< Mmebusɛm 31 >
1 Ɔhene Lemuel nsɛm a ɛyɛ nkuranhyɛ a ne na kyerɛɛ no:
Zvirevo zvaMambo Remueri, zvirevo zvaakadzidziswa namai vake:
2 Tie, me babarima! Tie, me yafunu ba, Tie, me bɔhyɛ ba, me mpaebɔ ho mmuae!
“Nhaiwe mwanakomana wangu, iwe mwanakomana wokubereka, iwe mwanakomana wemhiko dzangu,
3 Nsɛe wʼahoɔden wɔ mmea ho, wɔn a wogu ahemfo asu no.
usapedzera simba rako pavakadzi, nenzira dzako pane avo vanoparadza madzimambo.
4 Enye mma ahemfo, Lemuel, asanom nye mma ahemfo, ɛnsɛ sɛ sodifo pere bobesa ho;
“Hazvisi zvamadzimambo, nhaiwe Remueri, hazvina kufanira madzimambo kunwa waini, hazvina kufanira vatongi kukara doro,
5 sɛ wɔnom nsa a wɔn werɛ befi nea mmara no ka, na wɔn a wɔhyɛ wɔn so no rennya nea ɛyɛ wɔn kyɛfa.
nokuti vangazonwa vakakanganwa zvakatemwa nomurayiro, uye vakazotadza kururamisira kodzero dzavanomanikidzwa vose.
6 Fa bobesa ma wɔn a wɔresɛe, na fa nsa ma wɔn a wɔwɔ amanehunu mu;
Ipai doro kuna avo vari kuparara, newaini kuna avo vari mukurwadziwa:
7 Momma wɔnnom, na wɔn werɛ mfi wɔn hia, na wɔnnkae wɔn awerɛhow bio.
regai vanwe vakanganwe urombo hwavo, uye varege kuzorangarirazve kutambudzika kwavo.
8 Kasa ma wɔn a wontumi nkasa mma wɔn ho, kasa ma mmɔborɔfo yiyedi.
“Taurai pachinzvimbo chaavo vasingagoni kuzvitaurira, pamusoro pekodzero dzavose vanoshayiwa.
9 Kasa na bu atɛntrenee; kasa ma ahiafo ne onnibi yiyedi.
Taura utonge zvakanaka; udzivirire kodzero dzavarombo navanoshayiwa.”
10 Ɔyere pa, hena na obenya? Ɔsom bo pa ara sen nhene pa.
Mudzimai ane unhu hwakanaka ndiani angamuwana? Mutengo wake unopfuura nokure matombo anokosha emarubhi.
11 Ne kunu wɔ ne mu ahotoso pa ara, na biribiara a ɛwɔ bo nhia no.
Murume wake anovimba naye zvizere, uye haana chaanoshayiwa chinokosha.
12 Ɔde nea eye brɛ no, na ɛnyɛ ɔhaw, ne nkwanna nyinaa mu.
Anoitira murume wake zvakanaka, kwete zvakaipa, mazuva ose oupenyu hwake.
13 Ɔhwehwɛ oguannwi ne asaawa na ɔde ne nsa nwen wɔ fɛw so.
Anosarudza wuru neshinda uye anoshanda namaoko anoshingaira.
14 Ɔte sɛ aguadifo ahyɛn, ɔde ne nnuan fi akyirikyiri ba.
Akafanana nezvikepe zvavatengesi, anondotora zvokudya zvake kure.
15 Ade nnya nkyee no na wasɔre; osiesie aduan ma nʼabusuafo na ɔkyekyɛ nnwuma ma ne mmaawa.
Anomuka kuchakasviba; agotsvagira mhuri yake zvokudya uye agopa varandakadzi vake basa ravo.
16 Osusuw afuw ho na ɔtɔ; ofi nea onya mu yɛ bobeturo.
Anonanʼanidza munda agoutenga; anosima munda wemizambiringa nezvaakawana namaoko ake.
17 Ɔde nsi yɛ nʼadwuma; nʼabasa mu wɔ ahoɔden ma nʼadwuma.
Anoita basa rake nesimba; maoko ake akasimba kuti aite mabasa ake.
18 Ɔhwɛ sɛ nʼaguadi so wɔ mfaso, na ne kanea anum anadwo.
Anoona kuti kushambadzira kwake kunobatsira, uye mwenje wake haudzimi pausiku.
19 Daa, na ne nsa kura tadua mu a ne nsateaa nso retoatoa asaawa.
Muruoko rwake anobata chirukiso, uye anobata chirukwa neminwe yake.
20 Ogow ne nsam ma ahiafo na ne nsa so ohiani so.
Anotambanudzira maoko ake kuvarombo, uye anotandavadzira maoko ake kune vanoshayiwa.
21 Sɛ sukyerɛmma tɔ a ne yam nhyehye no wɔ ne fifo ho; efisɛ wɔn nyinaa wɔ adurade a wɔde ko awɔw.
Kana kwotonhora, haatyire mhuri yake; nokuti vose vakapfeka nguo dzinodziya.
22 Ɔyɛ ne mpasotam; na ofura nwera ne sirikyi ntama.
Anozvigadzirira zvokuwaridza panhoo yake; anozvipfekedza nguo yomucheka wakaisvonaka, uye nomucheka wepepuru.
23 Ne kunu wɔ anuonyam wɔ kuropɔn pon ano, faako a ɔne asase no so mpanyimfo tena.
Murume wake anoremekedzwa pasuo reguta, kana agere pakati pavakuru venyika.
24 Ɔpempam nwera ntade tontɔn, na otu nkyekyeremu ma aguadifo.
Mudzimai anoita nguo dzemicheka yakanaka agodzitengesa, uye anotengesera vanotengesa micheka yokumonera muhuro.
25 Ɔwɔ ahoɔden ne anuonyam; na onsuro nna a ɛwɔ nʼanim.
Simba nokukudzwa ndizvo nguo dzake; anofara akatarisana namazuva anouya.
26 Ɔkasa nyansa mu, na nokware nkyerɛkyerɛ wɔ ne tɛkrɛma so.
Anotaura nouchenjeri, uye kurayira kwakatendeka kuri parurimi rwake.
27 Ɔhwɛ ne fi mu nnwuma so na onnyigye anihaw so.
Anotarira zvakanaka mararamiro emhuri yake, uye haadyi zvokudya zvousimbe.
28 Ne mma sɔre a wɔfrɛ no nhyira; ne kunu nso saa ara, na ɔkamfo no se,
Vana vake vanosimuka vagomuti akaropafadzwa, murume wakewo, anomurumbidza:
29 “Mmea pii yɛ nneɛma a ɛwɔ din na wo de, wosen wɔn nyinaa.”
“Vakadzi vazhinji vanoita zvinhu zvakanaka, asi iwe unovakunda vose.”
30 Ɔbea kɔnnɔfo yɛ nnaadaa, na ahoɔfɛ twa mu ntɛm so; nanso ɔbea a osuro Awurade no fata nkamfo.
Zvinofadza zvinonyengera, uye runako ndorwenguva duku; asi mukadzi anotya Jehovha anofanira kurumbidzwa.
31 Fa abasobɔde a wanya no ma no, na wɔnkamfo ne nnwuma wɔ kuropɔn pon ano.
Mupeiwo mubayiro wake waakashandira, uye mabasa ake ngaamupe kurumbidzwa pasuo reguta.