< Atemmufo 20 >

1 Afei, Israelfo nyinaa; fi Dan kosi Beer-Seba ne Gilead asase so behyiaa wɔ Awurade anim sɛ nnipa baako wɔ Mispa.
Ipapo vaIsraeri vose kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha uye nokubva munyika yeGireadhi vakabuda somunhu mumwe chete vakaungana pamberi paJehovha muMizipa.
2 Nnipa no nyinaa ne Israel mmusuakuw no nyinaa ntuanofo, akofo mpem ahannan a wokurakura afoa kɔɔ Onyankopɔn mma guabɔ no ase.
Vatungamiriri vavanhu vose vamarudzi eIsraeri vakandomira panzvimbo dzavo paungano yavanhu vaMwari, zviuru zvamazana mana zvavarwi vakapakata minondo.
3 (Nkra duu Benyamin asase so sɛ Israelfo mmusuakuw a wɔaka no kɔ Mispa.) Israelfo no bisaa nea ɛyɛɛ a saa awudisɛm yi sii.
(VaBhenjamini vakanzwa kuti vaIsraeri vakanga vakwidza kuMizipa.) Ipapo vakati, “Dotiudzai kuti chinhu chakaipisisa kudai chakaitika sei?”
4 Enti Lewini a ɔyɛ ɔbea a wokum no no kunu no kae se, “Me ne me mpena baa Gibea a ɛwɔ Benyamin asase so bɛdaa hɔ.
Saka muRevhi, murume womukadzi akapondwa akati, “Ini nomurongo wangu takasvika paGibhea muBhenjamini kuti tindovatamo.
5 Anadwo no Gibea ntuanofo no mu bi betwaa ofi no ho hyiae, pɛɛ sɛ wokum me, na wɔtoo me mpena no mmonnaa ma owui.
Panguva dzousiku, varume veGibhea vakauya kwandiri vakakomba imba vachida kundiuraya. Vakabata murongo wangu chibharo, uye akafa.
6 Mefaa me mpena no twitwaa no asinasin de sin baako biara kɔɔ Israel mantam biara so. Efisɛ saa mmarima yi ayɛ atantanne ne aniwude wɔ Israel.
Ndakatora murongo wangu, ndikamugura-gura uye ndikatumira chidimbu chimwe chete kunharaunda imwe neimwe yenhaka yeIsraeri, nokuti ndivo vakaita chinhu ichi chinonyangadza uye nokuita kunonyadzisa muIsraeri.
7 Enti mprempren, ɛsɛ sɛ Israelfo nyinaa fa adwene wɔ eyi ho.”
Zvino, imi vaIsraeri mose, taurai uye mupe mutongo wenyu.”
8 Nnipa no nyinaa sɔre buae se, “Yɛn mu biara rensan nkɔ fie.
Vanhu vose vakasimuka somunhu mumwe chete vakati, “Hakuna mumwe wedu achaenda kumba. Kwete, hakuna mumwe wedu achadzokera kumba kwake.
9 Mmom, yɛbɛbɔ ntonto na yɛahu wɔn a wɔbɛkɔ akɔtow ahyɛ Gibea so.
Asi zvino izvi ndizvo zvatichaita kuGibhea: Tichakwidza kundorwa nayo sokuratidza kwomujenya.
10 Abusuakuw biara mu mmarima nkyɛmu du mu baako na wobeyi wɔn ama wɔama yɛn akofo no nnuan, na yɛn a yɛaka no nso atɔ Gibea so were wɔ animguasede a wɔayɛ wɔ Israel no.”
Tichatora varume gumi kubva muzana roga roga kubva kumarudzi ose eIsraeri, uye zana kubva muchiuru, uye chiuru kubva mugumi rezviuru, kuti vavigire varwi mbuva. Ipapo, hondo painosvika paGibhea muBhenjamini, ichavapa zvakavafanira zvouipi hwavo uhu hwakaitwa muIsraeri.”
11 Enti Israelfo nyinaa ano kɔɔ bɛnkoro boaa wɔn ho ano sɛ wɔbɛkɔ akɔtow ahyɛ kurow no so.
Saka varume vose veIsraeri vakaungana pamwe chete somunhu mumwe chete kuti vandorwisa guta.
12 Israelfo no somaa abɔfo kɔɔ Benyamin abusuakuw no mu kobisaa wɔn se, “Dɛn awurukasɛm na moadi wɔ mo mu yi?
Marudzi aIsraeri akatuma varume kurudzi rwose rwaBhenjamini, vachiti, “Munoti kudiniko pamusoro pemhosva yakaipisisa yakaparwa pakati penyu?
13 Munyi saa amumɔyɛfo a wofi Gibea no mmra, na yenkum wɔn na yentu saa awurukasɛm yi ase mfi Israel.” Nanso Benyaminfo no antie.
Zvino tipei varume avo vakaipa veGibhea kuti tivauraye tigobvisa chakaipa muIsraeri.” Asi vaBhenjamini havana kuda kuteerera hama dzavo vaIsraeri.
14 Mmom, wofifi wɔn nkurow mu boaa wɔn ho ano wɔ Gibea sɛ wɔne Israelfo no rebɛko.
Vakabva mumaguta avo vakaungana pamwe chete paGibhea kuti vazorwa navaIsraeri.
15 Akofo mpem aduonu asia a wokurakura afoa koduu Gibea, kɔkaa akofo ahanson a na wɔte hɔ dedaw no ho.
Pakarepo vaBhenjamini vakaunganidza varume veminondo zviuru makumi maviri nezvitanhatu kubva mumaguta avo, pamusoro pamazana manomwe akasarudzwa kubva kuna avo vaigara muGibhea.
16 Na Benyamin akofo no mu ahanson yɛ abenkumma a wɔn mu biara yɛ antoamfom wɔ ahwimmotow mu.
Pakati pavarwi ava vose pakanga pane mazana manomwe avarume vakasarudzwa vakanga vane ziboshwe, mumwe nomumwe wavo aigona kupotsera ibwe kutsuro asingapotsi.
17 Na Israelfo wɔ akofo mpem ahannan a wokurakura mfoa a Benyamin akofo nka ho.
KuIsraeri, kunze kwaBhenjamini vakaverenga varume veminondo zviuru mazana mana, vose vakanga vari varwi.
18 Ansa na wɔrebefi ɔko no ase no, Israelfo no kɔɔ Bet-El kobisaa Onyankopɔn se, “Abusuakuw bɛn na ɛsɛ sɛ wodi ɔko no anim tia Benyaminfo no?” Awurade buae se, “Yuda na ɛsɛ sɛ wodi anim.”
VaIsraeri vakakwidza kuBheteri vakandobvunza Mwari. Vakati, “Ndiani wedu achatanga kundorwa navaBhenjamini?” Jehovha akapindura akati, “Judha ndiye achatanga kuenda.”
19 Enti Israelfo no sii mu anɔpahema kɔkyeree nsraban wɔ baabi a ɛbɛn Gibea.
Fume mangwana, vaIsraeri vakamuka vakadzika misasa pedyo neGibhea.
20 Afei, wotu teɛe de wɔn ani kyerɛɛ Gibea sɛ wɔrekɔtow ahyɛ Benyamin mmarima no so.
Varume veIsraeri vakabuda kundorwa navaBhenjamini uye vakamira panzvimbo dzokurwa navo paGibhea.
21 Nanso Benyamin akofo a na wɔrebɔ kurow no ho ban no pue kunkum Israelfo no mpem aduonu abien wɔ akono hɔ da no ara.
VaBhenjamini vakabuda muGibhea vakauraya vaIsraeri zviuru makumi maviri nezviviri munhandare yehondo pazuva iroro.
22 Nanso Israelfo nyaa akokoduru boaa wɔn ho ano wɔ faako a wɔkoo da a edi anim no.
Asi varume veIsraeri vakakurudzirana uyezve vakamira panzvimbo dzavo dzavakanga vatora pazuva rokutanga.
23 Na wɔakɔ Bet-El akosu wɔ Awurade anim akosi anwummere. Afei, wobisaa Awurade se, “Yɛne yɛn ara abusuafo a wofi Benyamin nko bio ana?” Na Awurade buae se, “Monkɔ na mo ne wɔn nkɔko.”
VaIsraeri vakakwira vakandochema pamberi paJehovha kusvikira madekwana, uye vakabvunza Jehovha. Vakati, “Tichakwirazve kundorwa navaBhenjamini, idzo hama dzedu here?” Jehovha akapindura akati, “Kwirai mundorwa navo.”
24 Enti wɔkɔko tiaa Benyamin akofo no,
Ipapo vaIsraeri vakaswedera pedyo navaBhenjamini pazuva repiri.
25 na Benyamin mmarima no san kum Israelfo akofo a wonim afoa akodi yiye no mpem dunwɔtwe.
Nguva iyi, vaBhenjamini pavakabuda kubva muGibhea kuti vandovarwisa, vakauraya vamwezve zviuru gumi nezvisere zvavaIsraeri, vose vakanga vakapakata minondo.
26 Ɛnna Israelfo no kɔɔ Bet-El kosuu wɔ Awurade anim kyen kɔm kosii anwummere. Wɔbɔɔ ɔhyew afɔre ne aduan afɔre maa Awurade.
Ipapo vaIsraeri, vanhu vose vakakwira kuBheteri, uye ikoko vakandogara pasi vachichema pamberi paJehovha. Vakatsanya pazuva iro kusvikira madekwana uye vakapa kuna Jehovha zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana.
27 Na Israelfo kɔɔ Awurade anim kɔpɛɛ akwankyerɛ. (Saa bere no na Onyankopɔn apam adaka no wɔ Bet-El,
Uye vaIsraeri vakabvunza Jehovha. (Pamazuva iwayo, areka yesungano yaMwari yakanga iripo,
28 na Eleasar babarima Pinehas a ɔyɛ Aaron nena no na na ɔyɛ ɔsɔfo). Israelfo no bisaa Awurade se, “Ɛsɛ sɛ yɛko tia yɛn ara yɛn abusuafo Benyamin bio anaasɛ yennyae?” Awurade buae se, “Monkɔ! Ɔkyena mɛma moadi wɔn so nkonim.”
Uye Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, achishumira pamberi payo.) Vakabvunza vakati, “Tichaendazve kundorwa naBhenjamini hama yedu here kana kuti kwete?” Jehovha akati, “Endai, nokuti mangwana ndichavaisa mumaoko enyu.”
29 Enti Israelfo de atɛwfo twaa Gibea ho nyinaa hyiae.
Ipapo vaIsraeri vakandovandira vakakomberedza Gibhea.
30 Ne nnansa so no, wɔboaa wɔn ho ano wɔ beae koro hɔ ara.
Vakakwidza kundorwa navaBhenjamini pazuva retatu uye vakamira panzvimbo dzavo dzehondo kuti varwe neGibhea sezvavakamboita kare.
31 Bere a Benyaminfo akofo pue bae wɔ ɔko so no, wɔtwee wɔn fii kurow no mu. Na sɛnea na wɔayɛ pɛn no, wofii ase kunkum Israelfo no. Ɛbɛyɛ Israelfo aduasa na wowuwuu wɔ akono petee mu hɔ a bi deda akwan a ɛkɔ Bet-El ne Gibea ho.
VaBhenjamini vakabuda kuzosangana navo uye vakakwezverwa kure neguta. Vakatanga kubaya vaIsraeri sapakutanga, zvokuti varume vanenge makumi matatu vakafa musango uye nomumigwagwa, inoti mumwe unoenda kuBheteri nomumwe wacho kuGibhea.
32 Afei Benyamin akofo no teɛɛ mu se, “Yɛredi wɔn so sɛnea yedii wɔn so wɔ ɔko a edi kan no mu no!” Na saa bere no na Israelfo no apene so dedaw sɛ wobeguan ama Benyamin mmarima no ataa wɔn wɔ akwan no so, na ama wɔatwe wɔn afi kurow no mu.
VaBhenjamini pavaiti, “Tiri kuvakunda sapakutanga,” vaIsraeri vaiti, “Ngatidududzirei mumashure tivakwezvere kure neguta kumigwagwa.”
33 Bere a Israelfo nsraadɔm kɛse no duu Baal-Tamar no, wɔdan wɔn ho koe. Ɛhɔ na Israelfo a wɔatɛw wɔ Geba no puee prɛko pɛ fi wɔn ahintawee
Varume vose veIsraeri vakafamba kubva panzvimbo dzavo uye vakandomira paBhaari Tamari, uye vaIsraeri vakanga vakavandira vakabuda munzvimbo dzavo pamavirira eGibhea.
34 kosii Benyaminfo no akyi tow hyɛɛ wɔn so. Ɔko no mu yɛɛ den ara kosii sɛ na Benyaminfo no ntumi nhu amanehunu a ɛbɛba.
Ipapo zviuru gumi zvavarume veIsraeri vakanga vakasarudzwa vakavarwisa nechemberi paGibhea. Kurwa kwakanga kwanyanya kwazvo zvokuti vaBhenjamini havana kuziva kuti njodzi yakanga yava pedyo zvakaita sei.
35 Ɛno nti, Awurade boaa Israel ma wodii Benyamin so nkonim. Saa da no, Israelfo kunkum Benyamin akofo no mpem aduonu anum ne ɔha, a na wɔn nyinaa nim afoa ano ko yiye.
Jehovha akakunda Bhenjamini pamberi peIsraeri, uye pazuva iro vaIsraeri vakauraya vaBhenjamini, vose vakanga vakapakata minondo zviuru makumi maviri nezvishanu nezana rimwe chete.
36 Afei, Benyaminfo no huu sɛ wɔadi nkogu. Israelfo no guan fii Benyamin akofo no anim, sɛnea ɛbɛyɛ a, wɔn a wɔakohintaw no benya kwan ayɛ wɔn adwuma.
Ipapo vaBhenjamini vakaona kuti vakanga vakundwa. Zvino varume veIsraeri vakanga vachitiza pamberi pavaBhenjamini, nokuti vakanga vachisimba nokuvandira kwavakanga varonga pedyo neGibhea.
37 Afei, wɔn a na wɔatɛw no fii afanan nyinaa kɔɔ Gibea, kunkum obiara a ɔwɔ kurow no mu.
Varume vakanga vakavandira vakapinda muGibhea pakarepo, vakapararira uye vakaparadza guta rose nomunondo.
38 Wopun wusiw kumɔnn wɔ kurow no so,
Varume veIsraeri vakanga varonga navakanga vakavandira kuti pavaizorwisa, vamwe vaifanira kubatidza moto unobuda utsi huzhinji muguta,
39 a ɛyɛ nsɛnkyerɛnne ma Israelfo no sɛ wɔnsan mmra mmɛtow nhyɛ Benyamin akofo no so. Saa bere no na Benyamin akofo no akum Israelfo no aduasa, a wɔteɛɛ mu se, “Yɛredi wɔn so sɛnea yedii wɔn so ɔko a edi kan no mu no!”
uye ipapo varume veIsraeri vaizovashandukira pakurwa. VaBhenjamini vakanga vatotanga kuuraya varume veIsraeri (vanenge makumi matatu), uye vakati, “Tiri kuvakunda sapahondo yokutanga.”
40 Nanso bere a Benyamin akofo no hwɛɛ wɔn akyi, na wohuu wusiw a atu nam wim wɔ kurow no mu baabiara no,
Asi utsi pahwakatanga kukwira kubva muguta, vaBhenjamini vakacheuka vakaona utsi hweguta rose huchikwira kudenga.
41 Israelfo no san ba bɛtow hyɛɛ wɔn so. Afei, Benyamin akofo no huu sɛ asɛm aba na wɔbɔɔ huboa.
Ipapo varume veIsraeri vakavadzokera, uye varume veBhenjamini vakavhundutswa, nokuti vakaziva kuti njodzi yakanga yavawira.
42 Enti woguan de wɔn ani kyerɛɛ sare so. Nanso Israelfo no taa wɔn kunkum wɔn.
Saka vakatiza pamberi pavaIsraeri nenzira inoenda kurenje, asi havana kugona kupunyuka pahondo. Uye varume veIsraeri vakabuda kubva mumaguta vakavauraya ipapo.
43 Israelfo no twaa Benyaminfo no ho hyiae, taa wɔn anibere so, kɔtoo wɔn wɔ Gibea atɔe fam.
Vakakomba vaBhenjamini, vakavadzinganisa vakavabata nyore nyore pedyo neGibhea nechokumabvazuva.
44 Da no, Benyamin akofo akɛse mpem dunwɔtwe na wɔtotɔɔ wɔ ɔko no mu.
VaBhenjamini zviuru gumi nezvisere vakafa, vose vaiva varwi voumhare.
45 Wɔn a wɔanwuwu no guan kɔɔ sare so baabi a ɛbɛn Rimon ɔbotan no ho. Nanso Israelfo no kunkum wɔn mu mpem anum wɔ ɔkwan no so. Wɔtoaa so taa wɔn, kosii sɛ wokum mpenu wɔ baabi a ɛbɛn Gidom kaa ho.
Vakati vadzoka vakatiza vakananga kurenje kuruware rwaRimoni, vaIsraeri vakauraya varume zviuru zvishanu (mumigwagwa). Vakaramba vachitevera vaBhenjamini kusvikira paGidhomi uye vakaurayazve vamwe zviuru zviviri.
46 Enti Benyamin abusuakuw no hweree akofo akokodurufo mpemaduonu anum saa da no,
Pazuva iroro, kwakafa varume vaBhenjamini veminondo zviuru makumi maviri nezvishanu, vose varwi voumhare.
47 maa ɛkaa mmarima ahansia pɛ a woguan kɔɔ ɔbotan Rimon ho kɔtenaa hɔ asram anan no.
Asi varume mazana matanhatu vakatendeuka vakatizira murenje kuruware rweRimoni, kwavakandogara kwemwedzi mina.
48 Afei Israelfo no san ba bekunkum abɔde biara a nkwa wɔ mu wɔ nkurow no nyinaa mu, efi nnipa so kosi anantwi ne biribiara so. Na kurow biara a woduu so no, wɔhyew no dwerɛbee.
Varume veIsraeri vakadzokera kuBhenjamini uye vakaparadza maguta ose nomunondo, kusanganisira mhuka nezvimwe zvose zvavakawana. Maguta ose avakaona vakaapisa.

< Atemmufo 20 >