< Hesekiel 27 >

1 Awurade asɛm baa me nkyɛn se:
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2 “Onipa ba, ma kwadwom a ɛfa Tiro ho so.
“Mwanakomana womunhu, chema pamusoro peTire.
3 Ka kyerɛ Tiro a ɔda po abobow ano, na ɔne aguadifo bebree a wɔwɔ mpoano nkurow so di gua se, eyi ne asɛm a Otumfo Awurade ka: “‘Woka se, Tiro, “Me ho yɛ fɛ yiye.”
Uti kuTire, riri pasuo rokugungwa, mushambadziri wavanhu vamarudzi ose pazviwi zvizhinji, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: “‘Unoti, iwe Tire, “Ini ndakakwana parunako.”
4 Wo tumidi wɔ po so akyirikyiri; wʼadansifo maa wʼahoɔfɛ wiee pɛyɛ.
Simba rako rakanga riri pamakungwa makuru; vavaki vako vakaita kuti runako rwako rusvike pakukwana.
5 Wo nnua a wɔpaee nyinaa yɛ ɔpepaw a efi Senir. Wɔde Lebanon sida na ɛyɛɛ ahyɛn so nnua maa wo.
Vakaita mapuranga ako ose emiti yemipaini inobva kuSeniri; vakatora musidhari waibva kuRebhanoni, kuti vakuitire danda rokutsigira maseiri muchikepe.
6 Odum nnua a efi Basan na wɔde yɛɛ wʼatabon; Kwabɔhɔre nnua a efi Kipro mpoano na wɔde yɛɛ wʼahyɛn abrannaa, a wɔde asonse asɛw so.
Vakaita matanda okukwasva nawo omuouki aibva kuBhashani; namapuranga omusipuresi aibva kuzviwi zveSaipurasi vakaita uriri hwako namapuranga, ane nyanga dzenzou mukati.
7 Misraim nwera papa bi a wɔadi mu adwini na wɔde yɛɛ wʼahyɛn so mframatam a ɛyɛɛ wo frankaa nso; wʼapon ne mfɛnsere ano ntama yɛ abibitam ne beredum ntama a efi Elisa mpoano.
Maseiri ako akanga ari omucheka wakarukwa zvakaisvonaka waibva kuIjipiti, uye wakashandiswa somureza wako; zvifukidzo zvako zvamatende zvakanga zviri bhuruu nepepuru, zvaibva kumahombekombe aErisha.
8 Sidonfo ne Arwadfo na wɔhare wʼahyɛn; wo mmarima anyansafo. Tiro, na wɔyɛ adwumayɛfo wɔ wʼahyɛn mu.
Varume veSidhoni neArivhadhi ndivo vakanga vari vakwasvi vako; mhizha dzako, iwe Tire dzakanga dzirimo savafambisi vako vechikepe.
9 Gebal adwumfo adedaw tenaa wʼahyɛn mu sɛ dua dwumfo a wotuatua ahyɛn no mu ntokuru. Po so ahyɛn ne wɔn hyɛnmufo nyinaa baa wo nkyɛn ne wo bedii nsesagua.
Mhare dzoumhizha dzeGebhari vakanga varimo, savavaki vechikepe kuti vaname maburi emaseiri ako. Zvikepe zvose zvegungwa navafambisi vazvo vakauya kuzotengeserana newe zvawakagadzira.
10 “‘Persia, Lidia ne Put mmarima somee sɛ asraafo wɔ wo nsraadɔm mu. Wɔde wɔn nkatabo ne dade kyɛw sensɛn wʼafasu ho, de hyɛɛ wo anuonyam.
“‘Varume vokuPezhia, neRidhia nePuti vakashanda savarwi muhondo yako. Vakarembedza nhoo dzavo nenguwani pamasvingo ako, vachikuvigira mbiri.
11 Arwad ne Helek mmarima wɛn wʼafasu ho nyinaa Gammad mmarima tenaa wʼabantenten mu. Wɔde wɔn nkatabo sensɛn wʼafasu ho maa wʼahoɔfɛ dii mu.
Varume vokuArivhadhi nevokuHereki vakakomba masvingo ako kumativi ose; varume vokuGamadhi vakanga vari mushongwe dzako. Vakaturika nhoo dzavo pamasvingo ako; vakaita kuti runako rwako rukwane.
12 “‘Wʼaguade a ɛma wonyaa wo ho bebree nti, Tarsis ne wo dii gua, wɔde dwetɛ, dade, sanyaa ne sumpii sesaa wʼaguade.
“‘Tashishi yakatengeserana newe nokuda kwepfuma yako huru yenhumbi; vakatsinhanisa sirivha, nesimbi, netini nedare zvokushambadzira zvako.
13 “‘Helafo, Tubalfo ne Mesekfo ne wo dii gua, wɔde nkoa ne kɔbere nneɛma sesaa wʼaguade.
“‘Girisi, Tubhari neMesheki dzakatengeserana newe; vakatsinhanisa nhapwa nezvinhu zvendarira zvezvigadzirwa zvako.
14 “‘Bet Togarma mmarima de adwumayɛ apɔnkɔ, ɔsa apɔnkɔ ne mfurum mma bɛsesaa wʼaguade.
“‘Varume veBheti Togarima vakatsinhanisa mabhiza ebasa namabhiza ehondo namanyurusi kuti uzvishambadzire.
15 “‘Roda mmarima ne wo dii gua, na mpoano nkurow bebree yɛɛ wʼadetɔfo a wɔde asonse ne duabo nnua tuaa wo ka.
“‘Varume vokuRodhe vakatengeserana newe, uye zviwi zvizhinji zvakanga zviri nzvimbo dzako dzokutengesera; vaikuripira nenyanga dzenzou nomuti womuvanga.
16 “‘Aram ne wo dii gua esiane wo nneɛma bebrebe a woyɛ nti; wɔde nsrammabo, ntama a ɛberedum, nea wɔadi mu adwinni, nwera pa, nnɛnkyerema ne bota bɛsesaa wʼaguade.
“‘Aramu yakatengeserana newe nokuda kwezvibereko zvako zvizhinji; vakatsinhanisa matombo eturikoise nemicheka yepepuru, nezvakarukwa, nemicheka yakaisvonaka, nekorari namatombo amarubhi zvokutengesa zvako.
17 “‘Yuda ne Israel ne wo dii gua; wɔde awi a efi Minit ne brodo, ɛwo, ngo ne ahyehyesrade sesaa wʼaguade.
“‘Judha neIsraeri vakatengeserana newe, vakatsinhanisa gorosi neMiniti nezvinotapira, uchi, mafuta nebharimi nezvigadzirwa zvako.
18 “‘Damasko ne wo dii gua wɔ nsa a efi Helbon ne nguan ho nwi a efi Sahar mu, esiane nneɛma a woyɛ ne wʼaguade a ama woanya wo ho bebree no nti.
“‘Dhamasiko, rakatengeserana newe nokuda kwezvigadzirwa zvako zvizhinji nepfuma yenhumbi newaini yaibva kuHeribhoni newuru yaibva kuZahari.
19 Danfo ne Helafo a wofi Usal tɔɔ wʼaguade na wɔde dade a wɔaboro, sesadua ne ahunuanyankwa sesaa wʼaguade.
“‘VaDhani navaGiriki vaibva kuUzari vakatenga zvawaishambadzira; vakatsinhanisa simbi yakabikwa, nekasia, nekaramo zvigadzirwa zvako.
20 “‘Dedan de apɔnkɔnguasotam ne wo dii gua.
“‘Dhedhani akatengeserana newe machira okugarira pamabhiza.
21 “‘Arabfo ne Kedar mmapɔmma nyinaa yɛɛ wʼaguadifo a wɔde nguantenmma, adwennini ne mpapo ne wo dii gua.
“‘Arabhia namachinda ose eKedhari vakanga vachikutengera; vakatengeserana newe namakwayana, makondobwe nembudzi.
22 “‘Seba ne Raama aguadifo ne wo dii gua; wɔde nnuhuam ahorow a ɛte apɔw, aboɔden abo ne sikakɔkɔɔ ne wo bedii nsesagua.
“‘Vashambadziri vokuShebha neRama vakatengeserana newe; pane zvawaishambadzira iwe ivo vakatsinhanisa namarudzi ezvinonhuhwira ose uye namabwe anokosha, negoridhe.
23 “‘Haran, Kan ne Eden, aguadifo a wofi Seba, Asur ne Kilmad ne wo dii gua.
“‘Harani, Kane neEdheni navashambadziri vokuShebha, Ashuri neKirimadhi vakatengeserana newe.
24 Wo gua so hɔ, wɔde ntama a ɛyɛ fɛ, nnɛmmatam a ɛyɛ tuntum, adwinne ahorow ne ntama fɛfɛ a ɛwɔ ahosu ahorow a wɔde nhoma a wɔakyinkyim abobɔ no apɔwapɔw na ayɛ ne wo bedii gua.
Vakatengeserana newe munzvimbo dzokutengesera nguo dzakaisvonaka, dzemicheka yebhuruu, nezvakarukwa, namachira amavara namabote akakoswa uye ane mafundo akasimba.
25 “‘Tarsis ahyɛn yɛ adwuma sɛ asoafo ma wʼaguade. Adesoa duruduru ayɛ wo ma wɔ po no mfimfini.
“‘Zvikepe zveTashishi zvakashanda pakutakura zvigadzirwa zvako. Iwe wakazadzwa nezvitakurwa zvinorema, imo mumwoyo megungwa.
26 Wʼaharefo no fa wo de wo kɔ po so akyirikyiri nanso apuei ahum bebubu wo mu nketenkete wɔ po no mfimfini.
Vakwasvi vako vanokutora voenda newe kumakungwa makuru. Asi mhepo yokumabvazuva ichakuputsa-putsa mumwoyo megungwa chaimo.
27 Wʼahonya, aguade ne adetɔnnne wʼahyɛn akwankyerɛfo, wʼahyɛn mufo ne wɔn a wotuatua wʼahyɛn mu ntokuru, wʼaguadifo ne wʼasraafo nyinaa, ne obiara a ɔwɔ hyɛn no mu bɛmem akɔ po ase tɔnn, da a wo hyɛn no bɛbɔ.
Pfuma yako, nenhumbi dzokutengesa nezvakagadzirwa, varayiri navafambisi vako vezvikepe navagadziri vazvo, vashambadziri vako nevarwi vako vose, uye vose varimo vachanyura mukati momwoyo wegungwa, pazuva rokuparadzwa kwechikepe chako.
28 Mpoano asase bɛwosow bere a wo hyɛn mufo no reteɛteɛ mu.
Nyika dzokumahombekombe dzichadengenyeka panodanidzira vafambisi vako vezvikepe.
29 Wɔn a wokurakura atabon no nyinaa begyaw wɔn ahyɛn hɔ; hyɛn akwankyerɛfo ne hyɛn mufo nyinaa begyinagyina mpoano.
Vose vanobata matanda okukwasva vachasiya zvikepe zvavo; vachairi nevafambisi vako vezvikepe vachamira kumahombekombe.
30 Wɔbɛma wɔn nne so asu osu yaayaw ama wo; wɔbɛpete mfutuma agu wɔn ti so na wɔayantayantam nsõ mu.
Vachadanidzira namanzwi avo vagochema zvikuru pamusoro pako; vachakusha guruva pamisoro yavo vagoumburuka mumadota.
31 Wo nti wɔbɛbobɔ tikwaw na wɔafurafura atweaatam. Wɔde ɔkra mu ahoyeraw ne awerɛhow a mu yɛ den begyam wo.
Vachaveura misoro yavo nokuda kwako, uye vachapfeka nguo dzamasaga. Vachachema pamusoro pako nokurwadza kwomwoyo, uye nokuchema kukuru.
32 Bere a wɔretwa adwo redi awerɛhow no wɔbɛma kwadwom bi a ɛfa wo ho so se: “Hena na wama no atɔ mum te sɛ Tiro a po atwa ne ho ahyia yi?”
Pavanoungudza nokuchema pamusoro pako, vachachema pamusoro pako vachiti, “Ndianiko akashaya rokureva seTire, rakakomberedzwa negungwa?”
33 Bere a wʼaguade kɔɔ po ahorow so no woboaa aman bebree; Wʼahonyade ne wʼaguade maa asase so ahemfo nyaa wɔn ho.
Pakabuda vashambadziri vako vachienda kugungwa, wakagutisa ndudzi zhinji, nepfuma yako huru uye nenhumbi dzako, wakapfumisa madzimambo enyika.
34 Afei po abubu wo mu nketenkete wɔ asu no bun mu wʼaguade ne wʼadwumayɛfo nyinaa ne wo amem kɔ asu ase.
Zvino wakaputsanyiwa negungwa mumvura zhinji yakadzika; nhumbi dzako navanhu vako vose zvakanyura pamwe chete newe.
35 Wɔn a wɔtete mpoano nyinaa ho adwiriw wɔn wɔ wo ho; ehu ma wɔn ahemfo ho popo na wɔn anim sinsiam.
Vose vanogara mumahombekombe vanoshamiswa newe; madzimambo avo anodedera nokutya, uye zviso zvavo zvakanganiswa nokutyiswa.
36 Aman no mu aguadifo bɔ ntwɔm gu wo so woaba awiei a ɛyɛ hu na wɔrenhu wo bio.’”
Vashambadziri vari pakati pendudzi vanokuridzira muridzo; wasvika kumagumo anonyangadza uye hauchazovapozve.’”

< Hesekiel 27 >