< 2 до коринтян 3 >
1 Чи нам знов зачинати дору́чувати самих себе́? Чи ми потребуємо, як дехто, листів доруча́льних до вас чи від вас?
Tava kutangazve kuzvirumbidza here? Kana kuti tinotsvaka here, savamwe, tsamba dzinoenda kwamuri kana dzinobva kwamuri dzinotirumbidza?
2 Ви наш лист, написаний у наших серцях, якого всі люди знають і читають!
Imi pachenyu ndimi tsamba yedu, yakanyora pamwoyo yedu, inozivikanwa uye inoverengwa navanhu vose.
3 Виявляєте ви, що ви — лист Христів, нами вислужений, що написаний не чорнилом, але Духом Бога Живого, не на табли́цях камінних, але на тіле́сних табли́цях серця.
Munoonekwa kuti muri tsamba yakabva kuna Kristu, basa roushumiri hwedu, yakanyorwa, kwete neingi, asi noMweya waMwari mupenyu, kwete pamahwendefa amabwe, asi pamahwendefa emwoyo yavanhu.
4 Таку ж певність до Бога ми маємо через Христа,
Kutenda kwakadai souku tinako kubudikidza naKristu pamberi paMwari.
5 не тому́, що ми здібні поми́слити щось із се́бе, як від себе, але наша здібність від Бога.
Kwete nokuti tinogona isu pachedu, zvokuti titi chakati ndechedu, asi kugona kwedu kunobva kuna Mwari.
6 І Він нас зробив бути здатними служи́телями Ново́го Заповіту, не букви, а Духа, — бо буква вбиває, а Дух оживля́є.
Akatigonesa savashumiri vesungano itsva, kwete yakanyorwa asi yoMweya; nokuti tsamba inouraya, asi Mweya anopa upenyu.
7 Коли ж служі́ння смерті, вирізане на каменях буквами, було таке славне, що Ізра́їлеві сини не могли дивитись на обличчя Мойсея, через славу мину́щу обличчя його,
Zvino kana kushumira kwakauyisa rufu, kwakanga kwakatemwa namavara pamabwe, kwakauya nokubwinya zvokuti vaIsraeri vakanga vasingagoni kuramba vakatarisa pachiso chaMozisi nokuda kwokubwinya kwacho, kunyange kwakanga kuchipfuura hako,
8 скільки ж більш буде в славі те служі́ння Духа!
ko, kushumira kwaMweya hakungavi nokubwinya kukuru here?
9 Бо як служі́ння о́суду — слава, то служіння праведности тим більше багате на славу!
Kana kushumira kwakauyisa kutongwa kuvanhu kuchibwinya, ko, kuzoti kushumira kunouyisa kururama kunobwinya zvikuru sei!
10 Не просла́вилося бо прославлене, у цій частині, ради слави, що вона переважує,
Nokuti chaibwinya hachisisina kubwinya zvino kana tichichienzanisa nokubwinya kunochipfuura.
11 бо коли славне те, що минає, то багато більш у славі те, що триває!
Uye kana chakanga chichizopfuura chakauya nokubwinya, ko, kuzoti chinogara chichava nokubwinya kukuru sei!
12 Тож, мавши надію таку, ми вживаємо великої сміли́вости,
Naizvozvo, zvatine tariro yakadai, takashinga zvikuru.
13 а не як Мойсей, що покрива́ло клав на обличчя своє, щоб Ізраїлеві сини не дивилися на кінець того, що минає.
Hatina kufanana naMozisi aiisa chifukidziro pachiso chake kuti vaIsraeri varege kuchitarisa kupenya pakwainge kwava kupera.
14 Але засліпилися їхні думки́, бо те саме покрива́ло аж до сьогодні лишилось незняте в чита́нні Старо́го Заповіту, бо зникає воно Христо́м.
Asi ndangariro dzavo dzakapofumadzwa, nokuti chifukidziro chimwe chetecho chichiripo kana sungano yakare ichiverengwa. Hachina kubviswa, nokuti chinongobviswa chete muna Kristu.
15 Але аж до сьогодні, як читають Мойсея, на їхньому серці лежить покрива́ло,
Kunyange kusvikira zuva ranhasi kana Mozisi achiverengwa, chifukidziro chinofukidza mwoyo yavo.
16 „коли ж вони наве́рнуться до Господа, тоді покрива́ло здіймається“.
Asi kana munhu akatendeukira kuna She chete, chifukidziro chinobviswa.
17 Госпо́дь же — то Дух, а де Дух Господній, — там воля.
Zvino Ishe ndiye Mweya, uye pane Mweya waShe, pano kusununguka.
18 Ми ж відкритим обличчям, як у дзеркало, дивимося всі на славу Господню, і зміняємося в той же образ від слави на славу, як від Духа Господнього.
Zvino isu, vane zviso zvisina kufukidzwa tose tinoratidza kubwinya kwaShe, tiri kushandurwa kuti tifanane naye nokubwinya kunoramba kuchiwedzerwa, kunobva kuna Ishe, anova iye Mweya.