< 1 Berɛsosɛm 6 >

1 Na Lewi mmammarima yɛ: Gerson, Kohat ne Merari.
Vanakomana vaRevhi vaiva Gerishoni, Kohati naMerari.
2 Na Kohat asefoɔ nso yɛ: Amram, Ishar, Hebron ne Usiel.
Vanakomana vaKohati vaiva: Amiramu, Izhari, Hebhuroni naUzieri.
3 Na Amram mma yɛ: Aaron, Mose ne Miriam. Na Aaron mmammarima yɛ: Nadab, Abihu, Eleasa ne Itamar.
Vana vaAmiramu vaiva: Aroni, Mozisi naMiriamu. Vanakomana vaAroni vaiva: Nadhabhi, Abhihu, Ereazari naItamari.
4 Eleasa woo Pinehas. Pinehas woo Abisua.
Ereazari aiva baba vaFinehasi, Finehasi baba vaAbhishua,
5 Abisua woo Buki, na Buki woo Usi,
Abhishua baba vaBhuki, Bhuki baba vaUzi,
6 Usi woo Serahia, Serahia woo Meraiot,
Uzi baba vaZerahia, Zerahia baba vaMerayoti,
7 Meraiot woo Amaria, na Amaria woo Ahitub,
Merayoti baba vaAmaria, Amaria baba vaAhitubhi,
8 Ahitub woo Sadok, na Sadok woo Ahimaas,
Ahitubhi baba vaZadhoki, Zadhoki baba vaAhimaazi,
9 Ahimaas woo Asaria, Asaria woo Yohanan,
Ahimaazi baba vaAzaria, Azaria baba vaJohanani,
10 Yohanan woo Asaria, a ɔno na na ɔyɛ ɔsɔfopanin wɔ asɔredan a Salomo sii wɔ Yerusalem no mu.
Johanani baba vaAzaria. (Ndiye aibata basa somuprista mutemberi yakavakwa naSoromoni muJerusarema.)
11 Asaria woo Amaria, Amaria woo Ahitub,
Azaria baba vaAmaria, Amaria baba vaAhitubhi.
12 Ahitub woo Sadok, Sadok woo Salum,
Ahitubhi baba vaZadhoki, Zadhoki baba vaSharumi,
13 Salum woo Hilkia, Hilkia woo Asaria.
Sharumi baba vaHirikia, Hirikia baba vaAzaria,
14 Asaria woo Seraia, Seraia woo Yehosadak.
Azaria baba vaSeraya uye Seraya baba vaJehozadhaki.
15 Wɔtwaa Yehosadak asuo ɛberɛ a Awurade de Yudafoɔ ne Yerusalemfoɔ kɔɔ nnommum mu a na wɔhyɛ Nebukadnessar ase no.
(Jehozadhaki akadzingwa Jehovha paakaendesa Judha neJerusarema kuutapwa noruoko rwaNebhukadhinezari.)
16 Na Lewi mmammarima din de: Gersom, Kohat ne Merari.
Vanakomana vaRevhi vaiva: Gerishoni, Kohati naMerari.
17 Na Libni ne Simei ka Gerson asefoɔ ho.
Aya ndiwo mazita avanakomana vaGerishoni: Ribhini naShimei.
18 Na Amram, Ishar, Hebron ne Usiel ka Kohat asefoɔ no ho.
Vanakomana vaKohati vaiva: Amiramu, Izhari, Hebhuroni naUzieri.
19 Na Mahli ne Musi ka Merari asefoɔ no ho. Yeinom ne Lewifoɔ mmusua sɛdeɛ wɔn mpanimfoɔ nnidisoɔ teɛ.
Vanakomana vaMerari vaiva: Mairi naMushi. Idzi ndidzo dzimba dzavaRevhi dzakanyorwa maererano namazita amadzibaba avo:
20 Na Gerson asefoɔ yɛ: Libni, Yahat, Sima,
VaGerishoni: Ribhini mwanakomana wake, Jehati mwanakomana wake naZima mwanakomana wake,
21 Yoa, Ido, Serah ne Yeaterai.
Joa mwanakomana wake Idho mwanakomana wake, Zera mwanakomana wake naJeaterai mwanakomana wake.
22 Na Kohat asefoɔ ne Aminadab, Kora, Asir,
Zvizvarwa zvaKohati zvaiva: Aminadhabhi mwanakomana wake, Kora mwanakomana wake, Asiri mwanakomana wake,
23 Elkana, Ebiasaf, Asir,
Erikana mwanakomana wake, naEbhiasafi mwanakomana wake, Asiri mwanakomana wake,
24 Tahat, Uriel, Usia ne Saulo.
naTahati mwanakomana wake, Urieri mwanakomana wake, Uzia mwanakomana wake naShauri mwanakomana wake.
25 Na Elkana asefoɔ ne: Amasai, Ahimot,
Zvizvarwa zvaErikana zvaiva: Amasai, Ahimoti,
26 Sofai, Nahat,
Erikana mwanakomana wake, Zofai mwanakomana wake, naNahati mwanakomana wake,
27 Eliab, Yeroham, Elkana ne Samuel.
naEriabhi mwanakomana wake, Jerohamu mwanakomana wake, naErikana mwanakomana wake, naSamueri mwanakomana wake,
28 Na Samuel mmammarima din ne: Yoɛl a ɔyɛ ɔpanin ne Abiya a ɔtɔ so mmienu no.
Vanakomana vaSamueri vaiva: Joere dangwe rake naAbhija mwanakomana wake wechipiri.
29 Na Merari mma ne: Mahli, Libni, Simei, Usa,
Zvizvarwa zvaMerari zvaiva: Mari, Ribhini mwanakomana wake, Shimei mwanakomana wake, Uza mwanakomana wake,
30 Simea, Hagia ne Asaia.
Shimea mwanakomana wake, Hagia mwanakomana wake naAsaya mwanakomana wake.
31 Dawid maa saa nnipa a wɔn din didi soɔ yi dii Awurade fie nnwom anim, ɛberɛ a wɔde Apam Adaka no sii hɔ no.
Ava ndivo varume vakagadzwa naDhavhidhi kuti vafambise basa rokuimba muimba yaJehovha mushure mokunge areka yawana pokuzorora imomo.
32 Wɔde nnwom kaa wɔn som ho wɔ Ahyiaeɛ Ntomadan no mu hɔ, kɔsii sɛ Salomo sii Awurade asɔredan no wɔ Yerusalem. Afei, wɔnam mmara a wɔde maa wɔn so dii wɔn dwuma wɔ hɔ.
Vaishumira uye vaiimba pamberi petabhenakeri, muTende Rokusangana, kusvikira Soromoni avaka temberi yaJehovha muJerusarema. Vaibata basa ravo maererano nemitemo yavakanga vakadzikirwa.
33 Saa mmarima yi na wɔne wɔn mma somm wɔ hɔ no. Heman, dwom ho nimdefoɔ no, na ɔfiri Kohat abusua mu. Wɔto nʼabusuadua ana firi Yoɛl, Samuel,
Ava ndivo varume vaibata basa pamwe chete navanakomana vavo: kubva kuvaKohati: Hemani muimbi, mwanakomana waJoere, mwanakomana waSamueri,
34 Elkana, Yeroham, Eliel, Yoa,
mwanakomana waErikana, mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waErieri, mwanakomana waToa,
35 Suf, Elkana, Mahat, Amasai,
mwanakomana waZufi, mwanakomana waErikana, mwanakomana waMahati, mwanakomana waAmasai,
36 Elkana, Yoɛl, Asaria, Sefania,
mwanakomana waErikana, mwanakomana waJoere, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waZefania,
37 Tahat, Asir, Ebiasaf, Kora,
mwanakomana waTahati, mwanakomana waAsiri, mwanakomana waEbhiasafi; mwanakomana waKora,
38 Ishar, Kohat, Lewi ne Israel ase;
mwanakomana waIzhari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi mwanakomana waIsraeri.
39 Herman abadiakyire a ɔdi ɛkan no din de Asaf, a na ɔfiri Gerson abusua mu. Wɔto Asaf abusuadua ana firi Berekia, Simea,
Uye mubatsiri waHemani pabasa ainzi Asafi akanga amire kurudyi rwake: Asafi mwanakomana waBherekia mwanakomana waShimea,
40 Mikael, Baaseia, Malkia,
mwanakomana waMikaeri, mwanakomana Bhaaseya, mwanakomana waMarikia,
41 Etni, Serah, Adaia,
mwanakomana waEtini, mwanakomana waZera, mwanakomana waAdhaya,
42 Etan, Sima, Simei,
mwanakomana waEtani, mwanakomana waZima, mwanakomana waShimei,
43 Yahat, Gersom ne Lewi ase.
mwanakomana waJahati, mwanakomana waGerishoni, mwanakomana waRevhi;
44 Herman abadiakyire a ɔtɔ so mmienu no din de Etan, a na ɔfiri Merari abusua mu. Wɔto Etan abusuadua ana firi Kisi, Abdi, Maluk,
uye kubva kuvabatsiri vavo, vaMerari, kuruboshwe rwake, vaiva: Etani mwanakomana waKishi, mwanakomana waAbhidhi, mwanakomana waMaruki,
45 Hasabia, Amasia, Hilkia,
mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waAmazia, mwanakomana waHirikia,
46 Amsi, Bani, Semer,
mwanakomana waAmuzi, mwanakomana waBhani, mwanakomana waShemeri,
47 Mahli, Musi, Merari ne Lewi ase.
mwanakomana waMari, mwanakomana waMushi, mwanakomana waMerari, mwanakomana waRevhi.
48 Na wɔn abusuafoɔ a wɔyɛ Lewifoɔ no nso, wɔmaa wɔn dwuma ahodoɔ bi dii wɔ Ahyiaeɛ Ntomadan a ɛyɛ Onyankopɔn fie no mu.
Vamwe vavo vaRevhi vakapiwa mamwe mabasa ose omutabhenakeri, imba yaMwari.
49 Aaron ne nʼasefoɔ nko na wɔsom sɛ asɔfoɔ. Na wɔde afɔrebɔdeɛ gu ɔhyeɛ afɔrebukyia ne ohwam afɔrebukyia so, na wɔdi dwuma biara a ɛfa kronkron mu kronkron hɔ ho. Wɔnam mmara a Onyankopɔn ɔsomfoɔ Mose de maa wɔn no so yɛɛ mpatadeɛ maa Israel.
Asi Aroni nezvizvarwa zvake ndivo vaiisa zvipiriso paaritari yezvipiriso zvinopiswa uye nepaaritari yezvinonhuhwira maererano nezvose zvaiitwa paNzvimbo Tsvene-tsvene, vachiyananisira Israeri maererano nezvose zvakanga zvarayirwa Mozisi muranda waMwari.
50 Na Aaron asefoɔ yɛ: Eleasa, Pinehas, Abisua,
Izvi ndizvo zvizvarwa zvaAroni: Ereazari mwanakomana wake, Finehasi mwanakomana wake, Abhishua mwanakomana wake
51 Buki, Usi, Serahia,
Bhuki mwanakomana wake, Uzi mwanakomana wake naZerahia mwanakomana wake,
52 Meraiot, Amaria, Ahitub,
Merayoti mwanakomana wake, Amaria mwanakomana wake, Ahitubhi mwanakomana wake,
53 Sadok ne Ahimaas.
Zadhoki mwanakomana wake naAhimaazi mwanakomana wake.
54 Yei ne abakɔsɛm a ɛfa nkuro ne asase a wɔnam ntontobɔ kronkron so de maa Aaron ne nʼasefoɔ a wɔfiri Kohat abusua mu no.
Idzi ndidzo dzakanga dziri nzvimbo dzavo dzavakagoverwa dzokugara senyika yavo (dzakapiwa kuzvizvarwa zvaAroni, avo vaibva kuimba yaKohati, nokuti mugove wokutanga wakanga uri wavo).
55 Na Hebron ne mmoa adidibea nsase a atwa ho ahyia wɔ Yuda no ka ho.
Vakapiwa Hebhuroni iri muJudha namafuro ose akaipoteredza.
56 Nanso, kuro no ho mfuo ne ɛho nkuraa no deɛ, wɔde maa Yefune babarima Kaleb.
Asi minda nemisha yose yakapoteredza guta iri yakapiwa kuna Karebhu mwanakomana waJefune.
57 Enti, saa nkuro yi a mmoa adidibea atwa ebiara ho ahyia na wɔde maa Aaron asefoɔ: Hebron a ɛyɛ dwanekɔbea kuro, Libna, Yatir, Estemoa,
Saka zvizvarwa zvaAroni zvakapiwa Hebhuroni (Guta routiziro) uye Ribhina, Jatiri, Eshitemoa,
58 Hilen, Debir,
Hireni, Dhebhiri,
59 Asan, Yuta ne Bet-Semes.
Ashani, Juta, Bheti Shemeshi pamwe chete namafuro awo.
60 Na wɔmaa wɔn Gibeon, Geba, Alemet ne Anatot firii Benyamin asase mu a mmoa adidibea ka emu biara ho. Enti, nkurotoɔ dumiɛnsa na wɔde maa Aaron asefoɔ.
Uye kubva kurudzi rwaBhenjamini vakapiwa Gibheoni, Gebha Aremeti neAnatoti pamwe chete namafuro awo. Maguta aya, akagoverwa pakati pedzimba dzavaKohati akanga ari gumi namatatu pamwe chete.
61 Na Kohat asefoɔ a wɔkaeɛ no nso, wɔnyaa nkurotoɔ edu a wɔnam ntontobɔ kronkron so firii Manase abusua fa no asase so.
Zvimwe zvizvarwa zvaKohati zvakagoverwa maguta gumi kubva kudzimba dzorudzi rwehafu rwaManase.
62 Gerson asefoɔ nam ntontobɔ kronkron so nyaa nkurotoɔ dumiɛnsa firii Isakar, Aser ne Naftali nsase so. Wɔnyaa bi nso firii Basan pɔ mu a ɛyɛ Manase dea, a ɛwɔ Yordan apueeɛ fam no.
Zvizvarwa zvaGerishoni mhuri nemhuri zvakagoverwawo maguta gumi namatatu kubva kumarudzi aIsakari, Asheri naNafutari uye nokubva kuchikamu chorudzi rwaManase chiri muBhashani.
63 Merari asefoɔ nam ntontobɔ kronkron so, nyaa nkurotoɔ dumienu firii Ruben, Gad ne Sebulon nsase so.
Zvizvarwa zvaMerari, mhuri nemhuri zvakagoverwa maguta gumi namaviri kubva kumarudzi aRubheni, Gadhi naZebhuruni.
64 Enti, Israelfoɔ de saa nkuro yi ne mmoa adidibea yi nyinaa maa Lewifoɔ.
Saka vaIsraeri vakapa vaRevhi maguta aya namafuro awo.
65 Wɔnam ntontobɔ kronkron so na wɔde nkuro a ɛwowɔ Yuda, Simeon ne Benyamin nsase so maeɛ sɛdeɛ wɔaka dada no.
Kubva kurudzi rwaJudha, rwaSimeoni norwaBhenjamini vakagoverwa maguta ayo akanga arehwa namazita.
66 Saa nkurotoɔ yi ne ɛho mmoa adidibea na Kohat asefoɔ nya firii Efraim asase so:
Vamwe vedzimba dzaKohati vakapiwa kuti ive nyika yavo, maguta kubva kurudzi rwaEfuremu.
67 Sekem a ɛyɛ dwanekɔbea kuro a ɛwɔ Efraim bepɔ asase no so, Geser,
Munyika yamakomo yaEfuremu vakapiwa Shekemu (guta routiziro) neGezeri,
68 Yokmeam, Bet-Horon,
neJokimeami, neBheti Horoni,
69 Ayalon ne Gat-Rimon.
Aijaroni, neGati Rimoni pamwe chete namafuro awo.
70 Kohat asefoɔ nkaeɛ no, wɔde saa nkurotoɔ a ɛfiri Manase abusua fa no mu na ɛmaa wɔn: Aner ne Bileam a emu biara mmoa adidibea ka ho.
Uye kubva kuhafu yorudzi rwaManase vaIsraeri vakapawo Aneri neBhireamu pamwe chete namafuro awo kuvaKohati vakanga vasara.
71 Gerson asefoɔ nyaa kuro a wɔfrɛ no Golan a ɛwɔ Basan no firii Manase abusua fa asase so a Astarot ka ho, a ne nyinaa mmoa adidibea da ho.
VaGerishoni vakagamuchirawo zvinotevera: Kubva kuimba yehafu yorudzi rwaManase vakagamuchira Gorani muBhashani neAshitarotiwo pamwe chete namafuro awo;
72 Isakar asase so nso, wɔmaa wɔn Kedes, Daberat,
kubva kurudzi rwaIsakari vakagamuchira Kedheshi neDhabherati,
73 Ramot ne Anem a wɔn mmoa adidibea ka ho.
Ramoti, neAnemi, pamwe chete namafuro awo;
74 Aser asase so, wɔnyaa Masal, Abdon,
kubva kurudzi rwaAsheri vakagamuchira Mashari, neAbhidhoni,
75 Hukok ne Rehob a na emu biara mmoa adidibea ka ho.
Hukoki neRehobhi pamwe chete namafuro awo;
76 Naftali asase so, wɔde Kedes a ɛwɔ Galilea, Hamon ne Kiriataim maa wɔn, a na mmoa adidibea ka emu biara ho.
uye kubva kurudzi rwaNafutari vakagamuchira Kedheshi muGarirea, neHamoni neKiriataimi pamwe chete namafuro awo.
77 Merari asefoɔ nkaeɛ no nyaa Yokneam, Karta, Rimon ne Tabor nkuro firi Sebulon asase so, a na mmoa adidibea ka ebiara ho.
VaMerari (vaRevhi vose vakanga vasara) vakagamuchira zvinotevera: Kubva kurudzi rwaZebhuruni vakagamuchira Jokineami, Karita Rimono, neTabhori pamwe chete namafuro awo;
78 Ruben asase a ɛda Asubɔnten Yordan apueeɛ fam a ɛne Yeriko di nhwɛanim no nso, wɔnyaa Beser a ɛyɛ anweatam kuro, Yahas,
kubva kurudzi rwaRubheni mhiri kworwizi Jorodhani kumabvazuva kweJeriko vakagamuchirwawo Bhezeri murenje, Jaza,
79 Kedemot ne Mefaat a mmoa adidibea ka emu biara ho.
Kedhemoti neMefaati pamwe chete namafuro awo;
80 Na Gad asase so nso, wɔnyaa Ramot a ɛwɔ Gilead, Mahanaim,
uye kubva kurudzi rwaGadhi vakagamuchira Ramoti muGireadhi, Mahanaimi,
81 Hesbon ne Yaser a mmoa adidibea ka ebiara ho.
Heshibhoni neJazeri pamwe chete namafuro awo.

< 1 Berɛsosɛm 6 >