< До колоссян 2 >
1 Я хо́чу, щоб ви знали, яку велику боротьбу я маю за вас і за тих, хто в Лаодикі́ї, і за всіх, хто не бачив мого тіле́сного обличчя.
Ndinoda kuti muzive kuti ndiri kurwa sei pamusoro penyu nepaavo vari paRaodhikea, navose vasina kuonana neni pachangu.
2 Хай потішаться їхні серця́, у любові поє́днані, для всякого багатства повного розуміння, для пізна́ння таємниці Бога, Христа,
Vavariro yangu ndeyokuti vakurudzirwe mumwoyo uye vabatane murudo, kuitira kuti vave nepfuma izere yokunzwisisa kwakakwana, kuti vagoziva chakavanzika chaMwari, iye Kristu,
3 в Якому всі скарби премудрости й пізна́ння заховані.
maari ndimo makachengetwa pfuma yose youchenjeri nokuziva.
4 А це говорю́, щоб ніхто вас не звів фальшивими доводами при суперечці.
Ndinokuudzai izvi kuitira kuti parege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko anobata kumeso.
5 Бо хоч тілом я й неприсутній, та духом я з вами, і з радістю бачу ваш порядок та твердість вашої віри в Христа.
Nokuti kunyange ndisipo pamuri panyama, mumweya ndinemi uye ndinofara ndichiona kuti mugere zvakanaka sei uye kuti makasimba sei mukutenda kwenyu muna Kristu.
6 Отже, як ви прийняли́ були Христа Ісуса Господа, так і в Ньому ходіть,
Saka zvino, sezvamakagamuchira Kristu Jesu saShe, rambai muchifamba maari,
7 бувши вкорі́нені й збудо́вані на Ньому, та зміцнені в вірі, як вас на́вчено, збагачуючись у ній з подякою.
mune midzi uye makavakwa maari, makasimbiswa mukutenda sezvamakadzidziswa, uye muzere nokuvonga.
8 Стережіться, щоб ніхто вас не звів філосо́фією та марно́ю ома́ною за переда́нням лю́дським, за стихі́ями світу, а не за Христом,
Muone kuti parege kuva nomunhu anokutapai nokutaura kusina maturo kunonyengera, kunosendamira patsika dzavanhu nezvokuvamba kwenyika ino, asingateveri Kristu.
9 бо в Ньому тілесно живе вся повнота́ Божества́.
Nokuti muna Kristu kuzara kwouMwari kunogara maari pamuviri,
10 І ви маєте в Нім повноту́, а Він — Голова всякої влади й начальства.
nemiwo makapiwa kuzara uku muna Kristu, iye ari pamusoro poushe hwose nesimba.
11 Ви в Ньому були́ й обрізані нерукотво́рним обрі́занням, скинувши лю́дське тіло гріховне в Христовім обрі́занні.
Nemiwo makadzingiswa maari, mukubviswa kwomunhu wezvivi, kwete nokudzingiswa kunoitwa namaoko avanhu, asi nokudzingiswa kunoitwa naKristu,
12 Ви були з Ним поховані у хрищенні, у Ньому ви й ра́зом воскресли через віру в силу Бога, що Він з мертвих Його воскресив.
makavigwa pamwe chete mukubhabhatidzwa uye mukamutswa pamwe chete naye nokutenda kwenyu musimba raMwari, akamumutsa kubva kuvakafa.
13 І вас, що мертві були́ в гріхах та в необрізанні вашого тіла, Він оживив ра́зом із Ним, простивши усі гріхи,
Pamakanga makafa muzvivi zvenyu uye nokusadzingiswa kwomunhu wenyu wekare, Mwari akakuitai vapenyu muna Kristu. Akatikanganwira zvivi zvedu zvose,
14 знищивши рукописа́ння на нас, що нака́зами було проти нас, — Він із сере́дини взяв його та й прибив його на хресті,
akadzima mutemo wakanyorwa, nezvirevo zvawo, uyo wakanga uchirwa nesu uye waimira uchipikisana nesu; akaubvisa, achiuroverera pamuchinjikwa.
15 роззброївши вла́ди й начальства, сміли́во їх вивів на посміхо́висько, — перемігши їх на хресті!
Uye akati abvisa ushe namasimba, akazvibudisa pachena, akazvikunda nomuchinjikwa.
16 Тож, хай ніхто вас не судить за їжу, чи за питво́, чи за чергове свято, чи за новомі́сяччя, чи за суботи, —
Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anokutongai pamusoro pezvamunodya kana kunwa, kana nezvemitambo yechitendero, kupemberera Kugara kwoMwedzi kana zuva reSabata.
17 бо це — тінь майбу́тнього, а тіло — Христове.
Izvi mumvuri wezvinhu zvaizouya, kunyange zvakadaro, chokwadi chinowanikwa muna Kristu.
18 Нехай вас не зводить ніхто уда́ваною покорою та службою ангола́м, вдаючися до того, чого не бачив, нерозважно надимаючись своїм тілесним розумом,
Musarega munhu upi zvake anofarira kuzvininipisa kwenhema uye kunamata vatumwa achikutorerai mubayiro wenyu. Munhu akadaro anorondedzera zvikuru pamusoro pezvaakaona, uye nokufunga kwake kwenyama anozvikudza pasina.
19 а не тримаючись Голови, від Якої все тіло, сугло́бами й зв'я́зями з'є́днане й змі́цнене, росте зростом Божим.
Akarasika kubva paMusoro, uyo kubva pauri muviri wose, wakasimbiswa uye wakabatanidzwa pamwe chete nemitezo yawo namarunda, unokura sezvinoda Mwari.
20 Отож, як ви вмерли з Христом для стихі́й світу, то чого ви, немов ті, хто в світі живе, пристаєте на постанови:
Sezvo makafa pamwe chete naKristu kune mitemo yenyika ino, seiko muchiita kunge muchiri vayo, muchizviisa pasi pemitemo yayo inoti:
21 не дотикайся, ані їж, ані рухай,
“Usabata! Usaravira! Usagunzva!”?
22 бо то все зни́щиться, як уживати його, — за при́казами та наукою лю́дською.
Izvi zvose zvichaparadzwa nokubata kwazvo, nokuti zvakavakwa pamirayiro yavanhu nokudzidzisa kwavanhu.
23 Воно ж має вид мудрости в самовільній службі й покорі та в знеси́люванні тіла, та не має якогось зна́чення, хіба щодо наси́чення тіла.
Zvirokwazvo mitemo yakadai inoita seino uchenjeri, nokunamata kwavo kwokuzvipa, kuzvininipisa kwavo kwenhema uye nokurwadzisa kwavo muviri, asi zvisingagoni kudzivisa kuchiva kwomuviri.