< Hiob 7 >

1 “Asase so som nyɛ den mma onipa ana? Ne nkwanna nte sɛ ɔpaani de?
“Ko, munhu haashandi zvakaoma panyika here? Ko, mazuva ake haana kuita seomushandi here?
2 Sɛnea akoa ani gyina anwummere sunsuma, anaasɛ ɔpaani ho pere no nʼakatua ho no,
Somuranda anoshuva mimvuri yamadekwana, kana mushandi akamirira kwazvo mubayiro wake,
3 saa ara na wɔatwa asram hunu ato me hɔ, ne anadwo a ɔhaw wɔ mu ama me.
saizvozvo ndakagoverwa mwedzi isina maturo, uye usiku hwokutambudzika hwakagoverwa kwandiri.
4 Sɛ meda a, midwen bisa se, ‘Bere bɛn na ade bɛkye?’ Nanso anadwo twa mu nkakrankakra, na mepere kosi ahemadakye.
Pandinovata pasi ndinofunga kuti, ‘Ndichamuka riniko?’ Usiku hunononoka, uye ndinoshanduka-shanduka kusvikira mambakwedza.
5 Asunson ne aporɔporɔw afura me nipadua, me were atetew na ɛrefi nsu.
Muviri wangu wakafukidzwa nehonye uye nemaronda, ganda rangu rakatsemuka uye raora.
6 “Me nna kɔ ntɛm sen ɔnwemfo akurokurowa, na ɛkɔ awiei a anidaso biara nni mu.
“Mazuva angu ari kukurumidza kufamba kukunda chokurukisa chomuruki, uye anosvika kumagumo asina tariro.
7 Ao, Onyankopɔn, kae sɛ me nkwanna te sɛ ɔhome; na mʼani renhu anigye bio da.
Rangarirai henyu, imi Mwari, kuti upenyu hwangu hunongova mweya wokufema; meso angu haachazoonizve mufaro.
8 Ani a ehu me mprempren no renhu me bio; mobɛhwehwɛ me, nanso na minni hɔ bio.
Ziso rinondiona zvino harichazondionizve; muchanditsvaka, asi handichazovapozve.
9 Sɛnea omununkum yera na etu kɔ, saa ara na nea ɔkɔ ɔda mu no nsan mma bio. (Sheol h7585)
Sokunyangarika kunoita gore ndokuenda, saizvozvo uyo anoburukira kubwiro haadzokizve. (Sheol h7585)
10 Ɔrensan mma ne fi da biara da bio; nʼatenae renkae no bio.
Haachazouyi kumba kwakezve; nzvimbo yake haichazomuzivizve.
11 “Ɛno nti meremmua mʼano; mifi me honhom ahoyeraw mu akasa, mefi me kra ɔyaw mu anwiinwii.
“Naizvozvo handinganyarari; ndichataura pakurwadza kwomweya wangu, ndichanyunyuta mushungu dzomwoyo wangu,
12 So meyɛ ɛpo anaa aboa kɛse a ɔwɔ bun mu, na mode me ahyɛ ɔwɛmfo nsa yi?
Ko, ndiri gungwa kanhi, kana chikara chokwakadzika, zvamunondiisa pasi pomurindi?
13 Sɛ midwen sɛ minya awerɛkyekye wɔ me mpa so, na mʼakongua adwudwo mʼanwiinwii ano a,
Pandinofunga kuti mubhedha wangu uchandivaraidza, uye kuti mubhedha wangu uchadzikamisa kunyunyuta kwangu,
14 ɛno mpo na wode adaeso yi me hu na wode anisoadehu hunahuna me,
ipapo munondityisidzira nezviroto uye munondivhundutsa nezviratidzo,
15 ɛno nti mepɛ ɔsɛn ne owu, sen me nipadua yi.
zvokuti ndinosarudza kuti ndidzipwe ndife hangu, pachinzvimbo chomuviri wangu uno.
16 Mimmu me nkwa; mentena ase afebɔɔ. Munnyaa me; na me nna nka hwee.
Ndinozvidza upenyu hwangu, handidi kurarama nokusingaperi. Ndiregei nokuti mazuva angu haana zvaanoreva.
17 “Ɔdesani ne hena a ne ho hia wo sɛɛ, na wʼani ku ne ho,
“Munhu chiiko zvamunomukoshesa kudai, zvamunomurangarira zvakadai,
18 na wohwehwɛ ne mu anɔpa biara na wosɔ no hwɛ bere biara?
zvamunomunzvera mangwanani ose uye muchimuedza nguva dzose?
19 Worennyi wʼani mfi me so da, anaasɛ worennyaa me bere tiaa bi mpo ana?
Hamusi kuzombotarirawo kudivi here, kana kumbondisiyawo ndakadaro kwechinguva?
20 Sɛ mayɛ bɔne a, dɛn na mayɛ wo, Ao adesamma so wɛmfo? Adɛn nti na watu wʼani asi me so? Mayɛ adesoa ama wo ana?
Kana ndakatadza, ndakaiteiko kwamuri, imi mutariri wavanhu? Makaitireiko kuti ini ndive munhu wamunovavarira? Ko, ini ndava mutoro kwamuri here?
21 Adɛn nti na wonkata me mmarato so na womfa me bɔne nkyɛ me? Ɛrenkyɛ biara, mɛda mfutuma mu. Wobɛhwehwɛ me nanso na minni hɔ bio.”
Nemhaka yeiko musingandikanganwiri mhaka dzangu uye musingandiregereri zvivi zvangu? Nokuti ndichavata muguruva nokukurumidza. Muchanditsvaka, asi handichazovapozve.”

< Hiob 7 >