwaizvozvo vanobatana navakafa.
4 Хто знахо́диться поміж живих, той має надію, бо краще собаці живому, ніж ле́вові ме́ртвому!
Ani naani ari pakati pavapenyu ane tariro; kunyange imbwa mhenyu iri nani kupfuura shumba yakafa!
5 Бо знають живі, що помруть, а померлі нічо́го не знають, і заплати немає вже їм, — бо забута і пам'ять про них,
Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachafa, asi vakafa havana chavanoziva; havachinazve mumwe mubayiro, uye nokurangarirwa kwavo kwakanganikwa.
6 і їхнє коха́ння, і їхня нена́висть, та за́здрощі їхні загинули вже, і нема вже їм ча́стки навіки ні в чо́му, що під сонцем тим ді́ється!
Rudo rwavo, ruvengo rwavo negodo zvakanguri zvapera kare; havachazovizve nechikamu, pane zvose zvinoitika pasi pezuva.
7 Тож іди, їж із радістю хліб свій, та з серцем веселим вино своє пий, коли Бог уподо́бав Собі твої вчинки!
Enda, undodya zvokudya zvako nomufaro, unwe waini nomwoyo wakafara, nokuti iye zvino Mwari ndipo paari kufadzwa namabasa ako.
8 Нехай кожного ча́су одежа твоя буде біла, і нехай на твоїй голові не бракує оли́ви!
Nguva dzose upfeke nguo chena, uye ugare wakazodza musoro wako namafuta.
9 Заживай життя з жінкою, яку ти кохаєш, по всі́ дні марно́ти твоєї, що Бог дав для тебе під сонцем на всі́ дні марно́ти твоєї, — бо оце твоя доля в житті та в твоєму труді́, що під сонцем ним тру́дишся ти!
Fadzwa noupenyu hwako nomukadzi wako waunoda, mazuva ose oupenyu huno husina maturo Mwari hwaakakupa pasi pezuva, mazuva ose asina maturo. Nokuti uyu ndiwo mugove wako muupenyu uye mukushanda kwako nesimba pasi pezuva.
10 Все, що всилі чинити рука твоя, теє роби, бо немає в шео́лі, куди ти йде́ш, ні роботи, ні ро́здуму, ані знання́, ані мудрости! (Sheol h7585)
Zvose zvinowanikwa noruoko rwako kuti ruzviite, zviite nesimba rako rose, nokuti muguva, mauri kuenda, hamuna kushanda kana kuronga, kana ruzivo kana uchenjeri. (Sheol h7585)
11 Зно́ву я бачив під сонцем, що біг не у ско́рих, і бій не в хоро́брих, а хліб не в премудрих, і не в розумних багатство, ні ласка — у знавців, — а від ча́су й наго́ди залежні вони!
Ndakaona chimwe chinhuzve pasi pezuva: Anomhanyisa haasi iye anokunda uye ane simba haasi iye anokunda pakurwa, uye akachenjera haasi iye ane zvokudya, uye vane njere havasi ivo vane pfuma, uye vakadzidza havasi ivo vanodiwa navanhu; asi vose vanowirwa nenguva nezvinoitika.
12 Бо ча́су свого люди́на не знає, мов риби, поло́влені в па́губну сітку, і мов пта́хи, захо́плені в сі́льце, — так хапа́ються лю́дські сини за час лиха, коли воно на́гло спадає, на них!
Pamusoro pezvo hakuna munhu anoziva nguva yake painosvika: Sehove dzinobatwa murutava rwakaipa, kana shiri dzinobatwa murugombe, saizvozvowo vanhu vanobatwa nenguva dzakaipa dzinovawira vasingatarisire.
13 Також оцю мудрість я бачив під сонцем, і велика для мене здавалась вона:
Ndakaonazve pasi pezuva muenzaniso uyu wouchenjeri wakandifadza zvikuru:
14 Було мале місто, і було в ньому мало людей. І раз прийшов цар великий до нього, й його оточи́в, і побудува́в проти нього велику обло́гу.
Kwakanga kune guta duku, raiva navanhu vashoma mariri. Mumwe mambo ane simba akarimukira, akarikomba, akarivakira masvingo makuru okurirwisa.
15 Але в ньому знайшлася люди́на убога, та мудра, і вона врятувала те місто своєю премудрістю, — та пізніше ніхто не згадав про цю вбогу люди́ну!
Zvino muguta umu maigara mumwe murume akanga ari murombo asi akachenjera, uye akaponesa guta iri nouchenjeri hwake. Asi hakuna munhu akarangarira murombo uya.
16 І я говорив: Краща мудрість за силу; одна́ко пого́рджується мудрість бідного, і не слухаються його слів!
Saka ndakati, “Uchenjeri hunopfuura simba.” Asi uchenjeri hwomurombo hunoshorwa uye mashoko ake haangateererwi.
17 Слова мудрих, почуті в споко́ї, кращі від крику володаря поміж безглу́здими.
Mashoko manyoro omuchenjeri anoteererwa kupfuura kudanidzira kwomunhu anobata ushe pakati pamapenzi.
18 Мудрість краща від зброї військо́вої, але один грішник погубить багато добра́.
Uchenjeri hunopfuura zvombo zvehondo, asi mutadzi mumwe anoparadza zvakanaka zvizhinji.

< Екклезіяст 9 >