< Yeremia 44 >
1 Saa asɛm yi baa Yeremia nkyɛn; ɛfa Yudafo a wɔtete Misraim anafo fam wɔ Migdol, Tapanhes, Memfis ne Misraim atifi fam no ho.
Shoko iri rakasvika kuna Jeremia pamusoro pavaJudha vose vakanga vagere zasi kweIjipiti, muMigidhori nomuTapanesi nomuNofi, nokumusoro kweIjipiti, richiti,
2 “Sɛɛ na Asafo Awurade, Israel Nyankopɔn, se: Muhuu amanehunu kɛse a mede baa Yerusalem ne Yuda nkurow nyinaa so no. Nnɛ wɔayeyɛ amamfo na wɔasɛesɛe
“Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Makaona njodzi huru yandakauyisa pamusoro peJerusarema nomumaguta ose eJudha. Nhasi uno asiyiwa angova matongo
3 esiane bɔne a wɔayɛ no nti. Wɔhyew nnuhuam, som anyame foforo a, wɔn anaa mo anaa mo agyanom nnim wɔn de hyɛɛ me abufuw.
nokuda kwezvakaipa zvavakaita. Vakanditsamwisa nokuda kwokupisira zvinonhuhwira uye nokunamata vamwe vamwari vavasina kumboziva ivo kana imi kana madzibaba enyu.
4 Mesomaa mʼasomfo adiyifo mpɛn pii a wɔkae se, ‘Monnyɛ saa atantanne a mikyi no!’
Ndakatuma ndatumazve varanda vangu vaprofita kuti vati, ‘Regai kuita chinhu chinonyangadza chandinovenga!’
5 Nanso wɔantie, wɔamfa anyɛ asɛm, na wɔannan amfi wɔn amumɔyɛsɛm no ho na wɔannyae hyew a wɔhyew nnuhuam ma anyame foforo no.
Asi havana kunzwa kana kuteerera: havana kudzoka kubva pane zvakaipa zvavo kana kurega kupisa zvinonhuhwira kuna vamwe vamwari.
6 Enti mihwiee mʼabufuw gui, na ɛdɛw kɔɔ Yuda nkurow ne Yerusalem mmɔnten so ma ɛsɛesɛe na ɛdedaa mpan sɛnea ɛtete nnɛ yi.
Naizvozvo kutsamwa kwangu kunotyisa kwakadururwa; kukapisa maguta eJudha uye nenzira dzeJerusarema ndikazviparadza zvikava matongo sezvazvakaita nhasi.
7 “Na mprempren, nea Asafo Awurade Nyankopɔn, Israel Nyankopɔn se ni: Adɛn nti na mode amanehunu kɛse aba mo ho so, sɛ muyii mmarima ne mmea, mmofra ne mmotafowa fii Yuda a moannyaw nkae biara amma mo ho.
“Zvino, zvanzi naJehovha, Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Munouyisireiko njodzi yakakura kudai pamusoro penyu nokuparadzira kubva kuJudha varume navakadzi, navana, navacheche nokudaro muchisara musina kana nomumwe?
8 Adɛn nti na mode nea mo nsa ayɛ hyɛ me abufuw, na mohyew nnuhuam ma anyame foforo wɔ Misraim, baabi a moabɛtena hɔ no? Mobɛsɛe mo ho, na moayɛ nnome ne nsopa wɔ asase so amanaman nyinaa mu.
Munonditsamwisireiko nezvamunoita namaoko enyu, muchipisira zvinonhuhwira kuna vamwe vamwari vomuIjipiti kwamakaenda kundogara? Muchazviparadza pachenyu mukazviita chinhu chinotukwa nechinozvidzwa pakati pendudzi dzose dzepanyika.
9 Mo werɛ afi amumɔyɛsɛm a mo agyanom, Yuda ahemfo ne ahemmea yɛe, na mo ne mo yerenom nso yɛɛ wɔ Yuda asase ne Yerusalem mmɔnten so no ana?
Makanganwa here zvakashata zvakaitwa namadzibaba enyu namadzimambo navanamambokadzi veJudha uye zvakashata zvakaitwa nemi navakadzi venyu munyika yeJudha nomunzira dzeJerusarema?
10 Ebesi nnɛ yi, wɔmmrɛɛ wɔn ho ase, wɔnnaa nidi adi na wonnii me mmara ne ahyɛde a mede maa mo ne mo agyanom no so.
Kusvikira pazuva ranhasi havana kuzvininipisa kana kuratidza rukudzo, kana kutevera murayiro wangu nezvirevo zvangu zvandakatema pamberi penyu napamberi pamadzibaba enyu.
11 “Enti nea Asafo Awurade, Israel Nyankopɔn, se ni: Masi mʼadwene pi sɛ mede amanehunu bɛba mo so na masɛe Yuda nyinaa.
“Naizvozvo, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Ndafunga kuuyisa njodzi pamusoro penyu ndigoparadza Judha yose.
12 Mɛfa Yuda nkae a wosii wɔn adwene pi sɛ wɔbɛkɔ Misraim akɔtena hɔ no. Wɔn nyinaa bewuwu wɔ Misraim; wɔbɛtotɔ wɔ afoa ano anaa ɔkɔm bekum wɔn. Efi akumaa so kosi ɔkɛse so, afoa ne ɔkɔm bekunkum wɔn. Wɔbɛyɛ nnome, ahodwiriwde, afɔbude ne ahohora.
Ndichabvisa vakasara veJudha vakanga vashinga kuenda kuIjipiti kundogarako. Vose vachafira muIjipiti, vachafa nomunondo kana kufa nenzara. Kubva kumuduku kusvikira kumukuru, vachafa nomunondo kana nenzara. Vachava chinhu chinotukwa nechinosemwa, chinhu chinoshorwa nechinonyadzisa.
13 Mede afoa, ɔkɔm ne ɔyaredɔm bɛtwe wɔn a wɔtete Misraim no aso, sɛnea metwee Yerusalem aso no.
Ndicharanga vaya vanogara kuIjipiti nomunondo, nenzara uye nedenda sokuranga kwandakaita Jerusarema.
14 Yuda nkae a wɔakɔtena Misraim no mu biara renguan, na wɔremfa wɔn ho nni na wɔasan aba Yuda, asase a wɔpɛ sɛ wɔsan bɛtena so no so; wɔn mu biara remma, gye aguanfo kakraa bi.”
Hakuna kuna vakasara veJudha vakaenda kunogara kuIjipiti vachapunyuka kana kurarama kuti vadzoke kunyika yeJudha, uko kwavanoshuva kuti vadzokere kundogara; hakuna achadzoka kunze kwavashoma vachatiza.”
15 Afei mmarima a na wonim sɛ wɔn yerenom hyew nnuhuam ma anyame foforo, wɔne mmea a wɔwɔ hɔ no nyinaa, nnipadɔm no, ne nnipa a wɔwɔ Misraim Atifi fam ne Anafo fam ka kyerɛɛ Yeremia se,
Ipapo varume vose vaiziva kuti vakadzi vavo vaipisira zvinonhuhwira kuna vamwe vamwari, pamwe chete navakadzi vose vaivapo, ungano huru, navanhu vose vakanga vagere Kumusoro neZasi kweIjipiti, vakati kuna Jeremia,
16 “Yɛrentie asɛm a waka akyerɛ yɛn wɔ Awurade din mu no!
“Hatingateereri shoko rawataura kwatiri muzita raJehovha!
17 Ampa ara yɛbɛyɛ biribiara a yɛkae se yɛbɛyɛ: Yɛbɛhyew nnuhuam ama Ɔsoro Hemmea na yɛahwie ahwiesa ama no, sɛnea yɛne yɛn agyanom, ahemfo ne adwumayɛfo yɛɛ wɔ Yuda nkurow ne Yerusalem mmɔnten so no pɛpɛɛpɛ. Saa bere no na yɛwɔ aduan, na yedi yiye a yenni ɔhaw biara nso.
Zvirokwazvo tichaita zvinhu zvose zvatakati tichaita. Tichapisira zvinonhuhwira kuna Mambokadzi woKudenga nokumudururira zvipiriso zvokunwa sezvatakaita isu namadzibaba edu, namadzimambo edu uye namachinda edu mumaguta eJudha nomunzira dzomuJerusarema. Panguva iyoyo takanga tine zvokudya zvizhinji uye takanga tigere zvakanaka tisina zvaitirwadza.
18 Nanso efi bere a yegyaee nnuhuam a yɛhyew ma Ɔsoro Hemmea, na yegyaee ahwiesa a yɛde ma no no, biribiara abɔ yɛn na yɛrewuwu wɔ afoa ne ɔkɔm ano.”
Asi kubva patakamira kupisira zvinonhuhwira kuna Mambokadzi woKudenga nokudururira zvipiriso zvokunwa kwaari, hapana chatakawana uye tanga tichingofa nomunondo nenzara.”
19 Na mmea no ka kaa ho se, “Bere a yɛhyew nnuhuam maa Ɔsoro Hemmea, na yehwiee ahwiesa maa no no, na yɛn kununom nnim sɛ yɛto ɔfam a ɛyɛ ne sɛso, hwie ahwiesa ma no ana?”
Vakadzi vakapamhidzira vachiti, “Patakapisira zvinonhuhwira kuna Mambokadzi woKudenga, uye tikadururira zvipiriso zvokunwa kwaari, varume vedu vakanga vasingazivi here kuti taimuitira makeke akaita somufananidzo wake uye tichimudururira zvipiriso zvinonwiwa?”
20 Na Yeremia ka kyerɛɛ nnipa no nyinaa; mmarima ne mmea a wɔrebua no no se,
Ipapo Jeremia akati kuvanhu vose, varume navakadzi, vakanga vachimupindura,
21 “Mususuw sɛ, Awurade nnim sɛ, na mo ne mo agyanom, mo ahemfo, adwumayɛfo ne ɔmanfo no hyew nnuhuam ma ahoni wɔ Yuda nkurow so ne Yerusalem mmɔnten so ana?
“Ko, Jehovha haana kurangarira here uye akafunga pamusoro pezvinonhuhwira zvaipiswa mumaguta eJudha nomunzira dzeJerusarema nemi namadzibaba enyu namadzimambo enyu namachinda enyu uye navanhu venyika?
22 Bere a mo amumɔyɛ ne akyiwade a moyɛɛ no fonoo Awurade no, mo asase dannan nnomede ne amamfo a obiara nte so, sɛnea ɛte nnɛ yi.
Jehovha akati haasisina mwoyo murefu pakuipa kwezviito zvenyu nezvinhu zvinonyangadza zvamakaita, nyika yenyu ikava chinhu chinotukwa uye nedongo risina anogaramo, sezvazvakaita nhasi.
23 Esiane sɛ moahyew nnuhuam, ayɛ bɔne atia Awurade, na moanyɛ osetie amma no, na moanni ne mmara, nʼahyɛde ne nʼadansesɛm so nti, amanehunu aba mo so sɛnea muhu yi.”
Nokuda kwokuti makapisira zvinonhuhwira uye makatadzira Jehovha uye hamuna kumuteerera kana kutevera murayiro wake kana zvirevo zvake kana zvaakatema, njodzi iyi yaiswa pamusoro penyu sezvamunoona zvino.”
24 Afei Yeremia ka kyerɛɛ nnipa no nyinaa a mmea no ka ho se, “Mo Yudafo a mowɔ Misraim nyinaa muntie Awurade asɛm.
Ipapo Jeremia akati kuvanhu vose kusanganisira vakadzi, “Inzwai shoko raJehovha, imi vanhu vose veJudha vari muIjipiti.
25 Sɛɛ na Asafo Awurade, Israel Nyankopɔn, se: Mo ne mo yerenom de mo nneyɛe akyerɛ mo bɔ a mohyɛe se, ‘Ampa ara yebedi bɔ a yɛhyɛe sɛ, yɛbɛhyew nnuhuam ahwie ahwiesa ama Ɔsoro Hemmea no,’ no so.” Monkɔ so, munni mo bɔhyɛ ne mo ntam so!
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Imi navakadzi venyu maratidza nezviito zvenyu, zvamakavimbisa pamakati, ‘Zvirokwazvo mhiko dzedu dzatakapika tichadzizadzisa nokupisa zvinonhuhwira uye nokudururira zvipiriso zvokunwa kuna Mambokadzi woKudenga.’ “Endererai henyu mberi zvino, itai zvamakavimbisa! Chengetai mhiko dzenyu!
26 Nanso muntie Awurade asɛm, mo Yudafo a mowɔ Misraim nyinaa. Mede me din kɛse no ka ntam se, nea Awurade se ni, obiara a ofi Yuda a ɔte Misraim asase so baabiara remmɔ me din nka ntam bio da se, “Sɛ Otumfo Awurade te ase yi.”
Asi inzwai shoko raJehovha, imi vaJudha mose munogara muIjipiti: ‘Ndinopika nezita rangu guru,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kuti hakuna anobva kuJudha agere papi napapi zvapo muIjipiti achadana zita rangu kana kupika achiti: “Zvirokwazvo naIshe Jehovha mupenyu,”
27 Na mɛhwɛ ama wɔahu amane na ɛnyɛ yiyedi; Yudafo a wɔwɔ Misraim bewuwu wɔ afoa ne ɔkɔm ano kosi sɛ wɔbɛsɛe wɔn nyinaa.
Nokuti ndinovarindira kuti ndivaitire zvakaipa kwete zvakanaka, vaJudha vari muIjipiti vachafa nomunondo uye nenzara kusvikira vose vaparadzwa.
28 Wɔn a wobeguan afi afoa ano na wɔasan afi Misraim akɔ Yuda asase so no bɛyɛ kakraa bi. Afei Yuda nkae a wɔbɛtenaa Misraim no nyinaa behu nea nʼasɛm yɛ nokware; me de anaa wɔn de.
Avo vachapunyuka pamunondo vakadzokera kunyika yeJudha vachibva kuIjipiti vachava vashoma kwazvo. Ipapo vose vakasara vavaJudha vakauya kuzogara kuIjipiti vachaziva kuti shoko rinogara nderani, rangu kana ravo.
29 “‘Eyi na ɛbɛyɛ nsɛnkyerɛnne ama mo sɛ mɛtwe mo aso wɔ ha, na moahu sɛ ampa ara mʼahunahuna a ɛfa ɔhaw ho no bɛba mu,’ Awurade na ose.
“‘Ichi ndicho chichava chiratidzo kwauri chokuti ndichakuranga panzvimbo ino,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kuitira kuti muzive kuti mashoko eyambiro yangu pamusoro penyu achamira zvirokwazvo.’
30 ‘Mede Misraimhene Farao Hofra rebɛhyɛ nʼatamfo a wɔpɛ sɛ wokum no no nsa, sɛnea mede Yudahene Sedekia hyɛɛ Babiloniahene Nebukadnessar, ne tamfo a na ɔrehwehwɛ no akum no no nsa. Sɛɛ na Awurade se.’”
Zvanzi naJehovha: ‘Ndiri kuisa Faro Hofira mambo weIjipiti mumaoko avavengi vake vanotsvaka kumuuraya, sezvandakaita Zedhekia mambo weJudha mumaoko aNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, iye muvengi akanga achitsvaka kumuuraya.’”