< Nnwom 36 >
1 Awurade somfo Dawid dwom. Nkɔmhyɛ bi wɔ me koma mu a efi Onyankopɔn hɔ a ɛfa omumɔyɛfo mmarato ho. Onyankopɔn suro nni wɔn ani so.
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi muranda waJehovha. Shoko riri mumwoyo mangu pamusoro pokutadza kweakaipa rinoti: Hakuna kutya Mwari pamberi pake.
2 Na ɔno ankasa ani so no ɔdaadaa no ho dodo, nti ɛmma onhu ne bɔne nnyae yɛ.
Pamaonero ake anozvirumbidza, nokuti anozvibata kumeso kwazvo pakuona kwake, zvokuti anotadza kuona kana kuvenga chivi chake.
3 Nʼanom nsɛm yɛ atirimɔden ne nnaadaa; onnim nyansa bio na wayɛ papa.
Mashoko omuromo wake akaipa uye anonyengera; haachisiri munhu akachenjera kana anoita zvakanaka.
4 Ɔda ne mpa so mpo a ɔbɔ pɔw bɔne; na ogyaa ne ho ma bɔne kwan na ɔmpo nea enye.
Kunyange panhoo yake anofunga zvakaipa; anozvifambisa panzira yezvakaipa uye haarambi chakaipa.
5 Awurade, wʼadɔe du ɔsorosoro wo nokwaredi du wim tɔnn.
Rudo rwenyu, imi Jehovha, runosvika kudenga denga, kutendeka kwenyu kunosvika kumakore.
6 Wo trenee te sɛ mmepɔw akɛse. Wʼatɛntrenee mu dɔ sɛ po bun. Ao Awurade, wokora nnipa ne mmoa nyinaa so.
Kururama kwenyu kwakaita segomo guru guru, kururamisira kwenyu sepakadzika dzika. Haiwa Jehovha, imi munochengetedza zvose munhu nemhuka.
7 Wʼadɔe a ɛnsa da no som bo! Nnipa mu akɛse ne nketewa nya guankɔbea wɔ wo ntaban nwini ase.
Haiwa rudo rwenyu rusingatongoperi runokosha sei! Vose vakuru navaduku pakati pavanhu vanovanda mumumvuri wamapapiro enyu.
8 Wodi nea abu so wɔ wo fi, woma wɔnom fi wʼanika asuten no mu.
Vanogutswa nezvakawanda zvomumba menyu; munovanwisa kubva parwizi rwenyu runofadza.
9 Wo nkyɛn na nkwa asuti wɔ; wo hann mu na yehu hann.
Nokuti kwamuri ndiko kune chitubu choupenyu; muchiedza chenyu tinoona chiedza.
10 Kɔ so dɔ wɔn a wonim wo, ma wo trenee ntena wɔn a wɔteɛ, koma mu.
Rambai muchiitira rudo kuna avo vanokuzivai, uye kururama kwenyu kuna vane mwoyo yakarurama.
11 Mma ɔhantanni nan ntia me anaa omumɔyɛfo nsa nnsunsum me.
Rutsoka rwounozvikudza ngarurege kusvika kwandiri, kunyange ruoko rweakaipa ngarurege kundidzingira kure.
12 Hwɛ sɛnea nnebɔneyɛfo ahwehwe ase, wɔdeda hɔ a wɔrentumi nsɔre bio.
Tarirai vaiti vezvakaipa kuti vawa sei, vakandwa pasi, havagoni kumuka.