< Habakuk 2 >

1 Megyina mʼahwɛe na mawɛn. Mɛbɔ nsra na mahwɛ nea ɔbɛka akyerɛ me, ne mʼanoyi a mede bɛma nkurobɔ yi.
Ndichandomira panzvimbo yangu yokurinda ndichazviisa panzvimbo yakakwirira; ndichatarisa ndione zvaachareva kwandiri uye zvandingapindura pamusoro pokuchema uku.
2 Afei, Awurade buae se, “Kyerɛw adiyi yi wɔ ɔbopon so ma mu nna hɔ pefee na ama ɔkenkanfo ate ase.
Ipapo Jehovha akapindura achiti: “Nyora chiratidzo ichi, uite kuti chionekwe kwazvo pamahwendefa kuti anoverenga agoverenga achimhanya.
3 Adiyisɛm no retwɛn nkrabea bi; ɛka awiei ho asɛm na ɛbɛba mu. Ɛwɔ mu sɛ ɛrekyɛ de, nanso twɛn, ɛrenkyɛ, ɛbɛba mu.
Nokuti chiratidzo ichi chakamirira nguva yakatarwa; chinotaura nezvamagumo uye hachingarevi nhema. Kunyange dai chikanonoka, chimirire; zvirokwazvo chichauya, hachizononoki.
4 “Hwɛ, ɔtamfo no ama ne ho so; nʼapɛde nteɛ, nanso ɔtreneeni fi gyidi mu benya nkwa.
“Tarira, ana manyawi; zvido zvake hazvina kururama, asi akarurama achararama nokutenda kwake.
5 Nokware, nsa yi no ma wayɛ ahantan na onni ahotɔ. Esiane sɛ ɔyɛ adifudepɛ sɛ ɔda na ɔte sɛ owu a hwee mmee no nti ɔfom aman no nyinaa na ɔfa nnipa no nyinaa nnommum. (Sheol h7585)
Zvirokwazvo, waini inomupandukira; anozvikudza uye haazombozorori. Nokuti anokara sezvinoita guva uye sorufu haaguti, anozviunganidzira ndudzi dzose uye anotapa marudzi ose avanhu. (Sheol h7585)
6 “Nnommumfo yi nyinaa bedi ne ho fɛw aserew no aka se, “‘Nnome nka nea ɔboaboa akorɔnne ano, na ɔnam apoobɔ so nya ne ho! Eyi nkɔ so nkosi da bɛn?’
“Ko, vakatapwa vose havangazomuseki here nezvirahwe zvokumushora vachiti, “‘Ane nhamo anozviunganidzira zvakabiwa anozvipfumisa nepfuma yakapambwa! Zvicharamba zvakadai kusvikira riniko?’
7 So wɔn a wode wɔn ka no rensɔre mpofirim ana? Wɔbɛsɔre ama wo ho apopo, na wobetwiw afa wo so.
Ko, vamakakwereta havangazosimuki pakarepo here? Havangazomuki vakakuvhundutsai here? Ipapo ndimi muchava vakapambwa.
8 Esiane sɛ woafow aman bebree nti, wɔn a wɔaka no bɛfow wo bi. Efisɛ woahwie nnipa mogya agu; woasɛe nsase, nkuropɔn ne wɔn a wɔtete mu.
Nokuti makapamba ndudzi zhinji, vakasara vachakupambai, nokuda kweropa ravanhu ramakateura; makaparadza nyika namaguta pamwe chete navageremo.
9 “Nnome nka nea ɔde akorɔnne kyekyere ne man, a ɔyɛ ne berebuw wɔ sorɔnsorɔmmea, sɛnea obeyi ne ho afi ɔsɛe mu.
“Ane nhamo anovaka umambo hwake nepfuma yakabiwa, achivaka dendere rake pakakwirira, kuti anzvenge kuparadzwa!
10 Woatu nnipa bebree sɛe ho agyina, de agu wankasa fi anim ase, de wo nkwa atwa so.
Makarangana kuparadza ndudzi dzakawanda, muchinyadzisa imba yenyu, uye muchiparadza upenyu hwenyu.
11 Abo a ɛhyehyɛ afi afasu mu no bɛteɛ mu, na ebegyigye wɔ mpuran a wɔahyehyɛ no mu.
Mabwe ari murusvingo achadanidzira, ipapo matanda edenga remba achadairira namaungira.
12 “Nnome nka nea ɔnam mogyahwiegu so kyekyere kuropɔn na ɔnam awudi so kyekyere kurow.
“Ane nhamo anovaka guta nokudeura ropa uye anosimbisa guta nezvakaipa.
13 Asafo Awurade ahyɛ sɛ, nnipa no adwumayɛ bɛyɛ ogya a wɔhyew. Aman no brɛ gu kwa.
Tarirai, hazvina kubva kuna Jehovha Wamasimba Ose here kuti vanhu vanoshandira zvinoparadzwa nomoto, uye kuti marudzi avanhu anongozvinetesa nezvisina maturo?
14 Na Awurade anuonyam ho nimdeɛ bɛhyɛ asase nyinaa ma, sɛnea nsu hyɛ po ma no.
Nokuti nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, sezvakaita mvura kuzadza kwayakaita gungwa.
15 “Due! Wo a woma wo mfɛfo nsa, Wuhwie ma wɔnom kosi sɛ wɔbɛbow, na afei woahwɛ wɔn adagyaw.
“Ane nhamo anopa vavakidzani vake zvinodhaka, achizvidurura kubva mumatende ewaini kusvikira vadhakwa, kuti aone kushama kwavo.
16 Worennya anuonyam biara, wʼani bewu. Afei adu wo so! Nom na wʼadagyaw mu nna hɔ. Kuruwa a efi Awurade nsa nifa reba wo so, na aniwu bɛkata wʼanuonyam so.
Muchazadzwa nenyadzi pachinzvimbo chokukudzwa. Nhasi ndimiwo! Chinwai kuti mudzedzereke! Mukombe unobva kuruoko rwaJehovha rworudyi uri kuuya kwamuri, kunyadziswa kuchafukidza kukudzwa kwenyu.
17 Awurukasɛm a wode adi Lebanon no bɛmene wo, ɔsɛe a wosɛe mmoa nso bɛbɔ wo hu. Woaka nnipa mogya agu; woasɛe nsase, nkuropɔn ne nnipa a wɔwɔ mu.
Nokuti kuita nechisimba kwamakaitira Rebhanoni kuchakukundai, uye kuparadza kwamakaita mhuka kuchakutyisai. Nokuti makateura ropa ravanhu; makaparadza nyika namaguta navose vakanga vageremo!
18 “Mfaso bɛn na munya fi ahoni a nipa ayɛ mu? Anaa nsɛsode a ɛkyerɛkyerɛ atoro? Nea ɔyɛ ohoni no de ne ho to ɔno ankasa nsa ano adwuma so; na ɔyɛ anyame a wontumi nkasa.
“Chifananidzo chakavezwa chinobatsireiko, zvachakangogadzirwa nomuvezi? Kana chifananidzo chakaumbwa, chinodzidzisa nhema? Nokuti uyo anochiita anovimba nechaakazviumbira; anoita zvifananidzo zvisingagoni kutaura.
19 Nnome nka nea ɔka kyerɛ dua se, ‘Nya nkwa!’ Anaa ɔka kyerɛ ɔbo a enni nkwa se, ‘Nyan!’ Ebetumi ama akwankyerɛ? Wɔde sika kɔkɔɔ ne dwetɛ adura ho; nanso ɔhome nni mu.”
Ane nhamo anoti kudanda, ‘Rarama!’ Kana kubwe risingagoni kutaura, ‘Muka!’ Ko, zvingadzidzisa here? Tarira, chakafukidzwa negoridhe nesirivha; hachina mweya mukati macho napaduku.
20 Nanso Awurade wɔ nʼasɔrefi kronkron mu. Momma asase nyinaa nyɛ komm wɔ nʼanim.
Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene; nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake.”

< Habakuk 2 >