< Nnwom 27 >
1 Dawid dwom. Awurade ne me hann ne me nkwagyeɛ; hwan na mensuro no? Awurade ne me nkwa ahoɔden, na hwan anim na me ho mpopoɔ?
Pisarema raDhavhidhi. Jehovha ndiye chiedza changu noruponeso rwangu, ndichagotya aniko? Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu, ndianiko wandingatya?
2 Sɛ nnipa bɔne toa me pɛ sɛ wɔkum me a, sɛ mʼatamfoɔ to hyɛ me so a wɔbɛsuntisunti ahwehwe ase.
Vanhu vakaipa pavakauya kwandiri kuzodya nyama yangu, vavengi navadzivisi vangu pavanondirwisa, vanogumburwa ndokuwa.
3 Sɛ dɔm mpo twa me ho hyia a, mʼakoma rentu; mpo sɛ wɔtu me so sa a, ɛno mu koraa na menya awerɛhyɛmu.
Kunyange hondo ikandikomba, mwoyo wangu haungazotyi; kunyange hondo ikamuka kuzondirwisa, ipapo ndichavimba naJehovha.
4 Adeɛ baako na mebisa Awurade; na ɛno na mehwehwɛ; sɛ mɛtena Awurade fie me nkwa nna nyinaa, na mahwɛ Awurade ahoɔfɛ na mahwehwɛ no wɔ nʼasɔrefie.
Chinhu chimwe chete chandinokumbira kuna Jehovha, ndicho chandinotsvaka: kuti ndigare mumba maJehovha mazuva ose oupenyu hwangu, kuti nditarire kunaka kwaJehovha uye ndimutsvake mutemberi yake.
5 Wɔ hia ɛda mu no ɔde me sie nʼatenaeɛ; ɔkora me wɔ Ahyiaeɛ Ntomadan mu. Ɔde me si ɔbotan so wɔ ɔsorosoro.
Nokuti zuva rokutambudzika achandichengeta zvakanaka munzvimbo yaanogara; achandiviga mudumba retabhenakeri yake, agondikwidza pamusoro pedombo.
6 Afei ɔbɛma me tiri so wɔ atamfoɔ a wɔatwa me ho ahyia no so; mede anigyeɛ bɛbɔ afɔdeɛ wɔ nʼAhyiaeɛ Ntomadan mu; na mɛto dwom, ahyehyɛ nnwom ama Awurade.
Ipapo musoro wangu uchasimudzirwa pamusoro pavavengi vakandipoteredza; ndichamubayira zvibayiro patabhenakeri yake nomufaro mukuru; ndichaimba ndigoimbira Jehovha nziyo.
7 Ao, Awurade, sɛ mesu frɛ wo a, tie me! Hu me mmɔbɔ na gye me so!
Inzwai inzwi rangu kana ndichidana, imi Jehovha; ndinzwirei ngoni mugondipindura.
8 Mʼakoma ka wɔ wo ho sɛ, “Hwehwɛ nʼanim!” Wʼanim, Ao Awurade na mɛhwehwɛ.
Mwoyo wangu unoti kwandiri, “Tsvaka chiso chake!” Chiso chenyu, Jehovha, ndichachitsvaka.
9 Mfa wʼanim nhinta me, mfa abufuo mpamo wo ɔsomfoɔ me ɔboafoɔ ne wo. Mpo me na nnya me, Ao me Nkwagyeɛ Onyankopɔn.
Regai kundivanzira chiso chenyu, musadzinga muranda wenyu mukutsamwa; makanga muri mubatsiri wangu. Regai kundiramba kana kundisiya, imi Mwari Muponesi wangu.
10 Mʼagya ne me maame bɛgya me hɔ deɛ, nanso Awurade bɛgye me.
Kunyange baba vangu namai vangu vakandisiya, Jehovha achandigamuchira.
11 Kyerɛ me wʼakwan, Ao Awurade; fa me fa ɛkwan tee so, me nhyɛsofoɔ enti.
Ndidzidzisei nzira yenyu, imi Jehovha; ndisesedzei munzira yakarurama nokuda kwavamanikidzi vangu.
12 Nnyaa me mma sɛdeɛ mʼatamfoɔ pɛ, adansekurumfoɔ sɔre tia me na wɔpu awurukasɛm.
Regai kundisundira kuzvido zvavavengi vangu, nokuti zvapupu zvenhema zvinondimukira, vachifemedzeka nehasha.
13 Meda so wɔ saa anidasoɔ yi sɛ: mɛhunu Awurade ayamyɛ wɔ ateasefoɔ asase so.
Ndichine chokwadi neizvi zvokuti: ndichaona kunaka kwaJehovha munyika yavapenyu.
14 Twɛn Awurade. Hyɛ wo ho den na ma wo bo nyɛ duru na twɛn Awurade.
Rindira Jehovha; iva nesimba, utsunge mwoyo ugomirira Jehovha.