< 1 Berɛsosɛm 2 >

1 Israel mmammarima yɛ Ruben, Simeon, Lewi, Yuda, Isakar, Sebulon,
Ava ndivo vaiva vanakomana vaIsraeri: Rubheni, Simeoni, Revhi, Judha, Isakari, Zebhuruni,
2 Dan, Yosef, Benyamin, Naftali, Gad ne Aser.
Dhani, Josefa, Bhenjamini, Nafutari, Gadhi naAsheri.
3 Yuda ne Kanaanni baa Bat-Sua woo mmammarima baasa. Na wɔn din de Er, Onan ne Sela. Nanso, na abakan Er no yɛ omumuyɛfoɔ enti, Awurade kumm no.
Vanakomana vaJudha vaiva: Eri, Onani naShera. Vatatu ava akavaberekerwa nomudzimai wechiKenani, mwanasikana waShua. Eri dangwe raJudha, akanga akaipa pamberi paJehovha. Saka Jehovha akamuuraya.
4 Akyire no, Yuda ne nʼase kunafoɔ Tamar woo ntafoɔ. Na wɔn din de Peres ne Serah. Enti Yuda woo mmammarima baanum.
Tamari muroora waJudha akamuberekera Perezi naZera. Judha aiva navanakomana vashanu vose pamwe chete.
5 Na Peres mmammarima din de Hesron ne Hamul.
Vanakomana vaPerezi vaiva: Hezironi naHamuri.
6 Serah mmammarima din de Simri, Etan, Heman, Kalkol ne Dara; wɔyɛ enum.
Vanakomana vaZera vaiva: Zimuri, Etani, Hemani, Karikori naDharidha; vose vaiva vashanu.
7 Akar a ɔyɛ Karmi babarima ne Serah asefoɔ no mu baako nam fa a ɔfaa asadeɛ a wɔgya maa Awurade no so, de amanehunu baa Israelfoɔ so.
Mwanakomana waKarimi aiva: Akari, uyo akauyisa matambudziko pamusoro peIsraeri nokutyora murayiro wokusatora zvinhu zvakaereswa.
8 Na Etan babarima ne Asaria.
Mwanakomana waEtani ainzi Azaria.
9 Hesron mmammarima edin de Yerahmeel, Ram ne Kaleb.
Vanakomana vaHezironi vaiva: Jerameeri, Rami naKarebhu.
10 Ram yɛ Aminadab agya. Aminadab yɛ Nahson a na ɔyɛ Yuda ntuanoni no agya.
Rami aiva baba vaAminadhabhi, uye Aminadhabhi aiva baba vaNahashoni mutungamiri wavanhu veJudha.
11 Nahson yɛ Salma agya. Na Salma nso yɛ Boas agya.
Nahashoni aiva baba vaSarimoni, Sarimoni ari baba vaBhoazi,
12 Boas yɛ Obed agya. Obed yɛ Yisai agya.
Bhoazi aiva baba vaObhedhi uye Obhedhi aiva baba vaJese.
13 Yisai abakan yɛ Eliab. Deɛ ɔtɔ so mmienu yɛ Abinadab ɛnna deɛ ɔtɔ so mmiɛnsa yɛ Simea.
Jese aiva baba vaEriabhi dangwe rake; mwanakomana wake wechipiri ainzi Abhinadhabhi, wechitatu ainzi Shimea,
14 Na deɛ ɔtɔ so ɛnan yɛ Netanel ɛnna Radai tɔ so enum.
wechina ainzi Netaneri, wechishanu ainzi Radhai,
15 Ne babarima a ɔtɔ so nsia no din de Osem, na Dawid na na ɔtɔ so nson.
wechitanhatu ainzi Ozemi uye wechinomwe ainzi Dhavhidhi.
16 Na wɔn nuanom mmaa din de Seruia ne Abigail. Na Seruia woo mmammarima baasa a wɔn din yɛ Abisai, Yoab ne Asahel.
Hanzvadzi dzavo dzaiva Zeruya naAbhigairi. Vanakomana vatatu vaZeruya vaiva Abhishai, Joabhu naAsaheri.
17 Abigail waree ɔbarima bi a ne din de Yeter a ɔyɛ Ismaelni na wɔwoo ɔbabarima a wɔtoo no edin Amasa.
Abhigairi aiva amai vaAmasa, baba vaAmasa vainzi Jeteri muIshumaeri.
18 Na Hesron babarima Kaleb wɔ yerenom baanu a wɔne Asuba ne Yeriot. Na Asuba mmammarima edin de Yeser, Sobab ne Ardon.
Karebhu mwanakomana waHezironi akabereka vana nomudzimai wake Azubha (uye naJerioti). Ava ndivo vaiva vanakomana vake: Jesheri Shobhabhi naAridhoni.
19 Asuba owuo akyi no, Kaleb waree Efrata. Wɔwoo ɔbabarima too no edin Hur.
Azubha paakafa Karebhu akaroora Efurati uyo akamuberekera Huri.
20 Hur woo Uri. Uri nso woo Besaleel.
Huri aiva baba vaUri uye Uri aiva baba vaBhezareri.
21 Ɛberɛ a Hesron dii mfeɛ aduosia no, ɔwaree Gilead nuabaa a na ɔyɛ Makir babaa. Wɔwoo ɔbabarima too no edin Segub.
Shure kwaizvozvo, Hezironi akavata nomwanasikana waMakiri baba vaGireadhi; akanga amuwana paakanga ava namakore makumi matanhatu; akamuberekera Segubhi.
22 Segub woo Yair a ɔdii nkuro aduonu mmiɛnsa so wɔ Gilead asase so no.
Segubhi aiva baba vaJairi, uyo aitonga maguta makumi maviri namatatu muGireadhi.
23 (Akyire no, Gesur ne Aram gyee Yair nkuro, sane gyee Kenat ne ne nkuraa aduosia a atwa ho ahyia no nyinaa.) Na yeinom nyinaa yɛ Makir a ɔyɛ Gilead agya no asefoɔ.
(Asi Geshuri naAramu vakatapa Habhoti Jairi pamwe chete neKenati namaguta akaripoteredza, maguta makumi matanhatu.) Ava vose vaiva vorudzi rwaMakiri baba vaGireadhi.
24 Hesron wuu wɔ kuro Kaleb-Efrata mu no, ankyɛ na ne yere Abia woo ɔbabarima a wɔtoo no edin Asur (Tekoa agya).
Mushure mokunge Hezironi afira muKarebhu Efurata, Abhija mudzimai waHezironi akamuberekera Ashuri baba vaTekoa.
25 Hesron abakan Yerahmeel mmammarima a ɔwoo wɔn no edin yɛ Ram (abakan), Buna, Oren, Osem ne Ahiya.
Vanakomana vaJerameeri dangwe raHezironi vaiva: Rami dangwe rake, Bhuna, Oreni, Ozemi naAhija.
26 Yerahmeel wɔ yere a ɔtɔ so mmienu a wɔfrɛ no Atara, na ɔno na ɔwoo Onam.
Jerameeri akanga ane mumwe mukadzi, zita rake rainzi Atara. Akanga ari amai vaOnami.
27 Ram a ɔyɛ Yerahmeel abakan no mmammarima yɛ Maas, Yamin ne Eker.
Vanakomana vaRamu dangwe raJerameeri vaiva: Maazi, Jamini naEkeri.
28 Onam mmammarima yɛ Samai ne Yada. Na Samai mmammarima yɛ Nadab ne Abisur.
Vanakomana vaOnami vaiva: Shamai naJadha. Vanakomana vaShamai vaiva: Nadhabhi naAbhishuri.
29 Na Abisur ne ne yere Abihail mmammarima yɛ Ahban ne Molid.
Mukadzi waAbhishuri ainzi Abhihairi akamuberekera Abhani naMoridhi.
30 Na Nadab mmammarima yɛ Seled ne Apaim. Seled wuiɛ a wanwo mma;
Vanakomana vaNadhabhi vaiva: Seredhi naApaimi. Seredhi akafa asina vana.
31 na Apaim deɛ, ɔwoo ɔbabarima a wɔfrɛ no Yisi. Na Yisi woo Sesan. Na Sesan nyaa nʼaseni bi a wɔfrɛ no Ahlai.
Mwanakomana waApaimi ainzi Ishi uyo aiva baba vaSheshani. Sheshani aiva baba vaArai.
32 Na Samai nuabarima Yada woo Yeter ne Yonatan. Na Yeter wuiɛ a wanwo ba biara,
Vanakomana vaJadha, mununʼuna waShamai vaiva: Jeteri naJonatani. Jeteri akafa asina vana.
33 nanso Yonatan woo mmammarima baanu a na wɔfrɛ wɔn Pelet ne Sasa. Na yeinom nyinaa yɛ Yerahmeel asefoɔ.
Vanakomana vaJonatani vaiva: Pereti naZaza. Ava ndivo vaiva zvizvarwa zvaJerameeri.
34 Na Sesan annya mmammarima, ɔnyaa mmammaa. Na ɔwɔ Misraimni ɔsomfoɔ bi a ne din de Yarha.
Sheshani aiva asina vanakomana, aiva navanasikana chete. Aiva nomuranda wechiIjipita ainzi Jara.
35 Sesan de ne mmammaa no mu baako maa Yarha awadeɛ na wɔwoo ɔbabarima too no edin Atai.
Sheshani akapa mwanasikana wake kuti ave mukadzi womuranda wake. Jara akamuberekera Atai.
36 Atai woo Natan na Natan woo Sabad.
Atai aiva baba vaNatani, Natani aiva baba vaZabhadhi,
37 Sabad woo Efial. Efial woo Obed.
Zabhadhi baba vaEfirari, Efirari baba vaObedhi,
38 Obed woo Yehu na Yehu woo Asaria.
Obhedhi baba vaJehu, Jehu baba vaAzaria,
39 Asaria woo Heles. Heles woo Eleasa.
Azaria baba vaHerezi, Herezi baba vaEreasa,
40 Eleasa woo Sisemai na Sisemai woo Salum.
Ereasa baba vaSisimai, Sisimai baba vaSharumi,
41 Salum woo Yekamia, na Yekamia woo Elisama.
Sharumi baba vaJekamia, uye Jekamia aiva baba vaErishama.
42 Yerahmeel nua Kaleb babarima piesie ne Mesa a ɔyɛ Sif agya. Na Kaleb babarima a ɔtɔ so mmienu din de Maresa a ɔyɛ Hebron agya.
Vanakomana vaKarebhu mununʼuna waJerameeri vaiva: Mesha dangwe rake, uyo aiva baba vaZifi uye nomwanakomana wake Maresha, uyo aiva baba vaHebhuroni.
43 Na Hebron mmammarima yɛ Kora, Tapua, Rekem ne Sema.
Vanakomana vaHebhuroni vaiva: Kora, Tapuwa, Rekemu naShema.
44 Na Sema woo Raham. Raham woo Yorkeam. Na Rekem woo Samai.
Shema aiva baba vaRahamu, uye Rahamu baba vaJorikeami. Rekemu aiva baba vaShamai.
45 Na Samai woo Maon. Maon woo Bet-Sur.
Mwanakomana waShamai ainzi Maoni, uye Maoni aiva baba vaBheti Zuri.
46 Na Kaleb mpena Efa woo Haran, Mosa ne Gases. Na Haran woo Gases.
Mumwe murongo waKarebhu ainzi Efa ndiye aiva amai vaHarani, Moza naGazezi. Harani aiva baba vaGazezi.
47 Na Yahdai mmammarima yɛ Regem, Yotam, Gesan, Pelet, Efa ne Saaf.
Vanakomana vaJadhai vaiva: Regemu, Jotamu, Geshani, Pereti, Efa naShaafi.
48 Kaleb mpena foforɔ bi a wɔfrɛ no Maaka woo Seber ne Tirhana.
Mumwe murongo waKarebhu ainzi Maaka ndiye aiva amai vaShebheri naTirana.
49 Ɔsane woo Saaf a na ɔyɛ Madmana agya ne Sewa a na ɔyɛ Makbena ne Gibea agya. Na Kaleb woo ɔbabaa a ne din de Aksa.
Akaberekawo Shaafi baba vaMadhimana naShevha baba vaMakibhena naGibhea. Mwanasikana waKarebhu ainzi Akisa.
50 Yeinom nyinaa yɛ Kaleb asefoɔ. Kaleb yere Efrata abakan Hur mmammarima yɛ Sobal a ɔyɛ Kiriat-Yearim agya
Izvi ndizvo zvizvarwa zvaKarebhu. Vanakomana vaHuri dangwe raEfurata: Shobhari baba vaKiriati Jearimi,
51 Salma a ɔyɛ Betlehem agya ne Haref a ɔyɛ Bet-Gader agya.
Sarima baba vaBheterehema, naHarefi baba vaBheti Gadheri.
52 Sobal a ɔyɛ Kiriat-Yearim agya no mmammarima yɛ Haroe a ne fa yɛ Manahatini
Zvizvarwa zvaShobhari baba vaKiriati Jearimi zvaiva: Haroe, hafu yavaManahati,
53 na ne fa a aka no firi Kiriat-Yearim mmusua mu. Sobal asefoɔ a wɔka ho ne Yitrifoɔ, Putifoɔ, Sumatifoɔ ne Misraimfoɔ. Wɔn mu na Sorafoɔ ne Estaolfoɔ firie.
uye dzimba dzaKiriati Jearimi dzaiva: vaItiri, vaPuti, vaShumati navaMishirai. Kuna ivava kwakabva vaZorati navaEshitaori.
54 Salma asefoɔ yɛ Betlehem, Netofafoɔ, Atrot-Bet-Yoabfoɔ, Manahatfoɔ fa bi, Sorifoɔ,
Zvizvarwa zvaSarima zvaiva: Bheterehema, vaNetofati, Atiroti Bheti Joabhu, hafu yavaManahati, vaZori,
55 ne atwerɛfoɔ mmusua a wɔte Yabes no, Tirafoɔ, Simeafoɔ ne Sukatfoɔ. Yeinom nyinaa yɛ Kenifoɔ, Hamat a ɔyɛ Rekab agya no asefoɔ.
uye dzimba dzavanyori vaigara paJabhezi dzaiva: vaTirati, vaShimeati navaSukati. Ava ndivo vaKeni vakabva kuna Hamati baba veimba yaRekabhi.

< 1 Berɛsosɛm 2 >